Numeri 11:1-3
Numeri 11:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino vanhu vakanyunyuta, Jehovha achizvinzwa, pamusoro pokuomerwa kwavo, uye paakavanzwa hasha dzake dzakamutswa. Ipapo moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo uye ukaparadza vamwe kumucheto womusasa. Vanhu vakati vachema kuna Mozisi, akanyengetera kuna Jehovha moto ukadzima. Saka nzvimbo iyo yakanzi Tabhera, nokuti moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo.
Numeri 11:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vanhu vakaita savanyunyuti, vakataura zvakaipa munzeve dzaJehovha; ipapo Jehovha akati azvinzwa, akatsamwa kwazvo, moto waJehovha ukapfuta pakati pavo, ukaparadza kumudzivo wemisasa. Vanhu vakachema kuna Mosesi, Mosesi akanyengetera kuna Jehovha, moto ukadzimwa. Zita renzvimbo iyo rikanzi Tabhera, nokuti moto waJehovha wakapfutapo pakati pavo.
Numeri 11:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri vakanyunyuta pamusana penhamo dzavo Tenzi achizvinzwa. Tenzi paakazvinzwa akaviruka nehasha. Akavatumira moto wakaita chibvurebvure uchipisa matendhe avo okumucheto. Vanhu ndokubva vachema kuna Mosesi. Mosesi akanamata kuna Tenzi moto ukadzima. Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakanzi Tabhera nokuti moto waTenzi wakanganduma pakati pavo.
Numeri 11:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋanhu ʋakaita saʋanyunyuti, ʋakataura ɀakaipa munzeʋe dzaJehova; ipapo Jehova wakati aɀinzwa, akatsamŋa kwaɀo, mŋoto waJehova ukapfuta pakati paʋo, ukaparadza kumudziʋo wemisasa. Ʋanhu ʋakacema kunaMosesi, Mosesi akanyeŋgetera kunaJehova, mŋoto ukadzimŋa. Zita renɀimbo iyo rikanzi Tabera, nokuti mŋoto waJehova wakapfuta’po pakati paʋo.
Numeri 11:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)