Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 19:1-22

Numeri 19:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Izvi ndizvo zvinodikanwa pamurayiro wakarayirwa naJehovha. Udza vaIsraeri kuti vakuvigire tsiru dzvuku risina kuremara, kana charingapomerwa uye risina kumbosungwa pajoko. Uripe kuna Ereazari muprista; rinofanira kubudiswa kunze kwomusasa rigourayiwa pamberi pake. Ipapo Ereazari muprista anofanira kutora rimwe reropa raro nomunwe agorisasa kanomwe akananga mberi kweTende Rokusangana. Akatarisa, tsiru rinofanira kupiswa, dehwe raro, nyama yaro namazvizvi aro. Muprista anofanira kutora huni dzomusidhari, hisopi newuru tsvuku agozvikanda pamusoro petsiru riri kutsva. Shure kwaizvozvo, muprista anofanira kusuka nguo dzake uye azvishambidze nemvura. Ipapo angachipinda hake mumusasa, asi achange asina kunatswa kusvikira madekwana. Munhu acharipisa naiyewo anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura uye iyewo achava asina kuchena kusvikira madekwana. “Munhu akachena achaunganidza madota etsiru agoaisa panzvimbo yakanaka iri kunze kwomusasa. Achachengetwa neungano yavaIsraeri kuti agoshandiswa pamvura yokunatsa; ndeyokunatswa kubva pachivi. Munhu anounganidza madota etsiru anofanirawo kusuka nguo dzake, naiyewo achava asina kuchena kusvikira madekwana. Mutemo uyu uchagara uripo pakati pavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo. “Ani naani anobata chitunha chaani zvake achava asina kuchena kwamazuva manomwe. Anofanira kuzvinatsa nemvura nezuva retatu uye nezuva rechinomwe; ipapo achava akachena. Ani naani anobata chitunha chaani zvake akasazvinatsa anosvibisa tabhenakeri yaJehovha. Munhu uyu anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri. Nokuti mvura yokunatsa haina kumbosaswa pamusoro pake, haana kuchena; kusachena kwake kucharamba kuri paari. “Uyu ndiwo murayiro unobata pamunhu anofira mutende: Ani naani anopinda mutende uye ani zvake ari mariri achava asina kuchena kwamazuva manomwe, uye midziyo yose yakazarurwa, isina kukwidibirwa, ichava isina kuchena. “Ani naani ari musango anobata munhu akaurayiwa nomunondo kana mumwe munhu akangofawo zvake, kana munhu anobata bvupa romunhu kana guva, achava asina kuchena kwamazuva manomwe. “Kana munhu asina kuchena, utore dota rinobva pachipiriso chokunatsa chakapiswa ugoriisa muchirongo ugoridira mvura yakachena. Ipapo munhu akachena anofanira kutora hisopi, ainyike mumvura agosasa tende nemidziyo yose uye navanhu vanga varimo. Anofanira kusasawo ani zvake akabata bvupa romunhu kana guva kana mumwe munhu akaurayiwa kana munhu akangofawo zvake. Munhu akachena anofanira kusasa munhu asina kuchena nezuva rechitatu uye nerechinomwe, uye pazuva rechinomwe anofanira kumunatsa. Munhu ari kunatswa anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura, uye manheru iwayo anofanira kuva akachena. Asi kana munhu asina kuchena akasazvinatsa, anofanira kubviswa paungano, nokuti iye asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha. Mvura yokunatsa haina kumbosaswa paari, nokudaro haana kuchena. Uyu mutemo uchagara uripo kwavari. “Munhu anosasa mvura yokunatsa anofanirawo kusuka nguo dzake, uye ani naani anobata mvura yokunatsa achava asina kunaka kusvikira madekwana. Chinhu chose chinobatwa nomunhu asina kuchena chinova chisina kuchena, uye ani naani anochibata anova asina kuchena kusvikira madekwana.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 19

