Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 10:39 - Compare All Versions

Nehemia 10:39 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Vanhu vaIsraeri pamwe chete navaRevhi, vanofanira kuuya nezvipo zvavo zvezviyo, newaini itsva uye namafuta kumatura kunochengeterwa midziyo yose yenzvimbo tsvene, uye kunogara vaprista vanoshumira, navarindi vemikova navaimbi. “Hatizoshayiri hanya imba yaMwari wedu.”

Pakurirana nevamwe
Nehemia 10 BDSC

Nehemia 10:39 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokuti vana vaIsiraeri navana vaRevhi vanofanira kuuya nechipiriso chinotsaurwa chezviyo, newaini, namafuta, kumakamuri mune midziyo yeimba tsvene nokuvapristi vanobatamo, navarindi vemikova, navaimbi; hatingarashi imba yaMwari wedu.

Pakurirana nevamwe
Nehemia 10 SNA2002

Nehemia 10:39 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

nokuti vanhu veIsiraeri navanakomana vokwaRevhi vanofanira kuendesa mipiro yembesanwa neyewaini itsva neyemafuta eorivhi kudzimba idzodzo kune midziyo yomunzvimbo inoera navapristi vanoita basa imomo navachengetedzi vepamisuo mikuru navaimbi. Hatingashayire hanya imba yaMwari wedu.

Pakurirana nevamwe
Nehemia 10 SCLBD

Nehemia 10:39 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti ʋana ʋaIsraeri naʋana ʋaRevi ʋanofanira kuʋuya necipiriso cinotsaurwa ceɀiyo, newaini, namafuta, kumakamuri munemidziyo yeimba tȿene nokuʋaprista ʋanoɓata’mo, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi; hatiŋgarashi imba yaMŋari weɗu.

Pakurirana nevamwe
Nehemia 10 SUB1949

Nehemia 10:39 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

nokuti vanhu veIsiraeri navanakomana vokwaRevhi vanofanira kuendesa mipiro yembesanwa neyewaini itsva neyemafuta eorivhi kudzimba idzodzo kune midziyo yomunzvimbo inoera navapristi vanoita basa imomo navachengetedzi vepamisuo mikuru navaimbi. Hatingashayire hanya imba yaMwari wedu.

Pakurirana nevamwe
Nehemia 10 SCLB