Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 8:9 - Compare All Versions

Nehemia 8:9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo Nehemia mubati, Ezira, muprista nomunyori, navaRevhi vairayira vanhu vakati kwavari vose, “Zuva iri idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musachema kana kuungudza.” Nokuti vanhu vose vainge vachichema pavaiteerera kumashoko omurayiro.

Pakurirana nevamwe
Nehemia 8 BDSC

Nehemia 8:9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ipapo mubati Nehemiya, nomupristi Ezira munyori, navaRevhi vakadzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vose, “Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu; musaungudza nokuchema; nokuti vanhu vose vakachema vachinzwa mashoko omurayiro.”

Pakurirana nevamwe
Nehemia 8 SNA2002

Nehemia 8:9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Nehemiya aiva ari gavhuna, nomupristi Ezira nyanzvi yomutemo, nevaRevhi vaifundisa vanhu vakati kuvanhu vose, “Zuva irori izuva raTenzi, Mwari wenyu rinoera, regai kuchema kana kuungudza.” Chaivapo ndechokuti vanhu vose vakachema pavakanzwa mashoko omutemo.

Pakurirana nevamwe
Nehemia 8 SCLBD

Nehemia 8:9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ipapo muɓati Nehemia, nomuprista Ezra munyori, naʋaRevi ʋakadzidzisa ʋanhu, ʋakati kuʋanhu ʋose: Zuʋa rino idɀene kunaJehova Mŋari wenyu; musawuŋgudza nokucema; nokuti ʋanhu ʋose ʋakacema ʋacinzwa mashoko omurairo.

Pakurirana nevamwe
Nehemia 8 SUB1949

Nehemia 8:9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Nehemiya aiva ari gavhuna, nomupristi Ezira nyanzvi yomutemo, nevaRevhi vaifundisa vanhu vakati kuvanhu vose, “Zuva irori izuva raTenzi, Mwari wenyu rinoera, regai kuchema kana kuungudza.” Chaivapo ndechokuti vanhu vose vakachema pavakanzwa mashoko omutemo.

Pakurirana nevamwe
Nehemia 8 SCLB