Nehemia 12:1-47
Nehemia 12:1-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino ava ndivo vaprista navaRevhi vakadzokera naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri naJeshua: Seraya, Jeremia, naEzira, Amaria, Maruki, Hatushi, Shekania, Rehumi, Meremoti, Idho, Ginetoni, Abhija, Mijamini Moadhia, Bhiriga, Shemia, Joirabhi, naJedhaya. Saru, Amoki, Hirikia naJedhaya. Ava ndivo vaiva vatungamiri vavaprista pamwe chete nehama dzavo pamazuva aJeshua. VaRevhi vaiti: Jeshua, Bhinui, Kadhimieri, Sherebhia, Judha, uyewo naMatania pamwe chete nehama dzake, aiva mukuru wenziyo dzokuvonga. Bhakibhukia naUni, nehama dzavo, vakamira vakatarisana navo mushumiro. Jeshua aiva baba vaJoyakimu, Joyakimu aiva baba vaEriashibhi, Eriashibhi ari baba vaJoyadha, Joyadha baba vaJonatani, uye Jonatani baba vaJadhua. Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaprista, pamazuva aJoyakimu: wokwaSeraya, aiva Meraya; wokwaJeremia, aiva Hanania; wokwaEzira, aiva Meshurami; wokwaAmaria, aiva Jehohanani; wokwaMaruki, aiva Jonatani; wokwaShekania, aiva Josefa; wokwaHarimu, aiva Adhina; wokwaMeremoti, aiva Herikai; wokwaIdho, aiva Zekaria; wokwaGinetoni aiva Meshurami; wokwaAbhija, aiva Zikiri; wokwaMiniamini, newokwaMoadhia, aiva Piritai; wokwaBhiriga aiva Shamia; wokwaShemaya aiva Jehonatani; wokwaJoyaribhi aiva Matenai; wokwaJedhaya, aiva Uzi; wokwaSaru, aiva Karai; wokwaAmoki, aiva Ebheri; wokwaHirikia, aiva Hashabhia; wokwaJedhaya, aiva Netaneri. Vakuru vedzimba dzavaRevhi mumazuva aEriashibhi, Joyadha, Johanani naJadhua, pamwe chete neavo vaiva vevaprista, vakanyorwa mazita avo pamazuva okutonga kwaDhariasi muPezhia. Vakuru vedzimba pakati pezvizvarwa zvaRevhi kusvikira panguva yaJohanani mwanakomana waEriashibhi vakanyorwa mumabhuku enhoroondo. Zvino vatungamiri vavaRevhi vaiva Hashabhia, Sherebhia naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo avo vaimira vakatarisana vachipa rumbidzo nokuvonga, uye vachiita madzoro sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Matania Bhakibhukia, Dhadhia, Meshurami, Taramani, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova namatura. Vakashumira pamazuva aJehoyakimi mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, nomumazuva aNehemia mubati naEzira muprista nomunyori. Zvino pakukumikidzwa kworusvingo rweJerusarema, vaRevhi vakatsvakwa kwavaigara vakauyiswa kuJerusarema kuzopemberera kukumikidzwa uku nomufaro, nenziyo dzokuvonga, uye nokuimba, vachiridza makandira, mitengeranwa nembira. Vaimbi vakaunganidzwa pamwe chete kubva kumatunhu akapoteredza Jerusarema, nokumisha yavaNetofati; nokuBheti Girigari uye kubva munzvimbo yeGebha neAzimavheti, nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha vakapoteredza Jerusarema. Zvino vaprista navaRevhi vakati vazvinatsa, vakanatsawo vanhu, mikova norusvingo. Ipapo ndakakwidza vatungamiri vavaJudha pamusoro porusvingo. Ndakarayirawo mapoka makuru maviri avaimbi kuti vavonge vachifamba mumudungwe. Rimwe boka rakafamba pamusoro porusvingo kurudyi, rakananga kuMukova weNdove. Hoshaya nehafu yavatungamiri vaJudha vakavatevera, pamwe chete