Numeri 15:37-40
Numeri 15:37-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kusvikira kuzvizvarwa zvichatevera, munofanira kugadzira pfunha pamakona enguo dzenyu, dzinenge dzine tambo yebhuruu papfunha imwe neimwe. Muchava nepfunha idzi kuti mudzitarire uye naizvozvo mucharangarira zvakarayirwa naJehovha zvose, kuti muzviteerere mugorega kuita ufeve muchitevera kuchiva kwemwoyo yenyu nameso enyu. Ipapo mucharangarira kuteerera mirayiro yangu yose uye muchazvitsaura kuti muve vanhu vaMwari wenyu.
Numeri 15:37-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Taura navana vaIsiraeri, uvaraire kuti vazviitire masa pamipendero yenguo dzavo, kusvikira kumarudzi avo ose, vaise paisa rimwe nerimwe pamupendero rwonzi rutema. Chinofanira kuva kwamuri isa ramungasiona, mugorangarira mirairo yose yaJehovha, kuti muiite; kuti murege kutevera kuda kwomwoyo yenyu nokwameso enyu, kwamaisitevera pakupata kwenyu; kuti murangarire nokuita mirairo yangu yose, nokuva vatsvene kuna Mwari wenyu.
Numeri 15:37-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Iti vaIsiraeri vasonere masa pakona yoga yoga yehanzu dzavo vazviite pazvizvarwa zvavo zvose. Vasungire shinda yeruvara rwedenga pamasa dzacho. Masa idzodzo dzichava chiyeuchidzo chokuti mukadzitarisa muyeuke mitemo yangu muichengete, murege kungoita zvamunoda muchifurirwa noruchiva, rwemwoyo yenyu noruchiva rwemeso enyu, sezvamakajairira. Saka muchayeuka mitemo yangu yose muchiichengeta. Muchava vanhu vangu vandakazvisarudzira vatsvene.
Numeri 15:37-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Taura naʋana ʋaIsraeri, uʋaraire kuti ʋaɀiitire masa pamipendero yeŋguʋo dzaʋo, kuȿikira kumarudzi aʋo ose, ʋaise paisa rimŋe nerimŋe pamupendero rwonzi rutema. Cinofanira kuʋa kwamuri isa ramuŋgasiʋona, mugoraŋgarira mirairo yose yaJehova, kuti muiite; kuti murege kuteʋera kuɗa kwomŋoyo yenyu nokwameso enyu, kwamaisiteʋera pakupata kwenyu; kuti muraŋgarire nokuita mirairo yaŋgu yose, nokuʋa ʋatȿene kunaMŋari wenyu.
Numeri 15:37-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)