Numeri 18:1-32
Numeri 18:1-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe, navanakomana vako nemhuri yababa vako munofanira kuva nebasa rokutakura mhosva dzinotadzirwa nzvimbo tsvene, uye iwe navanakomana vako bedzi ndimi munofanira kuita basa rokutakura mhosva dzinotadzirwa basa rouprista. Uya nehama dzako ivo vaRevhi vanobva kurudzi rwamadzitateguru ako kuti vazobatana newe uye vagokubatsira iwe navanakomana vako pamunoshumira pamberi peTende reChipupuriro. Vanofanira kuva pasi pako uye vanofanira kuita mabasa ose eTende asi havafaniri kuswedera pedyo nemidziyo yenzvimbo tsvene kana aritari, kana kuti mose ivo newe muchafa. Vanofanira kubatana newe vagoita basa rokuchengeta Tende Rokusangana, basa rose rapaTende uye hakuna mumwezve anofanira kuswedera pauri. “Munofanira kuva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene nearitari, kuti hasha dzirege kuwira pavaIsraerizve. Ini pachangu ndakasarudza hama dzako ivo vaRevhi pakati pavaIsraeri kuti vave sechipo kwauri, vakumikidzwe kuna Jehovha kuti vaite basa paTende Rokusangana. Asi iwe chete navanakomana vako ndimi mungashanda savaprista pazvinhu zvose zviri paaritari nezviri mukati mechifukidziro. Ndiri kukupai basa rouprista sechipo. Ani naani anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.” Ipapo Jehovha akati kuna Aroni, “Ini ndimene ndakugadza kuti uve muchengeti wezvipiriso zvinopiwa kwandiri; zvipiriso zvose zvitsvene zvinopiwa kwandiri navaIsraeri ndinozvipa kwauri iwe navanakomana vako somugove wako uye ugova mugove wako wamazuva ose. Iwe unofanira kuva nomugove wezvipiriso zvitsvene-tsvene zvinosara pane zvinopiswa. Pazvipo zvose zvavanondivigira sezvipiriso zvitsvene-tsvene, zvingava zvezviyo kana zvechivi kana chipiriso chemhosva, chikamu ichocho ndechako iwe navanakomana vako. Muchidye sechinhu chitsvene-tsvene; murume wose achachidya. Chinofanira kuva chitsvene kwamuri. “Izvi ndezvako zvakare: chimwe nechimwe chinotsaurwa kubva pazvipo zvose zvezvipiriso zvinoninirwa zvavaIsraeri. Ndinokupa izvi iwe navanakomana vako navanasikana vako somugove wako wamazuva ose. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya hake. “Ndinokupa mafuta omuorivhi akaisvonaka uye waini yose yakaisvonaka nezviyo zvavanovigira Jehovha sezvibereko zvokutanga zvegohwo ravo. Zvibereko zvose zvenyika zvavanovigira Jehovha zvichava zvako. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya. “Zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha muIsraeri ndezvako. Chibereko chinotanga kuzarura chizvaro, chingava chomunhu kana chechipfuwo, chinopiwa kuna Jehovha, ndechako. Asi unofanira kudzikinura mwanakomana wose wedangwe uye dangwe rose remhuka dzisina kunaka. Kana zvava nomwedzi mumwe chete, unofanira kuzvidzikinura nomutengo wedzikinuro wakatarwa wamashekeri mashanu esirivha, maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri. “Asi haufaniri kudzikinura mhuru nzombe yedangwe, gwai kana mbudzi, zvitsvene. Usase ropa razvo paaritari ugopisa mafuta azvo sechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. Nyama yazvo ichava yako, sezvakangoita chityu chechipiriso chokuninira nechidya chokurudyi zvagara zviri zvako. Ndinokupa zvose zvipiriso zvitsvene zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, iwe navanakomana navanasikana vako somugove wako wenguva yose. Isungano yemunyu nokusingaperi pamberi paJehovha kwamuri mose iwe nezvizvarwa zvako.” Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe haungawani nhaka munyika mavo, uye haungavi nomugove nenhaka pakati pavaIsraeri. “VaRevhi ndinovapa zvegumi zvose zvavaIsraeri senhaka yavo kutsiva basa ravanoita pavanenge vachishumira paTende Rokusangana. Kubva zvino zvichienda mberi, vaIsraeri havafaniri kuswedera kuTende Rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo vakazofa. VaRevhi ndivo vanofanira kuita basa paTende Rokusangana uye vagotakura zvakaipa zvavanhu. Uyu mutemo uchagara uripo kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Ivo havangawani nhaka pakati pavaIsraeri. Pachinzvimbo chaizvozvo ndinopa kuvaRevhi nhaka yezvegumi zvinopiwa kuna Jehovha navaIsraeri. Ndokusaka ndakati kwavari: ‘Havangavi nenhaka pakati pavaIsraeri.’ ” Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaRevhi uti kwavari: ‘Pamunogamuchira zvegumi kubva kuvaIsraeri zvandinokupai senhaka yenyu, munofanira kupa chegumi chezvegumi sechipiriso chaJehovha. Chipiriso chako chichaverengwa kwauri sechezviyo zvinobva paburiro kana muto wewaini unobva pachisviniro chewaini. Nenzira iyi nemiwo munofanira kupa chipiriso kuna Jehovha kubva pazvegumi zvose zvamunogamuchira kubva kuvaIsraeri. Kubva pazvegumi izvi, munofanira kupa mugove waJehovha kuna Aroni muprista. Munofanira kupa somugove waJehovha chakanakisisa uye chikamu chitsvene chezvinhu zvose zvamunenge mapiwa.’ “Uti kuvaRevhi: ‘Pamunouyisa chikamu chakanakisisa, chichagamuchirwa kubva kwamuri sechakabva paburiro kana pachisviniro chewaini, iwe nemhuri yako mungadya henyu zvakasara zvose chero pamunenge muri, nokuti ndiwo mubayiro wenyu webasa renyu rapaTende Rokusangana. Hamungazovi nemhosva pachinhu kana muchiuyisa chikamu chakanakisisa chacho; ipapo hamungazosvibisi zvitsvene zvavaIsraeri, uye hamuzofi.’ ”
Numeri 18:1-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe navanakomana vako, naveimba yababa vako pamwechete newe, munofanira kutakura zvakaipa zveimba tsvene; iwe navanakomana vako pamwechete newe munofanira kutakura zvakaipa zvoupristi hwenyu. Nehama dzako dzorudzi rwaRevhi, dzorudzi rwababa vako, udziswededze pamwechete newe, dzive newe, dzikubatire; asi iwe navanakomana vako pamwechete newe, munofanira kuva pamberi petende rechipupuriro. Vanofanira kukuchengeta iwe nokuchengeta Tende rose; asi havafaniri kuswedera kunhumbi dzeimba tsvene neatari, kuti varege kufa, kana ivo kana imi. Vanofanira kuva newe, nokuchengeta tende rokusangana, nokuita mabasa ose eTende; asina kufanira haafaniri kuswedera kwamuri. Munofanira kuchengeta imba tsvene, nokuchengeta atari, kuti kutsamwa kurege kuuya pamusoro pavana vaIsiraeri. Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, vave chipo kwamuri, vanhu vakapiwa Jehovha, kuti vabate mabasa etende rokusangana. Iwe navana vako pamwechete newe munofanira kubata basa roupristi hwenyu pazvinhu zvose zveatari, nezvose zviri mukati mechidzitiro; ndipo pamunofanira kubata; ndinokupai upristi, chive chipo chebasa; asi asina kufanira, anoswedera, anofanira kuurawa.” Jehovha akataurawo naAroni, akati, “Ini, tarira, ndakakupa basa rokuchengeta zvipiriso zvangu zvinotsaurwa, izvo zvinhu zvose zvakatsaurwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo uve mugove wako nowavanakomana vako nokusingaperi. Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kuva zvako pazvinhu zvitsvene zvikuru, zvakasara kana zvimwe zvapiswa, zvinoti: Zvipo zvavo zvose, izvo zvipiriso zvavo zvose zvoupfu, nezvipiriso zvavo zvose zvezvivi, nezvipiriso zvavo zvose zvemhosva, zvavanondipa, izvo zvinofanira kuva zvitsvene zvikuru kwauri nokuvanakomana vako. Munofanira kuzvidya panzvimbo tsvene‐tsvene; varume vose vanofanira kuzvidya; zvinofanira kuva zvitsvene kwamuri. Izvi ndizvo zvako: Chipiriso chinotsaurwa nezvipo zvavo, izvo zvipiriso zvose zvinozunguzirwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo, iwe, navanakomana vako, navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvenyu nokusingaperi; vose vakanaka mumba mako vangazvidya. Ndakakupa mafuta ose akaisvonaka, newaini yakaisvonaka, nezviyo zvose zvakaisvonaka, izvo zvitsva zvazvo zvavanopa Jehovha. Zvibereko zvitsva zvose nezvose zviri munyika yavo, zvavanouya nazvo kuna Jehovha, zvinofanira kuva zvako; mumwe nomumwe akanaka mumba mako angazvidya. Zvose zvakayeriswa pakati paIsiraeri zvinofanira kuva zvako. Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, panyama yose yavanouyisa kuna Jehovha, kana zviri zvavanhu, kana zvezvipfuwo, zvinofanira kuva zvako; kunyange zvakadaro matangwe avanhu unofanira kuadzikinura; vana vose vemhongora dzezvipfuwo unofanira kuvadzikinurawo. Zvose zvinofanira kudzikinurwa pazviri, zvomwedzi mumwe nezvinopfuura, unofanira kuzvidzikinura sezvaunotara iwe, nemari inosvika pamashekeri mashanu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene (rakaenzana namagera ana makumi maviri.) Asi usadzikinura mwana wemhongora yemombe, kana yegwai, kana yembudzi; zvitsvene; unofanira kusasa ropa razvo pamusoro peatari, nokupisa mafuta azvo, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. Asi nyama yazvo inofanira kuva yako, zvinofanira kuva zvako sechityu chinozunguzirwa nebandauko rorudyi. Zvipiriso zvose zvinotsaurwa zvezvinhu zvinopiwa Jehovha navana vaIsiraeri, ndakakupa izvo, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvako nokusingaperi; isungano yomunyu nokusingaperi pamberi paJehovha, kwauri navazukuru vako pamwechete newe.” Zvino Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe haungavi nenhaka panyika yavo, haungavi nomugove pakati pavo; ini ndiri mugove wako nenhaka yako pakati pavana vaIsiraeri. “Tarira, vana vaRevhi ndakavapa zvegumi zvezvose zvavana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, uve mubayiro webasa ravanobata, iro basa rapatende rokusangana. Kubva zvino vana vaIsiraeri ngavarege kuswedera