Mako 8:37-38
Mako 8:37-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Kana munhu achinyadziswa neni uye namashoko angu murudzi urwu rwoufeve uye runotadza, Mwanakomana woMunhu achanyadziswawo naye paanouya mukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene.”

Mako 8:37-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Nokuti ani naani anonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwohupombwe norwokutadza, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake, musi waanouya navatumwa vatsvene nokubwinya kwaBaba vake.”
Mako 8:37-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti chiiko munhu chaangabvise kuti adzikinure upenyu hwake? Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu pakati pechizvarwa ichi chenzenza dzavanhu nechavatadzi, Mwanakomana womunhu achamunyarawo musi waanouya aine mbiri yaBaba vake pamwe navatumwa vatsvene.”
Mako 8:37-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti munhu ucaripeiko kuti adzikinure ʋupenyu bgake? Nokuti aninani unonyara pamsoro pamashoko aŋgu parudzi urwu rwoʋupombge nokutadza, Mŋanakomana womunhu ucanyara ʋo pamsoro pake, musi waanoʋuya nokubginya kwake naƂaɓa ʋake naʋatumŋa ʋatȿene.
Mako 8:37-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)