Nehemia 5:14-15
Nehemia 5:14-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pamusoro pezvo, kubva pagore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, pandakagadzwa somubati wavo munyika yaJudha, kusvikira pagore rake ramakore makumi matatu namaviri, makore gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvaipiwa kumubati. Asi vabati vokutanga, avo vakanditangira, vairemedza vanhu uye vaitora kubva kwavari mashekeri makumi mana esirivha, pamusoro pezvo vachitorazve zvokudya newaini. Kunyange vabatsiri vavo vairemedzawo vanhu. Asi ini handina kuita izvozvo nokuti ndaitya Mwari.
Nehemia 5:14-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uyezve, kubva panguva yandakaitwa mubati wavo panyika yaJudha, kubva pagore ramakumi maviri kusvikira pagore ramakumi matatu namaviri ramambo Aritashasita, iwo makore ane gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvomubati. Asi vabati vokutanga, vakanditangira, vairemedza vanhu, vachitora kwavari zvokudya newaini, uyewo mashekeri esirivha ana makumi mana; navaranda vavowo vaibata vanhu nehasha; asi ini handina kuita saizvozvo, nokuti ndakatya Mwari.
Nehemia 5:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chimwe ndechokuti kubvira panguva yandakasarudzwa kuva gavhuna wavo munyika yokwaJudha kubvira pagore rechimakumi amviri kusvikira pagore rechimakumi matatu nepiri rokutonga kwamambo Atakizesesi; kwamakore gumi namaviri iwayo ini nehama dzangu hatina kumbenge tichidya zvokudya zvainge zvichifanira kupiwa gavhuna. Magavhuna akanditangira akanga achitakudza vanhu mitoro inorema vachitovatorera zvokudya newaini pamwechete namakumi mana emari yesirivha yamashekeri. Kunyangova vashandi vavo, vaitoremedzawo kwazvo vanhu. Asi ini handaiita saizvozvo pamusana pokutya Mwari.
Nehemia 5:14-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuye ɀe, kubva paŋguʋa yandakaitwa muɓati waʋo panyika yaJuda, kubva pagore ramakumi maʋiri kuȿikira pagore ramakumi matatu namaʋiri ramambo Artashasta, iwo makore anegumi namaʋiri, ini nehama dzaŋgu hatina‐kudya ɀokudya ɀomuɓati. Asi ʋaɓati ʋokutaŋga, ʋakanditaŋgira, ʋairemedza ʋanhu, ʋacitora kwaʋari ɀokudya newaini, ʋuye ʋo mashekeri esirveri anamakumi manna; naʋaranda ʋaʋo ʋo ʋaiɓata ʋanhu nehasha; asi ini handina‐kuita saiɀoɀo, nokuti ndakatya Mŋari.
Nehemia 5:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)