Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 9:5-8 - Compare All Versions

Mako 9:5-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akashaya zvokutaura, nokuti vakanga votya zvikuru. Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!” Pakarepo, vakatarisa kwose kwose, uye havana kuzoona munhu aripo navo kunze kwaJesu.

Pakurirana nevamwe
Mako 9 BDSC

Mako 9:5-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Petirosi akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.” Nokuti akanga asingazivi chaanotaura, nokuti vakatya zvikuru. Zvino gore rikauya rikavafukidza, izwi rikabuda mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu mudiwa, mumunzwei!” Kamwe, vakati vachiringaringa, havana kuzoona munhu, asi Jesu bedzi anavo.

Pakurirana nevamwe
Mako 9 SNA2002

Mako 9:5-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Zvino Pita akabva ataurawo kuna Jesu achiti, “I–i, mudzidzisi, zvakanaka sei kuti tive pano! Ngatichivakai matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEriya.” Akanga asingazivi zvaaitaura nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru kwazvo. Gore rakavafukidza, izwi rikabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo, munzwei.” Pakarepo vakazoti ringe–ringei, wanei hapachisina wavachamboona kunze kwaJesu chete aiva navo.

Pakurirana nevamwe
Mako 9 SCLBD

Mako 9:5-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Petro akapindura, akati kunaJesu: Rabi, ɀakanaka ɀatiri pano; ŋgatiʋake matumba matatu, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria. Nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi caanotaura, nokuti ʋakatya ɀikuru. Ɀino gore rikaʋuya rikaʋafukidza, inzwi rikaɓuɗa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, mumunzwei! Kamŋe, ʋakati ʋaciriŋgariŋga, haʋana‐kuzoʋona munhu, asi Jesu ɓedzi anaʋo.

Pakurirana nevamwe
Mako 9 SUB1949

Mako 9:5-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mako 9 SCLB