kutende rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo, vakafa. Asi vaRevhi vanofanira kubata basa rapatende rokusangana, ivo vanofanira kutakura zvakaipa zvavo; unofanira kuva mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose; havangavi nenhaka pakati pavana vaIsiraeri. Nokuti zvegumi zvavana vaIsiraeri zvavanopa Jehovha, zvive zvipiriso zvinotsaurwa, ndizvo zvandakapa vaRevhi, kuti ive nhaka yavo; naizvozvo ndakati kwavari, havangavi nenhaka pakati pavana vaIsiraeri.” Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Taura navaRevhi, uti kwavari, ‘Kana muchitora kuvana vaIsiraeri zvegumi zvavo zvandakakupai, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kupa Jehovha chegumi chezvegumi izvo, chive chipiriso chinotsaurwa.’ Chipiriso chenyu chinotsaurwa chichaverengwa kwamuri sezviyo zviri paburiro, uye sewaini izere muchisviniro chewaini. Saizvozvo nemiwo muchapa Jehovha chipiriso chinotsaurwa chezvegumi zvenyu zvose zvamunopiwa navana vaIsiraeri; zvino kuna izvozvo munofanira kupa Aroni mupristi chipiriso chinotsaurwa chaJehovha. Pazvose zvamunopiwa, munofanira kupa Jehovha zvipiriso zvenyu zvose zvinotsaurwa, muchitsaura zvakaisvonaka kwazviri, mugove wakatsaurwa pakati pazvo. Naizvozvo uti kwavari, ‘Kana matsaura zvakaisvonaka kwazviri, zvinofanira kuverengerwa vaRevhi sezvakapurwa paburiro, nezvakasviniwa pachisviniro chewaini. Munofanira kuzvidya panzvimbo dzose, imi nemhuri dzenyu; nokuti ndiwo mubayiro wenyu webasa ramunobata patende rokusangana.’ Hamungazovi nezvivi nokuda kwazvo, kana mambotsaura zvakaisvonaka kwazviri; hamufaniri kuzvidza zvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri, kuti murege kufa.”
Numeri 18:1-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Aroni achiti, “Kana pane chinokanganiswa pakushanda munzvimbo inoera, mhosva ndeyako iwe navanakomana vako vemhuri yokwako. Asi kana zvava zvebasa roupristi ndiwe navanakomana vemhuri yokwako bedzi muchava nemhosva. Uya nehama dzako dzedzinza rokwaRevhi kuti vaite basa vachibatsira iwe navanakomana vako pamunenge muchishanda mutendhe reuchapupu. Vachava vashandiri venyu uye vachaitawo mabasa ose omutendhe iroro. Asi ngavarege kubata zvemidziyo yomunzvimbo inoera kana kusvika pedyo neatari kuti ivo newe murege kufa. Vachauya kuzobatana newe vari vashandi vomutendhe rinoera vachiita mabasa omo, mumwe munhuwo zvake, ngaarege kuuya kuzokubatsira. Mabasa omunzvimbo inoera, neepaatari, achaitwa nemi chete kuti hasha dzangu dzirege kumukirazve vaIsiraeri. Chinzwa, ini ndini ndasarudza hama dzako vaRevhi pakati pavaIsiraeri, vava chipo chawapiwa. Vapirwa kwandiri kuti vaite basa romutendhe rokusanganira. Asi iwe navanakomana vako ndimi moga muchaita basa roupristi nerezvose zvepaatari neremumupanda unoeresesa museri mejira rokudzikatirisa. Ndiro basa rako. Ndinokupa chipo choupristi. Asi mumwe munhuwo zvake anoedza kuita basa iroro ngaaurayiwe.” Tenzi akataurira Aroni achiti, “Chinzwa, ndakupa zvose zvinosiyiwa zvemipiro yandinopirwa. Zvose zvazvo zvandinoturirwa navaIsiraeri ndazvipa iwe navanakomana vako. Iwoyu