naAzaria, Ezira, Mesharami, Judha, Bhenjamini, Shemaya, naJeremia, pamwe chete navamwe vaprista vaiva nehwamanda, uyewo naZekaria mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi, nehama dzake vanaShemaya, Azareri, Mirarai, Girarai, Maai, Nataneri, Judha naHanani nemidziyo yokuimbisa yakarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Ezira munyori akavatungamirira ari pamberi. Vakafamba napaSuo reTsime vakarurama kumatanho eGuta raDhavhidhi napamukwidza wokurusvingo uye vakapfuura napamusoro peimba yaDhavhidhi vakananga kuSuo reMvura kumabvazuva. Rimwe boka ravaivonga rakaenda kuruboshwe. Ini ndakavatevera pamwe chete nehafu yavanhu ndiri pamusoro porusvingo, ndikapfuura napashongwe yechoto kusvikira kurusvingo rwakapamhama, napamusoro peSuo raEfuremu, Suo reKare, Suo reHove, Shongwe yaHananeri napaShongwe yeZana, kusvikira paSuo raMakwai. Vakamira paSuo raVarindi. Naizvozvo mapoka maviri avavongi akamira muimba yaMwari, neni ndikaita saizvozvo, pamwe chete nehafu yavabati, navapristawo, vanaEriakimi, Maaseya, Miniamini, Mikaya, Erioenai, Zekaria naHanania, nehwamanda dzavo, uyewo Maaseya, Shemaya, Ereazari, Uzi Jehonani, Marikiya, Eramu naEzeri. Vaimbi vakaimba vachitungamirirwa naJezirahia. Pazuva iro vakabayira zvibayiro zvikuru, vachifara nokuti Mwari akanga avapa mufaro mukuru. Vakadzi navana vakafarawo. Maungira omufaro waiva muJerusarema akanzwika kure kwazvo. Panguva iyoyo varume vakagadzwa kuva vatariri vamatura okuvigira zvaiunganidzwa, uye zvibereko zvokutanga nezvegumi. Vaifanira kuuya nezvaibva muminda yakapoteredza maguta kumatura okuvigira migove yakatarirwa vaprista navaRevhi nomurayiro, nokuti Judha yakafadzwa navaprista navaRevhi vaishumira. Vakaita shumiro yaMwari wavo neshumiro yokunatswa, pamwe chete navaimbi navachengeti vamasuo, sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni. Nokuti kare kare, mumazuva aDhavhidhi naAsafi, kwaiva navatungamiri vavaimbi nezvenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari. Saka mumazuva aZerubhabheri naNehemia, vaIsraeri vose vaipa migove yezuva nezuva kuvaimbi navachengeti vamasuo. Vakatsaurawo mugove wavamwe vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurawo mugove wezvizvarwa zvaAroni.
Nehemia 12:1-47 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ava ndivo vapristi navaRevhi vakaenda naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, naJeshua: Seraya, naJeremiya, naEzira; naAmaria, naMaruki, naHatushi; naShekania, naRehumi, naMeremoti; naIdho, naGinetoi, naAbhiya; naMijamini, naMaadhia, naBhiriga; naShemaya, naJoyaribhi, naJedhaya; naSaru, naAmoki, naKirikiiya, naJedhaya. Ndivo vakanga vari vakuru vavapristi navehama dzavo pamazuva aJeshua. Uye navaRevhi ava: Jeshua, naBhinui, naKadhimieri, naSherebhia, naJudha, naMatania, iye nehama dzake ndivo vairaira vaimbi. NaBhakibhukia, naUno, hama dzavo, vakanga vakatarisana navo pakurinda. Jeshua akabereka Joyakimu, Joyakimu akabereka Eriashibhi, Eriashibhi akabereka Joyadha; Joyadha akabereka Jonatani, Jonatani akabereka Jadhua. Pamazuva aJoyakimu vapristi, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanga