Numeri 11:24-30
Numeri 11:24-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Mozisi akabuda akandoudza vanhu zvakanga zvataurwa naJehovha. Akaunganidza vakuru vavo makumi manomwe akavaita kuti vamire vakapoteredza Tende. Ipapo Jehovha akaburuka ari mugore akataura navo uye akatora Mweya wakanga uri pamusoro pake akaisa Mweya uyu pamusoro pavakuru makumi manomwe. Mweya wakati wagara pamusoro pavo vakaprofita, asi havana kuzopamhazve. Kunyange zvakadaro, varume vaviri, vainzi Eridhadhi naMedhadhi, vakanga vasara mumusasa. Ivo vakanga vaverengwa pakati pavakuru, asi havana kubuda kuti vaende kuTende. Asi Mweya wakagarawo pamusoro pavo uye, vakaprofita vari mumusasa. Mumwe mujaya akamhanya akandoudza Mozisi akati, “Eridhadhi naMedhadhi vari kuprofita vari mumusasa.” Joshua mwanakomana waNuni, uyo akanga ari mubatsiri waMozisi kubva paujaya hwake, akataura nesimba akati, “Mozisi, ishe wangu, vadzivisei!” Asi Mozisi akapindura akati, “Ko, iwe une godo nokuda kwangu here? Ndinoshuva kuti dai vanhu vaJehovha vose vava vaprofita uye kuti dai Jehovha aisa Mweya wake pamusoro pavo!” Ipapo Mozisi navakuru vavaIsraeri vakadzokera kumusasa.
Numeri 11:24-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Mosesi akabuda, akandoudza vanhu mashoko aJehovha; akaunganidza vanhu vana makumi manomwe vavakuru vavanhu, akavapotedza Tende. Ipapo Jehovha akaburuka mugore, akataura naye, akatora pamweya wakanga uri pamusoro pake, akauisa pamusoro pavakuru avo vana makumi manomwe; zvino mweya wakati uchigara pamusoro pavo, ivo vakaporofita, asi havana kuzoitazve saizvozvo. Asi varume vaviri vakasara pamisasa, zita romumwe rainzi Eridhadhi, nezita romumwe Medhadhi; mweya ukagara pamusoro pavo, nokuti vakanga vakanyorwa, asi havana kubudira kuTende; vakaporofita pamisasa. Zvino mumwe mukomana akamhanya, akandoudza Mosesi, akati, “Eridhadhi naMedhadhi vanoporofita pamisasa.” Ipapo Joshua, mwanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paujaya hwake, akapindura, akati, “Ishe wangu, Mosesi, vadzivisei.” Mosesi akati kwaari, “Ko une shungu nokuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, Jehovha akaisa mweya wake pamusoro pavo!” Ipapo Mosesi akaenda kumisasa, iye navakuru vaIsiraeri.
Numeri 11:24-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akabuda akandoudza vanhu zvaakanga audzwa naTenzi. Akakokorodza vatungamiriri makumi manomwe avarume vechikuru vavaIsiraeri ndokuvamisa vakapoteredza tendhe iroro. Ipapo Tenzi akauya ari mugore akataura naMosesi. Akatora mweya pamweya waiva muna Mosesi akaupa vatungamiriri vaya vaiva makumi manomwe. Mweya iwoyo pawakapinda mavari, vakatangisa kuporofita asi havana kuzoramba vachiporofita. Zvino vamwe varume vaviri vakasara vari kumatendhe, mumwe ainzi Eridhadhi, mumwe achinzi Medhadhi. Mweya waTenzi wakauya pavari. Varume ivava vakanga vachiverengerwa pavakuru vakuru vaya, asi vakanga vasina kuenda kutendhe ikoko. Vakatanga kuporofita vari kumatendhe ikoko. Rimwe jaya rakamhanya kundoudza Mosesi kuti Eridhadhi naMedhadhi vari kuporofita mumatendhe. Joshuwa mwanakomana waNuni mubatsiri waMosesi akati kuna Mosesi, “Changamire dzivisai vanhu avo!” Mosesi akati, “Ko wava kuvaitira shanje nemhaka yangu here? Ini ndinodisa kuti dai vanhu vose vaTenzi vave vaporofita vose zvavo. Dai Tenzi angoisa Mweya wake pavari.” Mosesi navatungamiriri vavaIsiraeri vakazodzokera kumatendhe avo.
Numeri 11:24-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Mosesi akaɓuɗa, akandoʋudza ʋanhu mashoko aJehova; akaʋuŋganidza ʋanhu ʋanamakumi manomŋe ʋaʋakuru ʋaʋanhu, akaʋapotedza Tente. Ipapo Jehova akaɓuruka mugore, akataura naye, akatora pamŋeya wakaŋga uri pamsoro pake, akauisa pamsoro paʋakuru aʋo ʋanamakumi manomŋe; ɀino mŋeya wakati ucigara pamsoro paʋo, iʋo ʋakaprofita, asi haʋana‐kuzoita ɀe saiɀoɀo. Asi ʋarume ʋaʋiri ʋakasara pamisasa, zita romumŋe rainzi Erdadi, nezita romumŋe Medadi; mŋeya ukagara pamsoro paʋo, nokuti ʋakaŋga ʋakanyorwa, asi haʋana‐kuɓuɗira kuTente; ʋakaprofita pamisasa. Ɀino mumŋe mukomana wakamhanya, akandoʋudza Mosesi, akati: Erdadi naMedadi ʋanoprofita pamisasa. Ipapo Joshua, mŋanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paʋujaya bgake, akapindura, akati: Ishe waŋgu, Mosesi, ʋadziʋisei. Mosesi akati kwaari: Ko uneshuŋgu nokuɗa kwaŋgu here? Ƌai ʋanhu ʋose ʋaJehova ʋaiʋa ʋaprofita, Jehova akaisa mŋeya wake pamsoro paʋo! Ipapo Mosesi akaenda kumisasa, iye naʋakuru ʋaIsraeri.
Numeri 11:24-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)