ndiwo mugove wako narini narini. Izvozvi ndizvo zvaunopiwa zvinenge zvasiyiwa pamipiro inoeresesa yandinopisirwa navaIsiraeri pamipiro yembesanwa nemipiro yokuchenura munhu nemipiro yokupfupira mhosva. Ndiwo mugove wako navanakomana vako. Zvinhu izvozvi zvinoera, zvidyirei panzvimbo inoera. Ngazvidyiwe navanhurume chete. “Zvimwe zvamuchapiwa navaIsiraeri ndeizvi: zvipo zvemipiro yavo, nemipiro yavo yose inovheyeswa ichipirwa kuna Mwari. Zvinhu izvozvi ndapa iwe navanakomana navanasikana vako. Ndezvenyu narini narini. Ani naani wemhuri yako anenge asina kun'ora anobvumirwa kuzvidya. Ndakupa mafuta ose akanaka eorivhi, newaini yose yakanaka nembesanwa dzose dzakanaka, nemichero yokutanga yavanopa Tenzi. Zvose zvinotanga kuibva zvomuminda yavo zvavanopa Tenzi ndezvako. Munhu wose anenge asina kun'ora wemhuri yako anobvumirwa kuzvidya. “Zvose zvinenge zvatemwa chaizvo kuti zvava zvaTenzi ndezvako. Matangwe ose, chose chinotanga kuzarura nhumbu, angava avanhu kana emhuka avanouya nawo, kuzopira kuna Tenzi, ndeako. Asi dzikinurisa matangwe avanhu neemhuka dzakanora. Matangwe iwayo ngaadzikinurwe mumwedzi wawo wokutanga nemari yesirivha inokwana mashekeri mashanu, shekeri racho rine mwero weshekeri remunzvimbo inoera iine uremu hwamagiramu gumi nemaviri. Asi usadzikinurise matangwe emombe kana ehwai kana embudzi. Anoera. Sasa ropa rawo paatari upire mafuta awo uite mupiro unoita zvokupiswa nemoto, kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi. Asi nyama yacho ndeyako sezvakaita chityu nechidya chokurudyi zvomupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi, ndezvako. Mipiro yose inoera inosimudzirwa ichipirwa kuna Tenzi navaIsiraeri ndapa iwe navana vako vakomana navasikana narini narini. Ichocho chitenderano chomunyu, chaTenzi nemi, ndochitenderano chinozadziswa nokudya chichagara chiripo pazvizvarwa zvenyu zvose.” Tenzi akati kuna Aroni, “Iwe hauwani nhaka munyika yavaIsiraeri kana kupiwa mugove pakati pavo. Ini ndini mugove wako nenhaka yako muvaIsiraeri. “Ndapa vaRevhi nhaka yechegumi chose chandinopiwa navaIsiraeri. Ndiwo mugove wavanopiwa pamusana pebasa ravanoita mutendhe rokusanganira. VaIsiraeri ngavachirega kusvika pedyo netendhe rokusanganira nokuti vangadaro vakapara mhosva vakafa, asi vaRevhi ndivo vachaita basa romutendhe rokusanganira, ivo vangapare mhosva. Murao iwoyu uchagara uripo kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa zvenyu. Pakati pavaIsiraeri vose vaRevhi havana nhaka. Chegumi chavaIsiraeri chavanounza kuzopira kuna Tenzi ndachipa kuvaRevhi senhaka yavo ndokusaka ndati havana nyika yenhaka mukati mavaIsiraeri.” Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaRevhi kuti, kana magamuchira chegumi chinobviswa navaIsiraeri chandinokupai chichibva kwavari senhaka bvisai mupiro pachiri mupire kuna Tenzi, chiri chegumi pane chegumi ichocho. Chegumi ichocho chamunobvisa chichanzi ndicho mupiro wenyu wakafanana nemupiro wembesanwa dzinotanga kupurwa paburiro, newewaini itsva inotanga kusvinwa muchisviniro. Saka imi bvisaiwo chipo chokupira Tenzi chichibva pane zvegumi zvose