Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 9:1-5 - Enzanisa Shanduro Dzose

Nehemia 9:1-5 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi iwoyo, vaIsraeri vakaungana pamwe chete, vachizvinyima zvokudya vakapfeka masaga uye vaine guruva pamisoro yavo. Avo vaiva zvizvarwa zvavaIsraeri vakazvitsaura kubva pakati pavatorwa vose. Vakamira panzvimbo dzavo vakareurura zvivi zvavo nezvitadzo zvavo. Vakamira pavakanga vari ndokuverenga kubva muBhuku roMurayiro waJehovha Mwari wavo kwechikamu chimwe chete muzvina chezuva, ndokupedzazve chimwe chikamu chimwe chete muzvina chezuva, vachireurura uye vachinamata Jehovha Mwari wavo. VaRevhi vaiti Jeshua, Bhani, Kadhimieri, Shebhania, Bhuni, Sherebhia, Bhani naKenani, vakamira pakakwirira vakadanidzira nenzwi guru kuna Jehovha Mwari wavo. Ipapo vaRevhi vaiti: Jeshua, Kadhimieri, Bhani, Hashabhineya, Sherebhia, Hodhia, Shebhania naPetahia vakati, “Simukai murumbidze Jehovha Mwari wenyu, anogara nokusingaperi-peri.” “Zita renyu rinobwinya ngariropafadzwe pamusoro pamakomborero nerumbidzo dzose.

Pakurirana nevamwe
Nehemia 9 BDSC

Nehemia 9:1-5 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino pazuva ramakumi maviri namana romwedzi uyu vana vaIsiraeri vakaungana, vakazvinyima zvokudya, vakafuka masaga vane ivhu pamisoro yavo. Vorudzi rwavaIsiraeri vakazviraura pavatorwa vose, vakamira vakazvireurura zvivi zvavo nezvitadzo zvamadzibaba avo. Vakasimuka pavakanga vagere, vakarava mabhuku yomurayiro waJehovha Mwari wavo mugove wechina wezuva; mumwe mugove wechina vakazvireurura nokunamata kuna Jehovha Mwari wavo. Ipapo Jeshua, naBhani, naKadhimieri, neShebhania, naBhuni, naSherebhia, naBhani, neKenani vakamira pamatanho avaRevhi, vakachema nezwi guru kuna Jehovha Mwari wavo. Ipapo vaRevhi, Jeshua, naKadhimieri, naBhani, naHashabhineya, naSherebhia, naHodhia, naShebhania, naPetahiya vakati, “Simuka, muvonge Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi-peri; zita renyu rinobwinya ngarikudzwe, iro rinokunda kuvonga nokurumbidza kwose.”

Pakurirana nevamwe
Nehemia 9 SNA2002

Nehemia 9:1-5 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino pazuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi uyu ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana, ʋakaɀinyima ɀokudya, ʋakafuka magumbu, ʋanevu pamisoro yaʋo. Ʋorudzi rwaʋaIsraeri ʋakaɀiraʋura paʋatorwa ʋose, ʋakamira ʋakaɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo neɀitadzo ɀamadziɓaɓa aʋo. Ʋakasimuka paʋakaŋga ʋagere, ʋakaraʋa mubuku yomurairo waJehova Mŋari waʋo mugoʋe wecinna wezuʋa; mumŋe mugoʋe wecinna ʋakaɀireʋurura nokunamata kunaJehova Mŋari waʋo. Ipapo Jeshua, naBani, naKadmieri, naShebania, naBuni, naSherebia, naBani, naKenani ʋakamira pamatanho aʋaRevi, ʋakacema nenzwi guru kunaJehova Mŋari waʋo. Ipapo ʋaRevi, Jeshua, naKadmieri, naBani, naHashabineya, naSherebia, naHodia, naShebania, naPetahiya ʋakati: Simukai, muʋoŋge Jehova Mŋari wenyu nokusiŋgaperi‐peri; zita renyu rinobginya ŋgarikudzwe, iro rinokunda kuʋoŋga nokurumbidza kwose.

Pakurirana nevamwe
Nehemia 9 SUB1949

Nehemia 9:1-5 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kuzoti wava musi wechimakumi maviri nechina womwedzi iwoyu, vaIsiraeri vakaungana kuzotsanya vakapfeka masaga vakazvidira ivhu. VaIsiraeri vakazvitsaura kuvanhu vechirudzi vakasimuka vakareurura zvitadzo zvavo nouipi hwamadzibaba avo. Vakamira munzvimbo dzavo vakaverenga muBhuku roMutemo waTenzi, Mwari wavo kwamaawa matatu pazuva. Kwamamwe maawa matatu acho vakareurura vakapfugamira Tenzi, Mwari wavo. Pakakwirira paya pevaRevhi, pakanga pakamira ava vanoti: Jeshua naBhani naKadhimieri naShebhaniya naBhuni naSherebhiya naBhani naKenani vakachema vachiita zvokudaidzira kuna Tenzi, Mwari wavo. VaRevhi ava vanoti: Jeshua naKadhimieri naBhani naHashabhuneya naSherebhiya naHodhiya naShebhaniya naPetahiya vakati, “Simukai murumbidze Tenzi, Mwari wenyu. Murumbidzei narini narini wose kusvikira nokusingaperi. Ngarirumbidzwe zita renyu rina mukurumbira Riri pamusorosoro chaipoipo pazvose zvinokudzwa kana kurumbidzwa.”

Pakurirana nevamwe
Nehemia 9 SCLB

Nehemia 9:1-5 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Nehemia 9 SCLBD