vari: wokwaSeraya, Meraya; wokwaJeremiya, Hanania; wokwaEzira, Meshurami, wokwaAmaria, Jehohanani; wokwaMaruki, Jonatani; wokwaShebhania, Josefa; wokwaHarimi, Adhina; wokwaMerayoti, Herikai; wokwaIdho, Zekariya; wokaGinetoni, Meshurami; wokwaAbhia, Zikiri; wokwaMinyamini woMoadhia, Piritai; wokwaBhiriga, Shamua; wokwaShemaya, Jehonatani; wokwaJoyaribhi, Matenai; wokwaJedhaya, Uzi; wokwaSarai, Karai; wokwaAmoki, Ebheri; wokwaHirikia Hashabhia; wokwaJedhaya, Netaneri. VaRevhi vakanyorwa mazita avakuru vedzimba dzamadzibaba pamazuva aEriashibhi, naJoyadha, naJohanani, naJadhua; navapristiwo kusvikira pakubata ushe kwaDhariusi muPerisia. Vanakomana vaRevhi ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanyorwa pabhuku yamakoronike, kusvikira pamazuva aJohanani mwanakomana waEriashibhi. Vakuru vavaRevhi vakanga vari: Hashabhia, naSherebhia, naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo dzakatarisana navo pakurumbidza nokuvonga, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari, vachiita madzoro pakuimba. Matania, naBhakibhukia, naObhadhiya, naMeshurami, naTarimoni, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova, vairinda pamatura pamasuo. Ndivo vakanga varipo pamazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, napamazuva aNehemiya mubati, nomupristi Ezira munyori. Zvino pakutsaurira kwavo Jehovha rusvingo rweJerusaremu, vakandotsvaka vaRevhi pose pavakanga vagere, vakauya navo Jerusaremu, kuti vatsaure nomufaro, nokuvonga nokuimba, nokuridza makandira nemitengeranwa nembira. Vanakomana vavaimbi vakaungana pamwechete vachibva kumapani akapoteredza Jerusaremu, nokumisha yavaNetofati; napaBhetigirigari, naparuwa rweGebha neAzimavheti; nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha pamativi ose eJerusaremu. Zvino vapristi navaRevhi vakazvinatsa, ndokunatsawo vanhu, namasuo, norusvingo. Ipapo ndakakwidza machinda avaJudha pamusoro porusvingo, ndikaraira mapoka makuru maviri vakavonga vachifamba vakaita mudungwe; rimwe rakafamba kurutivi rworudyi pamusoro porusvingo, vachienda kusuo ramarara; shure kwavo kwakafamba Hosaya, nehafu yamachinda aJudha, naAzaria, naEzira, naMeshurami, naJudha, naBhenjamini, naShemaya, naJeremiya, navamwe vanakomana vavapristi vane hwamanda. Zekariya, mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi; nehama dzake: Shemaya, naAzareri, naMirarai, naGirarai, naMaai, naNetaneri, naJudha, naHanani vane zvokuridza zvaDhavhidhi munhu waMwari; Ezira, munyori akanga ari pamberi pavo; vakafamba napasuo retsime, vakarurama, ndokukwira namatano eguta raDhavhidhi, pamukwidzwa worusvingo, pamusoro peimba yaDhavhidhi, kusvikira pasuo remvura, kumabvazuva. Rimwe boka ravavongi rakandosangana navo, ini ndichivatevera, ndine hafu yavanhu pamusoro porusvingo, pamusoro peshongwe yamavira, kusvikira parusvingo rupamhi; napamusoro pesuo raEfuremu, napasuo rekare, napasuo rehove, neshongwe yaHananeri, neshongwe yaHamea, kusvikira pasuo ramakwai; vakamira pasuo ravarindi. Mapoka maviri avavongi vakamira saizvozvo paimba yaMwari, neni nehafu yavatariri, navapristi