Numeri 14:6-7
Numeri 14:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, avo vakanga vari pakati pavaya vakanga vandosora nyika, vakabvarura nguo dzavo. Vakati kuungano yose yavaIsraeri, “Nyika yatakapfuura napakati payo tikaisora yakanaka kwazvo.

Numeri 14:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
NaJoshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakanga vandosore nyika pamwechete navamwe, vakabvarura nguo dzavo, vakataura neungano yose yavana vaIsiraeri vakati, “Nyika yatakapfuura napakati payo kuisora, inyika yakanaka kwazvo‐kwazvo.
Numeri 14:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, vamwe vavaya vakandosora nyika iya vakabvarura zvipfeko zvavo. Vakataurira mhomho yose yavaIsiraeri vachiti, “Nyika yatakaenda kundosora inyika yakanaka kwazvo kwazvo.
Numeri 14:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
NaJoshua, mŋanakomana waNuni, naKarebi, mŋanakomana waJefune, ʋakaŋga ʋandoshore‐nyika pamŋe cete naʋamŋe, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, ʋakataura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, ʋakati: Nyika yatakapfuʋura napakati payo kuishora, inyika yakanaka kwaɀo‐kwaɀo.
Numeri 14:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)