Numeri 19:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni, akati, “Ndiwo murayiro wakarairwa naJehovha, achiti: Taura navana vaIsiraeri vauye kwauri netsiru dzvuku risina mhosva, risina kuremara, risina kumboiswa joko. Zvino munofanira kuripa Ereazari mupristi, iye aribudise kunze kwemisasa, rigourawa pamberi pake. Ipapo Ereazari mupristi anofanira kutora ropa raro nomunwe wake, nokusasa ropa raro kanomwe kurutivi rwemberi rwetende rokusangana; zvino tsiru rinofanira kupiswa pamberi pake; dehwe raro, nenyama yaro, neropa raro, pamwechete namazvizvi aro, zvinofanira kupiswa. Zvino mupristi anofanira kutora rutanda rwomusidhari nehisopi, nomucheka mutsvuku, ndokuzvikandira pakati pomoto unopisa tsiru. Ipapo mupristi anofanira kusuka nguo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura, ndokuzopinda mumisasa, mupristi agova asina kunaka kusvikira madeko. Nomunhu anoripisa anofanira kusuka nguo dzake nemvura, nokushambidza muviri wake nemvura, agova asina kunaka kusvikira madeko. Zvino mumwe munhu akanaka anofanira kuunganidza madota etsiru, ndokuachengeta kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka, kuti achengeterwe ungano yavana vaIsiraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; chipiriso chezvivi. Zvino iye akaunganidza madota etsiru, anofanira kusuka nguo dzake, agova asina kunaka kusvikira madeko; anofanira kuva mutemo usingaperi kuvana vaIsiraeri nokuvatorwa vagere pakati pavo. Munhu anobata chitunha chomunhu upi noupi, anofanira kuva asina kunaka mazuva manomwe. Iye anofanira kuzvinatsa nayo nezuva retatu, agova akanaka nezuva rechinomwe; asi kana asingazvinatsi nezuva retatu, haangavi akanaka nezuva rechinomwe. Ani naani anobata akafa, chiri chitunha chomunhu upi noupi akafa, akasazvinatsa, anosvibisa tabhenakeri yaJehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavaIsiraeri; mvura inonatsa zvaisina kusaswa pamusoro pake, anofanira kuva asina kunaka; tsvina yake ichiri kwaari. Ndiwo murayiro kana munhu akafa mutende: Mumwe nomumwe anopinda mutende, nomumwe nomumwe ari mutende, achava asina kunaka mazuva manomwe. Nemidziyo yose yakashama, isina chifunhiro chakasungirwa, ichava isina kunaka. Ani naani anobata munhu akaurawa kusango nomunondo, kana chitunha, kana pfupa romunhu, kana hwiro, achava asina kunaka mazuva manomwe. Zvino munhu asina kunaka anofanira kundotorerwa madota echipiriso chezvivi chakapiswa, mvura inoyerera igodirwa pamusoro pawo mumudziyo, zvino munhu akanaka anofanira kutora hisopi, ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patende, napanhumbi dzose, napavanhu vose vaivapo, napamunhu akabata pfupa, kana akanga aurawa, kana akafa, kana hwiro; zvino munhu akanaka anofanira kusasa munhu usina kunaka nezuva retatu nerechinomwe; nezuva rechinomwe anofanira kumunatsa; zvino iye anofanira kusuka nguo dzake, nokuzvishambidza nemvura, agova akanaka madeko. Asi kana munhu akasvibiswa akasazvinatsa, munhu uyo anofanira kubviswa pakati peungano, nokuti asvibisa imba tsvene yaJehovha; mvura inonatsa haina kusaswa pamusoro pake; haana kunaka. Unofanira kuva mutemo usingaperi kwavari. Munhu anosasa mvura inonatsa, anofanira kusuka nguo dzake; naiye anobata mvura inonatsa, achava asina kunaka kusvikira madeko. Nezvose zvinobatwa nomunhu usina kunaka, zvichava zvisina kunaka; nomunhu anozvibata achava usina kunaka kusvikira madeko.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 19