Eriakimu, naMaaseya, naMiniamini, naMikaya, naErionenai, naZekariya, naHanania, vane hwamanda; naMaaseya, naShemaya, naEreazari, naUzi, naJehohanani, naMarikija, naErami, naEzeri. Vaimbi vakaimbisa kwazvo, vana Jezirahia mutariri wavo. Vakabayira zvibayiro zvikuru nezuva iro, vakafara; nokuti Mwari akanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusaremu wakanzwika kure. Pazuva iro varume vakagadzwa kutarira makamuri epfuma, nezvipiriso zvinotsaurwa, nezvitsva, nezvegumi, kuti vaunganidziremo migove yavapristi neyavaRevhi yakanga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti vaJudha vakafarira vapristi navaRevhi vaishumira. Ivo vakachengeta murayiro waMwari wavo, nomurayiro wokunatsa, navaimbi navarindi vemikovawo saizvozvo, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi naSoromoni, mwanakomana wake. Nokuti pamazuva akare aDhavhidhi naAsafi, kwaiva nomukuru wavaimbi, nenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari. Zvino vaIsiraeri vose pamazuva aZerubhabheri, napamazuva aNehemiya, vaipa vaimbi navarindi vemikova migove yavo, yakadikanwa zuva rimwe nerimwe; ivo vaitsaurira vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurira vanakomana vaAroni.
Nehemia 12:1-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vapristi navaRevhi vaya vakasimuka vakauya pamwechete naZerubhabhero mwanakomana waShearitieri naJeshua ndavava ava vanoti: Seraya naJeremiya naEzira naAmariya naMaruki naHatushi naShekaniya naRehumu naMeremoti naIdho naGinetoi naAbhiya naMijamini naMaadhiya naBhiriga naShemaya naJoyaribhu naJedhaya naSaru naAmoki naHirikiya naJedhaya. Ivava ndivo vaiva vakuru vakuru vavapristi nevehama dzavo mumazuva aJeshua. KuvaRevhi uku paiva navava vanoti: Jeshua naBhinui naKadhimieri naSherebhiya naJudha naMataniya iyeyu nehama dzake vaiva varivo vokuona nezvenziyo dzokutenda uku Bhakibhukiya naUno hama dzavo vainge vachimira pakadaro apo vakatarisana navo pavainge vari pabasa irori. Jeshua aiva baba vaJohakimu Johakimu ari baba vaEriyashibhu Eriyashibhu ariwo baba vaJoyadha Joyadha ariwo baba vaJonatani. Jonatani ndibaba vaJadhua. Mumazuva aJoyakimu, vapristi vakanga vari vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakamira vakadai: Seraya aiva wokwaMeraya Jeremiya ari wokwaHananiya Ezira ari wokwaMeshuramu Amariya ari wokwaJehohanani Maruki ndewokwaJonatani Shekaniya aiva wokwaJosefi Harimu ari wokwaAdhina Meremoti ari wokwaHerikai Idho ari wokwaZekariya Ginetoni ndewokwaMeshuramu Abhiya ari wokwaZikiri Miniyamini naMoadhiya vaiva vokwaPiritai Bhiriga ari wokwaShamua Shamaya ari wokwaJehonatani Joyaribhu ndewokwaMatenai Jedhaya aiva wokwaUzi Sarai ari wokwaKarai Amoki ari wokwaEbheru Hirikiya ndewokwaHashabhiya, Jedhaya aiva wokwaNetaneri. KuvaRevhi uku, mumazuva aEriyashibhu naJohanani naJadhua, kwakanga kuna mazita akanyorwa avatungamiriri vedzimba dzamadzibaba acho pamwechetewo navapristi kusvikira mugore rokutonga kwaDhariusi muPezhiya. Vanakomana vokwaRevhi, kusvikira mumazuva aJohanani mwanakomana waEriyashibhu, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba acho, vakanga vakanyorwa mazita muBhuku reNhoroondo. Vakuru