Numeri 14:5-9
Numeri 14:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavaIsraeri yakanga iri ipapo. Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, avo vakanga vari pakati pavaya vakanga vandosora nyika, vakabvarura nguo dzavo. Vakati kuungano yose yavaIsraeri, “Nyika yatakapfuura napakati payo tikaisora yakanaka kwazvo. Kana Jehovha achifadzwa nesu, achatitungamirira kuti tipinde munyika iyoyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, agoipa kwatiri. Chete imi regai kumukira Jehovha. Uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti tichavamedza. Kudzivirirwa kwavo kwabviswa, asi Jehovha anesu. Musavatya.”
Numeri 14:5-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Mosesi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavana vaIsiraeri. NaJoshua, mwanakomana waNuni, naKarebhu, mwanakomana waJefune, vakanga vandosore nyika pamwechete navamwe, vakabvarura nguo dzavo, vakataura neungano yose yavana vaIsiraeri vakati, “Nyika yatakapfuura napakati payo kuisora, inyika yakanaka kwazvo‐kwazvo. Kana Jehovha achifara nesu, achatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi. Asi regai kumukira Jehovha, uye musatya vanhu venyika iyo, nokuti ivo zvokudya zvedu; mumvuri wavo wabviswa pamusoro pavo, Jehovha anesu, regai kutya.”
Numeri 14:5-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara pamberi pegungano rose ravaIsiraeri. Joshuwa mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, vamwe vavaya vakandosora nyika iya vakabvarura zvipfeko zvavo. Vakataurira mhomho yose yavaIsiraeri vachiti, “Nyika yatakaenda kundosora inyika yakanaka kwazvo kwazvo. Kana Tenzi achida, achatisvitsa ikoko achindotipa nyika iyoyo yakapfuma inoerera uchi nomukaka. Asi musapandukire Tenzi. Musatye vanhu venyika iyoyo. Tichavaita kanyama kanyama. Chinovadzivira chakabviswa asi Tenzi anesu. Saka musavatye!”
Numeri 14:5-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Mosesi naAroni ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo pamberi peʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri. NaJoshua, mŋanakomana waNuni, naKarebi, mŋanakomana waJefune, ʋakaŋga ʋandoshore‐nyika pamŋe cete naʋamŋe, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo, ʋakataura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, ʋakati: Nyika yatakapfuʋura napakati payo kuishora, inyika yakanaka kwaɀo‐kwaɀo. Kana Jehova acifara nesu, ucatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka noʋuci. Asi regai kumukira Jehova, ʋuye musatya ʋanhu ʋenyika iyo, nokuti iʋo ɀokudya ɀeɗu; mumvuri waʋo wabviswa pamsoro paʋo, Jehova unesu, regai kutya.
Numeri 14:5-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)