Numeri 16:1-2
Numeri 16:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kora mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, navamwe vaRubheni, Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhi, naOni mwanakomana waPoreti, vakazvikudza uye vakamukira Mozisi. Vakanga vane varume mazana maviri namakumi mashanu avaIsraeri, vatungamiri vaizivikanwa kwazvo muungano vakanga vagadzwa kuti vave nhengo dzamakurukota.
Numeri 16:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Kora, mwanakomana waIzari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, naDhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni, mwanakomana waPereti, vanakomana vaRubheni, vakatora varume, vakamukira Mosesi, vana vamwe vavana vaIsiraeri, vaiva vakuru veungano vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadanwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira
Numeri 16:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kora mwanakomana waIzhari mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi pamwechete naDhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu vose naOni mwanakomana waPereti vedzinza rokwaRubheni, vakafurirana navamwe varume vakapandukira Mosesi. Vanhu vacho vaikwana mazana maviri namakumi mashanu. Vaiva vamwe vevatungamiriri vakanga vasarudzwa kutungamirira vaIsiraeri, vari vanhu vanozivikanwa chaizvo.
Numeri 16:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Kora, mŋanakomana waIzari, mŋanakomana waKohati, mŋanakomana waRevi, naDatani naAbirami, ʋanakomana ʋaEriabi, naOni, mŋanakomana waPereti, ʋanakomana ʋaRubeni, ʋakatora ʋarume, ʋakamukira Mosesi, ʋanaʋamŋe ʋaʋana ʋaIsraeri, ʋaiʋa ʋakuru ʋeʋuŋgano ʋanamazana maʋiri namakumi mashanu, ʋakaŋga ʋakaɗanwa kumakurukota, ʋarume ʋakaŋga ʋakakurumbira
Numeri 16:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)