Numeri 11:1-9
Numeri 11:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino vanhu vakanyunyuta, Jehovha achizvinzwa, pamusoro pokuomerwa kwavo, uye paakavanzwa hasha dzake dzakamutswa. Ipapo moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo uye ukaparadza vamwe kumucheto womusasa. Vanhu vakati vachema kuna Mozisi, akanyengetera kuna Jehovha moto ukadzima. Saka nzvimbo iyo yakanzi Tabhera, nokuti moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo. Vatorwa vakanga vari pakati pavo vakatanga kupanga zvimwewo zvokudya, uyezve vaIsraeri vakatanga kuungudza vachiti, “Ndianiko achatipa nyama kuti tidye? Tinorangarira hove dzataidya muIjipiti tisingatengi; magaka, manwiwa, hanyanisi huru, hanyanisi diki nemhiripiri. Asi zvino tafinhwa; hapana chimwe chinhu chatiri kuwana kunze kwemana iyi.” Mana yakanga yakaita semhodzi yekorianda uye ichiratidzika samazambiringa akaoma. Vanhu vaitenderera vachiinhonga, uye, vaizoikuya paguyo kana kuidzvura muduri. Vaiibika muhari kana kuita makeke. Uye yainaka kunge chinhu chakabikwa namafuta omuorivhi. Dova raiti rawira pamusoro pomusasa usiku, mana yaiwawo.
Numeri 11:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vanhu vakaita savanyunyuti, vakataura zvakaipa munzeve dzaJehovha; ipapo Jehovha akati azvinzwa, akatsamwa kwazvo, moto waJehovha ukapfuta pakati pavo, ukaparadza kumudzivo wemisasa. Vanhu vakachema kuna Mosesi, Mosesi akanyengetera kuna Jehovha, moto ukadzimwa. Zita renzvimbo iyo rikanzi Tabhera, nokuti moto waJehovha wakapfutapo pakati pavo. Zvino vatorwa vazhinji, vakanga vari pakati pavo, vakatanga kufa nenhomba yenyama; navana vaIsiraeri vakachemawo, vakati, “Ndianiko achatipa nyama kuti tidye? Tinorangarira hove dzataidya Ijipiti, tisingatengi, namakeke, namanwiwa, nerikisi, nehanyanisi, negariki. Asi zvino mweya yedu yaoma, hapana zvokudya chose, hapana chinhu chatinoona, asi mana iyi bedzi.” Mana yakanga yakafanana nembeu dzekorianderi, yakanga yakaita sebhedharo. Vanhu vaipararira kundoinonga, vakaikuya pamakuyo, kana kuitswa mumaturi, nokuibika muhari, nokuita zvingwa zviduku nayo; kana yodyiwa yakaita sezvingwa zvakabikwa namafuta. Kana dova richiwira pamisasa usiku, mana yakawawo pamwechete naro.
Numeri 11:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri vakanyunyuta pamusana penhamo dzavo Tenzi achizvinzwa. Tenzi paakazvinzwa akaviruka nehasha. Akavatumira moto wakaita chibvurebvure uchipisa matendhe avo okumucheto. Vanhu ndokubva vachema kuna Mosesi. Mosesi akanamata kuna Tenzi moto ukadzima. Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakanzi Tabhera nokuti moto waTenzi wakanganduma pakati pavo. VaIsiraeri pavaifamba rwendo rwavo vaivao mvongamutititi yavanhu. Vanhu ivavo vaikara nyama zvikuru. VaIsiraeri ndokunyunyutawo vachiti, “Dai tangowanawo zvedu nyama! Tinorangarira hove dzamahara dzataidya kuIjipiti, namagaka namanwiwa namarikisi nehanyanisi negariki. Zvino miviri yedu yarukutika. Hapana chimwe chokudya kana chii zvacho kunze kwemana iyoyi yatangotarisana nayo.” Mana yakanga yakafanana netsanga dzamapfunde, yakaita sepfuta kuchenuruka. Vanhu vaienda muruvanze vachindonongera mana. Vaiikuya, kana kuidzvura, voifashaidza mupoto vozoibika chingwa chainaka sechingwa chakabikwa chakakanywa namafuta. Dova paraidonha usiku muruvanze rwamatendhe mana yaidonhawo pamwechete naro.
Numeri 11:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋanhu ʋakaita saʋanyunyuti, ʋakataura ɀakaipa munzeʋe dzaJehova; ipapo Jehova wakati aɀinzwa, akatsamŋa kwaɀo, mŋoto waJehova ukapfuta pakati paʋo, ukaparadza kumudziʋo wemisasa. Ʋanhu ʋakacema kunaMosesi, Mosesi akanyeŋgetera kunaJehova, mŋoto ukadzimŋa. Zita renɀimbo iyo rikanzi Tabera, nokuti mŋoto waJehova wakapfuta’po pakati paʋo. Ɀino ʋatorwa ʋazhinji, ʋakaŋga ʋari pakati paʋo, ʋakataŋga kufa nenhomba yenyama; naʋana ʋaIsraeri ʋakacema ʋo, ʋakati: Ndianiko ucatipe‐nyama kuti tidye? Tinoraŋgarira hoʋe dzataidya Egipita, tisiŋgateŋgi, namakake, namaŋwiwa, nerikisi, nehanyanisi, negariki. Asi ɀino mŋeya yeɗu yawoma, hapaneɀokudya cose, hapanecinhu catinoʋona, asi mana iyi ɓedzi. Mana yakaŋga yakafanana nembeu dzekorianderi, yakaŋga yakaita sebedaro. Ʋanhu ʋaipararira kundoinoŋga, ʋakaikuya pamakuyo, kana kuiswa mumaturi, nokuiɓika muhari, nokuita ɀiŋgwa ɀiɗuku nayo; kana yodyiwa yakaita seɀiŋgwa ɀakaɓikwa namafuta. Kana ɗoʋa riciwira pamisasa ʋusiku, mana yakawa ʋo pamŋe cete naro.
Numeri 11:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)