vakuru vevaRevhi ava vanoti: Hashabhiya naSherebhiya naJeshua mwanakomana waKadhimieri nehama dzavo vaiva vokumira pakatarisana navo vachitenda Mwari nokurumbidza maererano nezvakanga zvanzi zviitwe naDhavhidhi munhu waMwari, chikwata chichidairana nechimwe. Mataniya naBhakibhukiya naObhadhiya naMeshuramu naTarimoni naAkubhu vaiva vachengetedzi vepamisuo mikuru vaimira vachigaririra padzimba dzokuchengetera zvinhu dzokumisuo mikuru yacho. Ivava ava vaivepo mumazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, Jeshua mwanakomana waJozadhaki nomumazuva aNehemiya gavhuna neemupristi Ezira nyanzvi yomutemo iya. Pakuteketererwa kuna Mwari kwakaitwa rusvingo rweJerusaremu, vakakokorodza vaRevhi kunzvimbo dzavo dzose vachiunza muJerusaremu kuzopembera nokufarira kuteketerera kuna Mwari ikoku vachimutenda vachiimba vaine makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendhani. Vanakomana vevaimbi vakaungana pamwechete vachibva munharaunda yeJerusaremu nokumisha yevanhu vokuNetofa nevaibvawo kuBhetigirigari nokuruwa rweGebha nokuAzimavheti. Chakanga chavepo ndechokuti, vaimbi vakanga vazvivakira misha munharaunda yeJerusaremu. Vapristi nevaRevhi vakazvichenura vakabva vachenurawo vanhu nemisuo mikuru norusvingo. Ndakazokwidza machinda emaJudha umu parusvingo ndikasarudza mapoka maviri evanhu vakuru vaiva vari vokuzotenda Mwari vakaita dungwerungwe kuenda. Rimwe boka rakaenda kurudyi kwacho riri pamusoro porusvingo ipapo rakananga kusuo guru rokuMarara richiteverwa mushure naHoshaya pamwechete nechimwe chikamu chamachinda emaJudha umu ava vanoti: Azariya naEzira naMeshuramu naJudha naBhenjamini naShemaya naJeremiya nevamwe vanakomana vevapristi vaine mabhosvo ava vanoti: Zekariya mwanakomana waJonatani Jonatani mwana waShemaya Shemaya ari mwana waMataniya Mataniya ariwo mwana waMikaya Mikaya akaberekwa naZakuri Zakuri aberekwa naAsafu nehama dzake dzomumba dzinoti: Shemaya naAzareri naMirarai naGirarai naMaai naNetaneri naJudha naHanani. Vaine zvokuimbisa zvinoridzwa zviya zvaDhavhidhi munhu waMwari, Ezira nyanzvi yomutemo iya, ndiye aivatungamirira. Kusuo guru reChisipiti, vakati tande kuenda vakananga kumberi kwavo vachikwidza napamadanho rapaGuta raDhavhidhi pamukwidza worusvingo nechepamusoro pemba yaDhavhidhi vachienda kusuo guru rokuMvura kumabvazuva. Rimwewo boka ravaya vokutenda Mwari rakaenda kurubhoshwe. Ndakavatevera nechimwe chikamu chavanhu pamusoro porusvingo ipapo nochokumusoro kweNharire yeZvoto takananga kurusvingo Rwakapamhama napamusoro pesuo guru rokwaEfuremu nepasuo guru reChinyakare nepasuo guru reHove nokuNharire yokwaHananeri nokunharire yeZana nokusuo guru reHwai. Vakazosvikomirira pasuo guru revaGaririri. Nokudaro mapoka maviri aye okutenda Mwari, akamira mumba maMwari, izvozvo ndakanga ndine chimwe chikamu chavakuru vakuru chevapristi vaiva namabhosvo ava vaiti: Eriyakimu naMaaseya naMiniamini naMikaya naErieonai naZekariya naHananiya kwozouyawo Maaseya naShemaya naEreazaru naUzi naJehoHanani naMarikiya naEramu naEzero. Vaimbi vakaimba zvokunzwika zviye vachitungamirirwa naJezirahiya. Vakapira zvibayiro zvikuru