Nehemia 1:11 - Compare All Versions
Nehemia 1:11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa Jehovha, nzeve yenyu ngainzwe munyengetero womuranda wenyu uyu nomunyengetero wavaranda venyu vanofarira kukudza zita renyu. Itai kuti muranda wenyu abudirire nhasi uye mumupe nyasha pamberi pomurume uyu.” Ndakanga ndiri mudiri wamambo.
Nehemia 1:11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haiwa, Jehovha, ndinokumbira kuti nzeve yenyu iteerere kunyengetera kwomuranda wenyu nokunyengetera kwavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu; fambisai henyu muranda wenyu zvakanaka nhasi, mumuwanise tsitsi pamberi pomunhu uyu.” (Zvino ini ndakanga ndiri mudiri wamambo.)
Nehemia 1:11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Nhai Tenzi rerekeraiwo nzeve yenyu kumunamato weni muranda wenyu nokumunamato wavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu. Muitewo kuti ini muranda wenyu ndibudirire nhasi uno, mupewo kuti ndiitirwe tsiye nyoro nomurume iyeyu.” Izvozvo ndini ndaiva wokuona nezvewaini yokwamambo.
Nehemia 1:11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Haiwa, Jehova, ndinokumbira kuti nzeʋe yenyu iterere kunyeŋgetera kwomuranda wenyu nokunyeŋgetera kwaʋaranda ʋenyu ʋanofarira kutya zita renyu; fambisai henyu muranda wenyu ɀakanaka nhasi, mumuwanise tsitsi pamberi pomunhu uyu. (Ɀino ini ndakaŋga ndiri muɗiri wamambo.)
Nehemia 1:11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)