Numeri 19:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, “Iyi ndiyo mirao yakatemwa naTenzi: taurirai vaIsiraeri kuti vakuvigirei tsiru dzvuku risina kuremara risinawo chinoshoreka risati rambosungwa pajoki. Ipai tsiru iroro kumupristi Ereazari. Tsiru iroro ngaritorwe riendwe naro kunze kwenharaunda yamatendhe, riurayirweko, Ereazari aripo. Ipapo Ereazari ngaanyike munwe wake muropa retsiru riya arisase kudivi kune tendhe rokusanganira kanomwe. Tsiru iroro ngaripiswe Ereazari achiona. Ngaripiswe rose, nyama yaro, nedehwe raro, neropa raro pamwechete nendove yaro. Mupristi ngaatore chimuti chomusidhari nekabazi komuhisopi neshinda tsvuku akande izvozvo mumoto mune tsiru riya. Kana mupristi apedza kuita izvozvo atova munhu akan'ora kusvikira zuva radoka. Ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri nemvura adzokere zvake kumatendhe. Munhu uya apisa tsiru riya atovawo munhu akan'ora kusvikira zuva radoka. Ngaasuke hanzu dzake nemvura, ashambe muviri nemvura. Ipapo mumwe murume anenge asina kun'ora ngaaunganidze madota etsiru riya rakapiswa andoaisa kunze kwenharaunda yematendhe panzvimbo isina kun'ora. Madota iwayo ngaachengeterwe vaIsiraeri kuti vazoaisa mumvura iya inosaswa pakuchenura zvinhu napakubvisa zvitadzo. Murume uya atakura madota etsiru riya atovawo munhu akan'ora kusvikira zuva radoka. Ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri. Murao iwoyu uchagara uripo unofanira kuchengetwa navaIsiraeri navatorwa vagere navo. “Ani naani anobata chero chitunha chomunhu, achapedza mazuva manomwe akan'ora. Ngaazvinatse nemvura iya yokuchenurisa zvinhu pazuva retatu napazuva rechinomwe. Ipapo achava munhu achenurwa. Asi kana asina kuzvinatsa saizvozvo pazuva retatu napazuva rechinomwe achange ari munhu akan'ora. Ani naani anobata chero chitunha chomunhu asingazozvinatsi anon'oresa tendhe raTenzi rinoera. Munhu iyeyo ngaachekaniswe ukama navaIsiraeri. Acharamba akan'ora nokuti haana kusaswa nemvura yokuchenurisa. “Uyu ndiwo murao kana munhu afira mutendhe. Ani naani anenge ari mutendhe iroro, uye ani naani zvake achapindamo achapedza mazuva manomwe akan'ora. Midziyo yose inenge yakashama isina chokukwidibirisa inobva yan'ora. Ani naani anobata chitunha chomunhu akaita zvokuurayiwa nebakatwa kana chitunha chomunhu akangofawo zvake achifira kunze, kunyange anobata bvupa romunhu, kana anobata guva, achapedza mazuva manomwe akan'ora. “Pakuchenura munhu iyeyo torai madota aye emupiro wokupfupira zvitadzo, muaise mumudziyo, mudiremo mvura yakachena. Munhu anenge asina kun'ora ngaatore kabazi komuhisopi, akanyike mumvura iya, asase tendhe racho chairo nepazvinhu zvose navanhu vaiva mutendhe muya makafira munhu. Mvura iyoyo ngaisaswewo saizvozvi pamunhu anenge akabata chitunha chomunhu angofawo zvake kana munhu akaurayiwa, kana pamunhu akabata bvupa romunhu, kana pamunhu akabata guva. Munhu asina kun'ora ngaasase mvura pamunhu uya akan'ora pazuva retatu napazuva rechinomwe. Saka ndiwo machenuriro aanomuita pazuva rechinomwe. Ipapo nyakuchenurwa iyeyo ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri wake mumvura. Achazochenurwa kana zuva radoka. “Asi kana munhu achinge an'ora akarega kuzvichenura gungano renyu rose ngarichekane ukama naye nokuti akan'oresa tendhe rinoera raTenzi zvaasina kusaswa mvura yokuchenurisa munhu anenge akan'ora. Kwamuri imi murao iwoyu, murao uchagara uripo narini wose. Munhu anosasa mvura yokuchenurisa ngaasuke zvipfeko zvake. Ani naani anobata mvura iyi yokuchenurisa achaswera akan'ora kusvikira zuva radoka. Chinhu chose chinobatwa nomunhu akan'ora chinon'ora kusvika manheru. Ani naani anobata chinhu chakan'ora achava munhu akan'ora kusvikira zuva radoka.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 19

