Nehemia 8:9-10
Nehemia 8:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Nehemia mubati, Ezira, muprista nomunyori, navaRevhi vairayira vanhu vakati kwavari vose, “Zuva iri idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musachema kana kuungudza.” Nokuti vanhu vose vainge vachichema pavaiteerera kumashoko omurayiro. Nehemia akati kwavari, “Endai munodya nomufaro zvokudya zvamunoda nezvokunwa zvinotapira, mugotumirawo zvimwe kuna avo vasina chavakagadzirira. Zuva ranhasi idzvene kuna Ishe wedu. Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiro simba renyu.”
Nehemia 8:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mubati Nehemiya, nomupristi Ezira munyori, navaRevhi vakadzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vose, “Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu; musaungudza nokuchema; nokuti vanhu vose vakachema vachinzwa mashoko omurayiro.” Ipapo akati kwavari, “Endai henyu, mudye zvakakora, nokunwa zvinozipa, mugotumirawo migove kuna vasina kugadzirirwa chinhu; nokuti zuva rino idzvene kuna She wedu; musava neshungu, nokuti mufaro waJehovha isimba renyu.”
Nehemia 8:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nehemiya aiva ari gavhuna, nomupristi Ezira nyanzvi yomutemo, nevaRevhi vaifundisa vanhu vakati kuvanhu vose, “Zuva irori izuva raTenzi, Mwari wenyu rinoera, regai kuchema kana kuungudza.” Chaivapo ndechokuti vanhu vose vakachema pavakanzwa mashoko omutemo. Akavati, “Chiendai zvenyu munodya kudya kwakanaka, munwe zvenyu waini inonaka, mupewo vasina chavanacho chakagadzirirwa, nokuti zuva ranhasi izuva raTenzi wedu rinoera. Musasuruvare nokuti rufaro rwaTenzi ndiro simba renyu.”
Nehemia 8:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo muɓati Nehemia, nomuprista Ezra munyori, naʋaRevi ʋakadzidzisa ʋanhu, ʋakati kuʋanhu ʋose: Zuʋa rino idɀene kunaJehova Mŋari wenyu; musawuŋgudza nokucema; nokuti ʋanhu ʋose ʋakacema ʋacinzwa mashoko omurairo. Ipapo akati kwaʋari: Endai henyu, mudye ɀakakora, nokunwa ɀinozipa, mugotumira ʋo migoʋe kunaʋasina‐kugadzirirwa cinhu; nokuti zuʋa rino idɀene kunaShe weɗu; musaʋa neshuŋgu, nokuti mufaro waJehova isimba renyu.
Nehemia 8:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)