zvamunogamuchira zvinobva kuvaIsiraeri. Pane zvegumi izvozvo bvisai mugove waMwari mupe Aroni mupristi. Pamipiro yose inounzwa kwamuri, sarudzai zvaTenzi zvakanakisisa zvazvo zvive zvinoera zvinopirwa kuna Tenzi. Saka taurira vaRevhi kuti, kana mapira Tenzi chakanakisisa pazviri, zvinenge zvasara ndezvevaRevhi, sezvinoita murimi anopira mupiro wake wembesanwa dzokutanga, newewaini inotanga kusvinwa muchisviniro. Imi nemhuri dzenyu dyirai zvinenge zvasara pose pose pamunoda nokuti mubairo wenyu wamunopiwa wokushanda mutendhe rokusanganira kwamunoita. Hamuzovi nemhosva yacho kana mukatanga mapira zvakanakisisisa zvacho. Ipapo hamuzon'oresi mipiro inoera yavaIsiraeri, uye hamuzofi.”
Numeri 18:1-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova akati kunaAroni: Iwe naʋanakomana ʋako, naʋeimba yaɓaɓa ʋako pamŋe cete newe, munofanira kutakura ɀakaipa ɀeimba tȿene; iwe naʋanakomana ʋako pamŋe cete newe munofanira kutakura ɀakaipa ɀoʋuprista bgenyu. Nehama dzako dzorudzi rwaRevi, dzorudzi rwaɓaɓa ʋako, udzisweɗedze pamŋe cete newe, dziʋe newe, dzikuɓatire; asi iwe naʋanakomana ʋako pamŋe cete newe, munofanira kuʋa pamberi petente recipupuriro. Ʋanofanira kukuceŋgeta iwe nokuceŋgeta Tente rose; asi haʋafaniri kusweɗera kunhumbi dzeimba tȿene neartari, kuti ʋarege kufa, kana iʋo kana imi. Ʋanofanira kuʋa newe, nokuceŋgeta tente rokusoŋgana, nokuita maɓasa ose eTente; usina‐kufanira haafaniri kusweɗera kwamuri. Munofanira kuceŋgeta imba tȿene, nokuceŋgeta artari, kuti kutsamŋa kurege kuʋuya pamsoro paʋana ʋaIsraeri. Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu ʋaRevi pakati paʋana ʋaIsraeri, ʋaʋe cipo kwamuri, ʋanhu ʋakapiwa Jehova, kuti ʋaɓate maɓasa etente rokusoŋgana. Iwe naʋana ʋako pamŋe cete newe munofanira kuɓate‐ɓasa roʋuprista bgenyu paɀinhu ɀose ɀeartari, neɀose ɀiri mukati mecidzitiro; ndipo pamunofanira kuɓata; ndinokupai ʋuprista, ciʋe cipo ceɓasa; asi usina‐kufanira, unosweɗera, unofanira kuʋurawa. Jehova akataura ʋo naAroni, akati: Ini, tarira, ndakakupa ɓasa rokuceŋgeta ɀipiriso ɀaŋgu ɀinotsaurwa, iɀo ɀinhu ɀose ɀakatsaurwa ɀaʋana ʋaIsraeri; ndakakupa iɀo uʋe mugoʋe wako nowaʋanakomana ʋako nokusiŋgaperi. Ɀinhu iɀi ndiɀo ɀinofanira kuʋa ɀako paɀinhu ɀitȿene ɀikuru, ɀakasara kana ɀimŋe ɀapiswa, ɀinoti: Ɀipo ɀaʋo ɀose, iɀo ɀipiriso ɀaʋo ɀose ɀoʋupfu, neɀipiriso ɀaʋo ɀose ɀeɀiʋi, neɀipiriso ɀaʋo ɀose ɀemhoȿa, ɀaʋanondipa, iɀo ɀinofanira kuʋa ɀitȿene ɀikuru kwauri nokuʋanakomana ʋako. Munofanira kuɀidya panɀimbo tȿene‐tȿene; ʋarume ʋose ʋanofanira kuɀidya; ɀinofanira kuʋa ɀitȿene kwamuri. Iɀi ndiɀo ɀako: Cipiriso cinotsaurwa ceɀipo ɀaʋo, iɀo ɀipiriso ɀose ɀinozuŋguzirwa ɀaʋana ʋaIsraeri; ndakakupa iɀo, iwe, naʋanakomana ʋako, naʋanasikana ʋako pamŋe cete newe, ɀiʋe ɀenyu nokusiŋgaperi; ʋose ʋakanaka mumba mako ʋaŋgaɀidya. Ndakakupa mafuta ose akaiȿo‐naka, newaini yakaiȿo‐naka, neɀiyo ɀose ɀakaiȿo‐naka, iɀo ɀitȿa ɀaɀo ɀaʋanopa Jehova. Ɀiɓereko ɀitȿa ɀose ɀeɀose ɀiri munyika yaʋo, ɀaʋanoʋuya naɀo kunaJehova, ɀinofanira kuʋa ɀako; mumŋe nomumŋe wakanaka mumba mako uŋgaɀidya. Ɀose ɀakayeriswa pakati paIsraeri ɀinofanira kuʋa ɀako. Ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, panyama yose yaʋanoʋuyisa kunaJehova, kana ɀiri ɀaʋanhu, kana ɀeɀipfuwo, ɀinofanira kuʋa ɀako; kunyaŋge ɀakaɗaro mataŋgwe aʋanhu unofanira kuadzikinura; ʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo unofanira kuʋadzikinura ʋo. Ɀose ɀinofanira kudzikinurwa paɀiri, ɀomŋedzi mumŋe neɀinopfuʋura, unofanira kuɀidzikinura seɀaunotara iwe, nemari inoȿika pamashekeri mashanu, ɀicienzaniswa neshekeri rapaimba tȿene (rakaenzana namagera anamakumi maʋiri). Asi usadzikinura mŋana wemhoŋgora yeŋombe, kana yegwai, kana yembudzi; ɀitȿene; unofanira kusasa ropa raɀo pamsoro peartari, nokupisa mafuta aɀo, ciʋe cipiriso cinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. Asi nyama yaɀo inofanira kuʋa yako, ɀinofanira kuʋa ɀako secityu cinozuŋguzirwa neɓandauko rorudyi. Ɀipiriso ɀose ɀinotsaurwa ɀeɀinhu ɀinopiwa Jehova naʋana ʋaIsraeri, ndakakupa iɀo, iwe naʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako pamŋe cete newe, ɀiʋe ɀako nokusiŋgaperi; isuŋgano yomunyu nokusiŋgaperi pamberi paJehova, kwauri naʋazukuru ʋako pamŋe cete newe. Ɀino Jehova akati kunaAroni: Iwe hauŋgaʋi nenhaka panyika yaʋo, hauŋgaʋi nomugoʋe pakati paʋo; ini ndiri mugoʋe wako nenhaka yako pakati paʋana ʋaIsraeri. Tarira, ʋana ʋaRevi ndakaʋapa ɀegumi ɀeɀose ɀaʋana ʋaIsraeri, iʋe nhaka yaʋo, uʋe muɓayiro weɓasa raʋanoɓata, iro ɓasa rapatente rokusoŋgana. Kubva ɀino ʋana ʋaIsraeri ŋgaʋarege kusweɗera kutente rukosoŋgana, kuti ʋarege kuʋa nemhoȿa yeɀiʋi ɀaʋo, ʋakafa. Asi ʋaRevi ʋanofanira kuɓate‐ɓasa rapatente rokusoŋgana, iʋo ʋanofanira kutakura ɀakaipa ɀaʋo; unofanira kuʋa mutemo nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose; haʋaŋgaʋi nenhaka pakati paʋana ʋaIsraeri. Nokuti ɀegumi ɀaʋana ʋaIsraeri ɀaʋanopa Jehova, ɀiʋe ɀipiriso ɀinotsaurwa, ndiɀo ɀandakapa ʋaRevi, kuti iʋe nhaka yaʋo; naiɀoɀo ndakati kwaʋari, haʋaŋgaʋi nenhaka pakati paʋana ʋaIsraeri. Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Taura naʋaRevi, uti kwaʋari: Kana mucitora kuʋana ʋaIsraeri ɀegumi ɀaʋo ɀandakakupai, kuti iʋe nhaka yenyu, munofanira kupa Jehova cegumi ceɀegumi iɀo, ciʋe cipiriso cinotsaurwa. Cipiriso cenyu cinotsaurwa cicaʋereŋgwa kwamuri seɀiyo ɀiri paɓuriro, ʋuye sewaini izere muciȿiniro cewaini. Saiɀoɀo nemi ʋo mucapa Jehova cipiriso cinotsaurwa ceɀegumi ɀenyu ɀose ɀamunopiwa naʋana ʋaIsraeri; ɀino kunaiɀoɀo munofanira kupa Aroni muprista cipiriso cinotsaurwa caJehova. Paɀose ɀamunopiwa, munofanira kupa Jehova ɀipiriso ɀenyu ɀose ɀinotsaurwa, mucitsaura ɀakaiȿo‐naka kwaɀiri, mugoʋe wakatsaurwa pakati paɀo. Naiɀoɀo uti kwaʋari: Kana matsaura ɀakaiȿo‐naka kwaɀiri, ɀinofanira kuʋereŋgerwa ʋaRevi seɀakapurwa paɓuriro, neɀakaȿiniwa paciȿiniro cewaini. Munofanira kuɀidya panɀimbo dzose, imi nemhuri dzenyu; nokuti ndiwo muɓairo wenyu weɓasa ramunoɓata patente rokusoŋgana. Hamuŋgazoʋi neɀiʋi nokuɗa kwaɀo, kana mambotsaura ɀakaiȿo‐naka kwaɀiri; hamufaniri kuɀidza ɀinhu ɀitȿene ɀaʋana ʋaIsraeri, kuti murege kufa.
Numeri 18:1-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)