Nahumi 1:3-7
Nahumi 1:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha anononoka kutsamwa uye ane simba guru; Jehovha haangasiye ane mhosva asina kurangwa. Nzira yake iri muchamupupuri nedutu, uye makore ndiwo guruva retsoka dzake. Anotuka gungwa agoriomesa; anoita kuti nzizi dzose dziome. Bhashani neKarimeri zvasvava uye kutumbuka kweRebhanoni kwapera. Makomo anodengenyeka pamberi pake uye zvikomo zvinonyungudika. Nyika inodedera pamberi pake, nyika uye navose vanogara mairi. Ndiani angadzivisa hasha dzake? Ndiani angashingirire pahasha dzake dzinotyisa? Hasha dzake dzadururwa somoto; matombo apwanyika pamberi pake. Jehovha akanaka, utiziro panguva dzokutambudzika. Anochengeta avo vanovimba naye
Nahumi 1:3-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha haakurumidzi kutsamwa, une simba guru, haangatongopembedzi ane mhosva; nzira yaJehovha iri pakati pechamupupuri nedutu, makore iguruva retsoka dzake. Anotuka gungwa, achiri omesa, anopwisa nzizi dzose; Bhashani rinoshaiwa simba, uye Karimeri, ruva reRebhanoni rinoshaiwa simba. Makomo anodedera pamberi pake, zvikomo zvinonyauka; nyika inosimuka pamberi pake, zvirokwazvo, iyo nyika yavose vagerepo. Ndiani angamira pamberi pehasha dzake? Ndiani angaramba amire pakutsamwa kwake kukuru? Hasha dzake dzakadururwa somoto, matombo akaputsanyiwa naye. Jehovha akanaka, inhare nezuva rokutambudzika; iye anoziva vanotizira kwaari.
Nahumi 1:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi haakurumidzi kushatirwa asi simba anaro guru uye Tenzi haaregi kuranga munhu ane mhosva. Muchamupupuri nedutu remhepo ndimo mune nzira yake makore ari huruva yetsoka dzake. Anotsiura gungwa achiriomesa anopwisa nzizi dzose kuBhashani nokuKarimero kuchisvava pfumvudza yeRebhanoni ichinava. Pamberi pake makomo anodedera zvikomo zvichinyongodeka, pamberi pake nyika inonyandurwa, pasi pose nezvose zvigere mairi. Ndiani chaizvo angamirisane nehasha dzake? Chaizvo ndiani angapamire paanenge aviruka nehasha? Hasha dzake dzinoita zvokuviruka somoto matombo achitsemurwa-tsemurwa naye. Tenzi akanaka, inhare yokuhwanda pazuva rokutambudzika. Iye anozivawo vanotizira kwaari.
Nahumi 1:3-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova haakurumidzi kutsamŋa, unesimba guru, haaŋgatoŋgopembedzi unemhoȿa; nzira yaJehova iri pakati pecampupuri neɗutu, makore iguruʋa retsoka dzake. Unotuka guŋgwa, aciriwomesa, unopxisa nzizi dzose; Bashani rinoshaiwa siniba, ʋuye Karmeri, ruʋa reRebanoni rinoshaiwa simba. Makomo anoɗeɗera pamberi pake, ɀikomo ɀinonyauka; nyika inosimuka pamberi pake, ɀirokwaɀo, iyo nyika naʋose ʋagere’po. Ndiani uŋgamira pamberi pehasha dzake? Ndiani uŋgaramba amire pakutsamŋa kwake kukuru? Hasha dzake dzakaɗururwa somŋoto, matombo akaputsanyiwa naye. Jehova wakanaka, inhare nezuʋa rokutambudzika; iye unoziʋa ʋanotizira kwaari.
Nahumi 1:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)