Numeri 19:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati: Ndiwo murairo wakarairwa naJehova, aciti: Taura naʋana ʋaIsraeri ʋaʋuye kwauri netsiru dɀuku risinemhoȿa, risina‐kuremara, risina‐kumboiswa joko. Ɀino munofanira kuripa Ereazari muprista, iye ariɓuɗise kunze kwemisasa, rigoʋurawa pamberi pake. Ipapo Ereazari muprista unofanira kutora ropa raro nomunwe wake, nokusasa ropa raro kanomŋe kurutiʋi rwemberi rwetente rokusoŋgana; ɀino tsiru rinofanira kupiswa pamberi pake; ɗebge raro, nenyama yaro, neropa raro, pamŋe cete namaɀiɀi aro, ɀinofanira kupiswa. Ɀino muprista unofanira kutora rutanda rwomusidari nehisopi, nomuceka mutȿuku, ndokuɀikandira pakati pomŋoto unopisa tsiru. Ipapo muprista unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokushambidza muʋiri wake nemvura, ndokuzopinda mumisasa, muprista agoʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. Nomunhu unoripisa unofanira kusuka ŋguʋo dzake nemvura, nokushambidza muʋiri wake nemvura, agoʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. Ɀino mumŋe munhu wakanaka unofanira kuʋuŋganidza maɗota etsiru, ndokuaceŋgeta kunze kwemisasa panɀimbo yakanaka, kuti aceŋgeterwe ʋuŋgano yaʋana ʋaIsraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; cipiriso ceɀiʋi. Ɀino iye wakaʋuŋganidza maɗota etsiru, unofanira kusuka ŋguʋo dzake, agoʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; unofanira kuʋa mutemo usiŋgaperi kuʋana ʋaIsraeri nokuʋatorwa ʋagere pakati paʋo. Munhu unoɓata citunha comunhu upi noupi, unofanira kuʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe. Iye unofanira kuɀinatsa nayo nezuʋa retatu, agoʋa wakanaka nezuʋa recinomŋe; asi kana asiŋgaɀinatsi nezuʋa retatu, haaŋgaʋi wakanaka nezuʋa recinomŋe. Aninani unoɓata wakafa, ciri citunha comunhu upi noupi wakafa, akasaɀinatsa, unoȿiɓisa tabernakeri yaJehova; munhu uyo unofanira kubviswa pakati paʋaIsraeri; mvura inonatsa ɀaisinakusaswa pamsoro pake, unofanira kuʋa usina‐kunaka; tȿina yake iciri kwaari. Ndiwo murairo kana munhu akafa mutente: Mumŋe nomumŋe unopinda mutente, nomumŋe nomumŋe uri mutente, ucaʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe. Nemidziyo yose yakashama, isinecifunhiro cakasuŋgirwa, icaʋa isina‐kunaka. Aninani unoɓata munhu wakaʋurawa kusaŋgo nomunondo, kana citunha, kana fupa romunhu, kana bgiro, ucaʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe. Ɀino munhu usina‐kunaka unofanira kundotorerwa maɗota ecipiriso ceɀiʋi cakapiswa, mvura inoyerera igoɗirwa pamsoro pawo mumudziyo, ɀino munhu wakanaka unofanira kutora hisopi, ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patente, napanhumbi dzose, napaʋanhu ʋose ʋaiʋa’po, napamunhu wakaɓata fupa, kana wakaŋga aʋurawa, kana wakafa, kana bgiro; ɀino munhu wakanaka unofanira kusasa munhu usina‐kunaka nezuʋa retatu nerecinomŋe; nezuʋa recinomŋe unofanira kumunatsa; ɀino iye unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokuɀishambidza nemvura, agoʋa wakanaka maɗeko. Asi kana munhu akaȿiɓiswa akasaɀinatsa, munhu uyo unofanira kubviswa pakati peʋuŋgano, nokuti waȿiɓisa imba tȿene yaJehova; mvura inonatsa haina‐kusaswa pamsoro pake; haana‐kunaka. Unofanira kuʋa mutemo usiŋgaperi kwaʋari. Munhu unosasa mvura inonatsa, unofanira kusuka ŋguʋo dzake; naiye unoɓata mvura inonatsa, ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. Neɀose ɀinoɓatwa nomunhu usina‐kunaka, ɀicaʋa ɀisina‐kunaka; nomunhu unoɀiɓata ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 19

Numeri 19:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)