Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Numeri 19:2 - Enzanisa Shanduro Dzose

Numeri 19:2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Izvi ndizvo zvinodikanwa pamurayiro wakarayirwa naJehovha. Udza vaIsraeri kuti vakuvigire tsiru dzvuku risina kuremara, kana charingapomerwa uye risina kumbosungwa pajoko.

Pakurirana nevamwe
Numeri 19 BDSC

Numeri 19:2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Ndiwo murayiro wakarairwa naJehovha, achiti: Taura navana vaIsiraeri vauye kwauri netsiru dzvuku risina mhosva, risina kuremara, risina kumboiswa joko.

Pakurirana nevamwe
Numeri 19 SNA2002

Numeri 19:2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ndiwo murairo wakarairwa naJehova, aciti: Taura naʋana ʋaIsraeri ʋaʋuye kwauri netsiru dɀuku risinemhoȿa, risina‐kuremara, risina‐kumboiswa joko.

Pakurirana nevamwe
Numeri 19 SUB1949

Numeri 19:2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Iyi ndiyo mirao yakatemwa naTenzi: taurirai vaIsiraeri kuti vakuvigirei tsiru dzvuku risina kuremara risinawo chinoshoreka risati rambosungwa pajoki.

Pakurirana nevamwe
Numeri 19 SCLB

Numeri 19:2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Iyi ndiyo mirao yakatemwa naTenzi: taurirai vaIsiraeri kuti vakuvigirei tsiru dzvuku risina kuremara risinawo chinoshoreka risati rambosungwa pajoki.

Pakurirana nevamwe
Numeri 19 SCLBD