Numeri 11:11-15
Numeri 11:11-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akabvunza Jehovha akati, “Seiko makauyisa dambudziko iri pamuranda wenyu? Chiiko chandakaita chisingakufadzei zvokuti makaisa mutoro wavanhu ava vose pamusoro pangu? Ko, ndini ndakaita kuti vanhu vose ava vaumbwe here? Ko, ndini ndakavabereka here? Seiko muchindiita kuti ndivatakure mumaoko angu, somureri anotakura mwana mucheche kuti ndiende navo kunyika yamakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo? Ndingawanepiko nyama yandingapa vanhu vose ava? Vanoramba vachingondichemera vachiti, ‘Tipe nyama yokudya.’ Handingatakuri vanhu ava vose ndoga; mutoro unondiremera kwazvo. Kana muchida kundiitira saizvozvo, ndiurayei henyu iye zvino, kana ndawana hangu nyasha pamberi penyu, uye musandirega ndichiona kuparara kwangu.”
Numeri 11:11-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mosesi akati kuna Jehovha, “Makaitireiko muranda wenyu zvakaipa? Ndakaregereiko kunzwirwa nyasha nemi, zvamakanditakudza mutoro wavanhu ava vose? Ko ndini ndakagamuchira vanhu ava vose here? Ko ndini ndakavabereka here, zvamunoti kwandiri, ‘Uvatakure pachipfuva chako, somureri anotakura mwana anomwa, uvaise kunyika yamakapikira madzibaba avo?’ Ndichawanepiko nyama yandingapa vanhu ava vose? Nokuti vanondichemera, vachiti, ‘Tipe nyama, tidye.’ Handigoni kutakura vanhu ava vose ndoga, nokuti zvinondiremera kwazvo. Kana muchida kundiitira saizvozvo, chindiurayai henyu kamwe, kana ndanzwirwa nyasha nemi; ndirege hangu kuona urombo hwangu.”
Numeri 11:11-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akati, “Nhai Tenzi! Imhaka yeiko makandiitira zvakaipa zvakadai? Seiko musingandinzwire tsitsi? Ko zvamatondipazve basa rokutungamirira vanhu vose ava? Ko ndini ndakavabereka kana kuvasika here zvamunoti ndivarere ndichivatakura mumaoko angu somureri anotakura mwana mucheche ndichienda navo kunyika yamakatsidzira madzibaba avo? Ko nyama yandingape vanhu vose ava ndingaiwane kupiko, zvavari kuchema vachiti tipe nyama tidye? Ini handichagoni kuita basa rokutungamirira vanhu ava ndiri ndoga, zvandiremera. Kana mukaramba muchiti ndidaro, ndinzwireiwo tsitsi mundiuraye zvenyu kuti ndirege kuramba ndakatsunga imi muchindirwadzisa.”
Numeri 11:11-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mosesi akati kunaJehova: Makaitireiko muranda wenyu ɀakaipa? Ndakaregereiko kunzwirwa nyasha nemi, ɀamakanditakudza mutoro waʋanhu aʋa ʋose? Ko ndini ndakagamucira ʋanhu aʋa ʋose here? Ko ndini ndakaʋaɓereka here, ɀamunoti kwandiri: Uʋatakure pacifuʋa cako, somureri unotakura mŋana unomŋa, uʋaise kunyika yamakapikira madziɓaɓa aʋo? Ndicawanepiko nyama yandiŋgapa ʋanhu aʋa ʋose? Nokuti ʋanondicemera, ʋaciti: Tipe nyama, tidye. Handigoni kutakura ʋanhu aʋa ʋose ndoga, nokuti ɀinondiremera kwaɀo. Kana muciɗa kundiitira saiɀoɀo, cindiʋurayai henyu kamŋe, kana ndanzwirwa nyasha nemi; ndirege haŋgu kuʋona ʋurombo bgaŋgu.
Numeri 11:11-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)