musi iwoyo vakafara zvikuru kwazvo nokuti Mwari akanga aita kuti vafare chaizvo zvokufara zviya. Vakadzi navana vakazofarawo. Kufara kweJerusaremu kukanzwika kure kure. Pazuva iroro vamwe varume vakaiswa pabasa rokuona nezvedzimba dzokuchengetera zvinhu izvi zvinoti: mipiro nemichero yokutanga nezvegumi. Ndivo vaiva nebasa rokuunganidzamo migove yainzi nomutemo ive yavapristi nevaRevhi zvichibva muminda yomumaguta pamusana pokuti Judha yaifarira vapristi nevaRevhi vaishandamo. Vakaita basa raMwari wavo nebasawo rokuzvichenura sezvakangoitawo vaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru maererano nomurao waDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni. Nokuti kare mumazuva aDhavhidhi neaAsafu kwaiva nomukuru mukuru wavaimbi, kwaivawo nedzimbo dzokurumbidza nokutenda Mwari. Isiraeri yose mumazuva aZerubhabhero nomumazuva aNehemiya vanhu, vaibvisa mugove wokupa vaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru, vaibvisawo zvevaRevhi, vaRevhiwo vachibvisawo chikamu chaifanirwa kupiwawo kuvanakomana vokwaAroni.
Nehemia 12:1-47 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino aʋa ndiʋo ʋaprista naʋaRevi ʋakaenda naZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, naJeshua: Seraya, naJeremia, naEzra; naAmaria, naMaruki, naHatushi; naShekania, naRehumi, naMeremoti; naIdo, naGinetoi, naAbija; naMijamini, naMaadia, naBirga; naShemaya, naJoyaribi, naJedaya; naSaru, naAmoki, naHirkiya, naJedaya. Ndiʋo ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋaʋaprista naʋehama dzaʋo pamazuʋa aJeshua. Ʋuye naʋaRevi aʋa: Jeshua, naBinui, naKadmieri, naSherebia, naJuda, naMatania, iye nehama dzake ndiʋo ʋairaira ʋaimbi. NaBakbukia, naUno, hama dzaʋo, ʋakaŋga ʋakatarisana naʋo pakurinda. Jeshua akaɓereka Joyakimi, Joyakimi akaɓereka Eriashibi, Eriashibi akaɓereka Joyada; Joyada akaɓereka Jonatani, Jonatani akaɓereka Jadua. Pamazuʋa aJoyakimi ʋaprista, iʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, ʋakaŋga ʋari: WokwaSeraya, Meraya; wokwaJeremia, Hanania; wokwaEzra, Meshurami, wokwaAmaria, Jehohanani; wokwaMaruki, Jonatani; wokwaShebania, Josefa; wokwaHarimi, Adna; wokwaMerayoti, Herkai; wokwaIdo, Zekaria; wokwaGinetoni, Meshurami; wokwaAbia, Zikri; wokwaMinyamini waMoadia, Pirtai; wokwaBirga, Shamua; wokwaShemaya, Jehonatani; wokwaJoyaribi, Matenai; wokwaJedaya, Uzi; wokwaSarai, Karai; wokwaAmoki, Eberi; wokwaHirkiya Hashabia; wokwaJedaya, Netaneri. ƲaRevi ʋakanyorwa mazita aʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa pamazuʋa aEriashibi, naJoyada, naJohanani, naJadua; naʋaprista ʋo kuȿikira pakuɓata ʋushe kwaDariusi muPersia. Ʋanakomana ʋaRevi, iʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, ʋakanyorwa pabuku yamakronike, kuȿikira pamazuʋa aJohanani mŋanakomana waEriashibi. Ʋakuru ʋaʋaRevi ʋakaŋga ʋari: Hashabia, naSherebia, naJeshua, mŋanakomana waKadmieri, nehama dzaʋo dzakatarisana naʋo pakurumbidza nokuʋoŋga, seɀakaŋga ɀarairwa naDavidi munhu waMŋari, ʋaciita madzoro pakuimba. Matania, naBakbukia, naObadia, naMeshurami, naTarmoni, naAkubi ʋakaŋga ʋari ʋarindi ʋe mikoʋa, ʋairinda pamatura