Numeri 14:6-11
Numeri 14:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, avo vakanga vari pakati pavaya vakanga vandosora nyika, vakabvarura nguo dzavo. Vakati kuungano yose yavaIsraeri, “Nyika yatakapfuura napakati payo tikaisora yakanaka kwazvo. Kana Jehovha achifadzwa nesu, achatitungamirira kuti tipinde munyika iyoyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, agoipa kwatiri. Chete imi regai kumukira Jehovha. Uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti tichavamedza. Kudzivirirwa kwavo kwabviswa, asi Jehovha anesu. Musavatya.” Asi ungano yose yakataura nezvokuti vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa paTende Rokusangana navaIsraeri vose. Jehovha akati kuna Mozisi, “Vanhu ava vachasvika riniko vachingondizvidza? Vacharamba kunditenda kusvikira riniko, kunyange ndakaita zviratidzo nezvishamiso zvose pakati pavo?
Numeri 14:6-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
NaJoshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakanga vandosore nyika pamwechete navamwe, vakabvarura nguo dzavo, vakataura neungano yose yavana vaIsiraeri vakati, “Nyika yatakapfuura napakati payo kuisora, inyika yakanaka kwazvo‐kwazvo. Kana Jehovha achifara nesu, achatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi. Asi regai kumukira Jehovha, uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti ivo zvokudya zvedu; mumvuri wavo wabviswa pamusoro pavo, Jehovha anesu, regai kutya.” Asi ungano yose yakati vatakwe namabwe. Ipapo kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa mutende rokusangana navana vaIsiraeri vose. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira riniko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo?
Numeri 14:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, vamwe vavaya vakandosora nyika iya vakabvarura zvipfeko zvavo. Vakataurira mhomho yose yavaIsiraeri vachiti, “Nyika yatakaenda kundosora inyika yakanaka kwazvo kwazvo. Kana Tenzi achida, achatisvitsa ikoko achindotipa nyika iyoyo yakapfuma inoerera uchi nomukaka. Asi musapandukire Tenzi. Musatye vanhu venyika iyoyo. Tichavaita kanyama kanyama. Chinovadzivira chakabviswa asi Tenzi anesu. Saka musavatye!” Asi mhomho yose yavaIsiraeri yakada kuvatema namabwe. Pakarepo vaIsiraeri vose vakaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kutendhe rinoera. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ko vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vachasvikira riniko vasingavimbe neni kunyange ndakaita zvishamiso pakati pavo?
Numeri 14:6-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
NaJoshua, mŋanakomana waNuni, naKarebi, mŋanakomana waJefune, ʋakaŋga ʋandoshore‐nyika pamŋe cete naʋamŋe, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, ʋakataura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, ʋakati: Nyika yatakapfuʋura napakati payo kuishora, inyika yakanaka kwaɀo‐kwaɀo. Kana Jehova acifara nesu, ucatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka noʋuci. Asi regai kumukira Jehova, ʋuye musatya ʋanhu ʋenyika iyo, nokuti iʋo ɀokudya ɀeɗu; mumvuri waʋo wabviswa pamsoro paʋo, Jehova unesu, regai kutya. Asi ʋuŋgano yose yakati ʋatakwe namabge. Ipapo kubginya kwaJehova kwakaʋonekwa mutente rokusoŋgana naʋana ʋaIsraeri ʋose. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋanhu aʋa ʋacandiɀidza kuȿikira riniko? Ʋacaramba kunditenda ini kuȿikira riniko, neɀishamiso ɀose ɀandakaita pakati paʋo?
Numeri 14:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)