Numeri 13:3-6
Numeri 13:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka, sokurayira kwaJehovha, Mozisi akavatuma vachibva nokurenje reParani. Vose vakanga vari vatungamiri vavaIsraeri. Haano mazita avo: kubva kurudzi rwaRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri; kubva kurudzi rwaSimeoni, Shafati mwanakomana waHori; kubva kurudzi rwaJudha, Karebhu mwanakomana waJefune
Numeri 13:3-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mosesi akavatuma, vakabva murenje reParani, nokuraira kwaJehovha, vose vavo vari varume vaiva vakuru vavana vaIsiraeri. Ndiwo mazita avo: Vokurudzi rwaRubheni, Shamua, mwanakomana waZakuri. Vokurudzi rwaSimeoni, Shafati, mwanakomana waHori. Vokurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune.
Numeri 13:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akatuma vose vakanga vari vatungamiri vavaIsiraeri sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Vakanga vakadai: Aya ndiwo mazita avo, Mudzinza rokwaRubheni, mutungamiriri akatorwamo ndiShamua mwanakomana waZakuri. Mudzinza rokwaSimeoni, makatorwa Shafati mwanakomana waHoru. Mudzinza rokwaJudha, makatorwa Karebhu mwanakomana waJefune.
Numeri 13:3-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mosesi akaʋatuma, ʋakabva murenje reParani, nokuraira kwaJehova, ʋose ʋaʋo ʋari ʋarume ʋaiʋa ʋakuru ʋaʋana ʋaIsraeri. Ndiwo mazita aʋo: Ʋokurudzi rwaRubeni, Shamua, mŋanakomana waZakuri. Ʋokurudzi rwaSimeoni, Shafati, mŋanakomana waHori. Ʋokurudzi rwaJuda, Karebi, mŋanakomana waJefune.
Numeri 13:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)