pamasuʋo. Ndiʋo ʋakaŋga ʋari’po pamazuʋa aJoyakimi mŋanakomana waJeshua, mŋanakomana waJozadaki, napamazuʋa aNehemia muɓati, nomuprista Ezra munyori. Ɀino pakutsaurira kwaʋo Jehova ruȿiŋgo rweJerusarema, ʋakandotȿaka ʋaRevi pose paʋakaŋga ʋagere, ʋakaʋuya naʋo Jerusarema, kuti ʋatsaure nomufaro, nokuʋoŋga nokuimba, nokuridza makandira nemiteŋgeranwa nembira. Ʋanakomana ʋaʋaimbi ʋakaʋuŋgana pamŋe cete ʋacibva kumapani akapoteredza Jerusarema, nokumisha yaʋaNetofati; napaBeti‐girgari, naparuwa rweGeba neAzmaveti; nokuti ʋaimbi ʋakaŋga ʋaɀiʋakira misha pamatiʋi ose eJerusarema. Ɀino ʋaprista naʋaRevi ʋakaɀinatsa, ndokunatsa ʋo ʋanhu, namasuʋo, noruȿiŋgo. Ipapo ndakakwidza macinda aʋaJuda pamsoro poruȿiŋgo, ndikaraira mapoka makuru maʋiri ʋakaʋoŋga ʋacifamba ʋakaita muɗuŋgwe; rimŋe rakafamba kurutiʋi rworudyi pamsoro poruȿiŋgo, ʋacienda kusuʋo ramarara; shure kwaʋo kwakafamba Hosaya, nehafu yamacinda aJuda, naAzaria, naEzra, naMeshurami, naJuda, naBenjamini, naShemaya, naJeremia, naʋamŋe ʋanakomana ʋaʋaprista ʋanehwamanda: Zekaria mŋanakomana waJonatani, mŋanakomana waShemaya, mŋanakomana waMatania, mŋanakomana waMikaya, mŋanakomana waZakuri, mŋanakomana waAsafi; nehama dzake: Shemaya, naAzareri, naMirarai, naGirarai, naMaai, naNetaneri, naJuda, naHanani ʋaneɀokuridza ɀaDavidi munhu waMŋari; Ezra munyori wakaŋga ari pamberi paʋo; ʋakafamba napasuʋo retsime, ʋakarurama, ndokukwira namatano eguta raDavidi, pamukwidzwa woruȿiŋgo, pamsoro peimba yaDavidi, kuȿikira pasuʋo remvura, kumabvazuʋa. Rimŋe ɓoka raʋaʋoŋgi rakandosoŋgana naʋo, ini ndiciʋateʋera, ndinehafu yaʋanhu pamsoro poruȿiŋgo, pamsoro peshoŋgwe yamaʋira, kuȿikira paruȿiŋgo rupamhi; napamsoro pesuʋo raEfraimi, napasuʋo rekare, napasuʋo rehoʋe, neshoŋgwe yaHananeri, neshoŋgwe yaHamea, kuȿikira pasuʋo ramakwai; ʋakamira pasuʋo raʋarindi. Mapoka maʋiri aʋaʋoŋgi ʋakamira saiɀoɀo paimba yaMŋari, neni nehafu yaʋatariri, naʋaprista Eriakimi, naMaaseya, naMiniamini, naMikaya, naErioenai, naZekaria, naHanania, ʋanehwamanda; naMaaseya, naShemaya, naEreazari, naUzi, naJehohanani, naMarkija, naErami, naEzeri. Ʋaimbi ʋakaimbisa kwaɀo, ʋanaJezrahia mutariri waʋo. Ʋakaɓayira ɀiɓayiro ɀikuru nezuʋa iro, ʋakafara; nokuti Mŋari wakaŋga aʋafadza nomufaro mukuru; naʋakadzi ʋo naʋana ʋakafara; naiɀoɀo mufaro weJerusarema wakanzwika kure. Pazuʋa iro ʋarume ʋakagadzwa kutarira makamuri efuma, neɀipiriso ɀinotsaurwa, neɀitȿa, neɀegumi, kuti ʋaʋuŋganidzire’mo migoʋe yaʋaprista neyaʋaRevi yakaŋga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti ʋaJuda ʋakafarira ʋaprista naʋaRevi ʋaishumira. Iʋo ʋakaceŋgeta murairo waMŋari waʋo, nomurairo wokunatsa, naʋaimbi naʋarindi ʋemikoʋa ʋo saiɀoɀo, seɀakaŋga ɀarairwa naDavidi naSoromoni mŋanakomana wake. Nokuti pamazuʋa akare aDavidi naAsafi, kwaiʋa nomukuru waʋaimbi, nenziyo dzokurumbidza nokuʋoŋga Mŋari. Ɀino ʋaIsraeri ʋose pamazuʋa aZerubaberi, napamazuʋa aNehemia, ʋaipa ʋaimbi naʋarindi ʋemikoʋa migoʋe yaʋo, yakaɗikanwa zuʋa rimŋe nerimŋe; iʋo ʋaitsaurira ʋaRevi, ʋuye ʋaRevi ʋaitsaurira ʋanakomana ʋaAroni.
Nehemia 12:1-47 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)