Nehemia 1:5-6
Nehemia 1:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakati: “Haiwa Jehovha, Mwari wokudenga, Mwari mukuru uye anotyisa anochengeta sungano yake yorudo naavo vanomuda uye vanoteerera mirayiro yake, nzeve yenyu ngaiteerere uye meso enyu asvinure kuti munzwe munyengetero womuranda wenyu wandinonyengetera pamberi penyu masikati nousiku nokuda kwavaranda venyu, vanhu veIsraeri.
Nehemia 1:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
ndikati, “Ndinokumbira kwamuri Jehovha Mwari wokudenga, Mwari mukuru anotyisa, iye anorangarira sungano yake netsitsi kuna vanomuda vachichengeta mirairo yake; nzeve yenyu ngaiteerere zvino, nameso enyu asvinure, munzwe munyengetero womuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu, nguva ino, masikati nousiku, pamusoro pavana vaIsiraeri varanda venyu, ndichireurura zvivi zvavana vaIsiraeri, zvatakakutadzirai nazvo; nokuti takatadza, ini naveimba yababa vangu.
Nehemia 1:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
ndichiti, “Tenzi, Mwari Wedenga. Muri Mwari mukuru anotyisa anochengeta chitenderano chake navanomuda vanochengeta mitemo yenyu. Tarisaiwo nemeso enyu muone, murerekere zvenyu nzeve yenyu munzwe munamato wangu ini muranda wenyu wandava kuita mberi kwenyu siku nesikati ndichinamatira vanhu veIsiraeri varanda venyu ndichireurura zvitadzo zvavanhu veIsiraeri zvatakakutadzirai nazvo, zviri zvokutadza izvi ini namadzibaba emhuri yokwangu, takatadza.
Nehemia 1:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ndikati: Ndinokumbira kwamuri Jehova Mŋari wokuɗeŋga, Mŋari mukuru unotyisa, iye unoraŋgarira suŋgano yake netsitsi kunaʋanomuɗa ʋaciceŋgeta mirairo yake; nzeʋe yenyu ŋgaiterere ɀino, nameso enyu aȿinure, munzwe munyeŋgetero womuranda wenyu, wandinonyeŋgetera pamberi penyu, ŋguʋa ino, masikati noʋusiku, pamsoro paʋana ʋaIsraeri ʋaranda ʋenyu, ndicireʋurura ɀiʋi ɀaʋana ʋaIsraeri, ɀatakakutadzirai naɀo; nokuti takatadza, ini naʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu.
Nehemia 1:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)