Mako 8:1-21
Mako 8:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaunganazve. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati, “Ndine urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya. Kana ndikavaendesa vane nzara kumisha yavo, vachaziya vakawira pasi nenzara munzira, nokuti vamwe vavo vakabva kure.” Vadzidzi vake vakati, “Asi munhu angawanepiko murenje muno zvingwa zvavangapiwa vakaguta?” Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe.” Akaudza vanhu vazhinji ava kuti vagare pasi. Akati atora zvingwa zvinomwe uye akavonga, akazvimedura akazvipa kuvadzidzi vake kuti vaise pamberi pavanhu, uye vakaita saizvozvo. Vakanga vane hove duku shoma shoma zvakare; uye akavongazve akaudza vadzidzi kuti vadzigovere kuvanhu. Vanhu vakadya uye vakaguta. Shure kwaizvozvo vadzidzi vakanonga matengu manomwe azere ezvimedu. Pakanga pane varume vangangosvika zviuru zvina. Uye akati avaendesa, akapinda mugwa navadzidzi vake akaenda kudunhu reDharimanuta. VaFarisi vakasvika ndokutanga kubvunza Jesu. Kuti vamuedze, vakamukumbira chiratidzo chaibva kudenga. Akagomera zvikuru akati, “Seiko rudzi urwu ruchikumbira chiratidzo? Ndinokuudzai chokwadi, hakuna chiratidzo chichapiwa kwarwuri.” Ipapo akavasiya, akadzokera mugwa akayambukira kuno rumwe rutivi. Vadzidzi vakanga vakanganwa kuuya nechingwa, kunze kwechimwe chete chavakanga vanacho mugwa. Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai. Ngwarirai mbiriso yavaFarisi neyaHerodhi.” Vakataurirana vachiti, “Imhaka yokuti hatina chingwa.” Achiziva zvavaitaurirana, Jesu akavabvunza akati, “Seiko muchitaura pamusoro pokuti hamuna chingwa? Heya, muchigere kuona kana kunzwisisa nhai? Mwoyo yenyu ichiri mikukutu nhai? Heya, mune meso asi hamuoni, uye mune nzeve asi hamugoni kunzwa nhai? Uye hamurangariri here? Pandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu zvingwa zvishanu, makazadza matengu mangani ezvimedu zvakasara?” Vakati, “Gumi namaviri.” “Uye pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makazadza matengu mangani ezvimedu?” Vakapindura vakati, “Manomwe.” Akati kwavari, “Hamunzwisisi nazvino here?”
Mako 8:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Namazuva iwayozve kwakanga kunavazhinji zhinji, vakanga vasina zvavangadya, akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari, “Ndine tsitsi navanhu vazhinji, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya. Kana ndikavaendesa kumusha kwavo vane nzara, vachaziya panzira; vamwe vavo vanobva kure.” Vadzidzi vake vakapindura, vakati kwaari, “Munhu angawanepiko murenje muno, zvingwa zvingagutisa vanhu ava?” Akavabvunza, akati, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe.” Zvino akarayira vanhu vazhinji kuti vagare pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pavazhinji. Uye vakanga vane hove duku shomanene; zvino akatenda, Mwari akati zviiswewo pamberi pavo. Vakadya, vakaguta, ndokuunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe. Vanenge vaiva zviuru zvina; akavaendesa. Pakarepo akapinda muigwa navadzidzi vake, akasvika kumativi enyika yeDharimanuta. Zvino vaFarisi vakabuda, vakatanga kuita nyaya naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuedza. Akagomera zvikuru mumweya make, akati “Rudzi urwu runotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungapiwi chiratidzo.” Ipapo akavasiya, akapindazve muigwa, akayambukira mhiri. Vakanga vakanganwa kutora zvingwa muigwa; vakanga vasina zvingwa muigwa, asi chimwe bedzi. Zvino akavarayira, akati, “Chenjerai, mutye mbiriso yavaFarisi nembiriso yaHerodhi.” Vakarangana vakati, “Anodaro nokuti hatine zvingwa.” Zvino Jesu akati achizviziva, akati kwavari, “Munorangana nemhaka yeiko kuti hamune zvingwa? Hamuzivi, nokunzwisisa here? Mwoyo yenyu ichiri mikukutu here? Zvamuna meso, hamuoni here? Zvamune nzeve, hamunzwi here? Hamurangariri here? Musi wandakamedurira vane zviuru zvishanu zvingwa zvishanu, makanonga matengu manganiko azere nezvimedu?” Vakati kwaari, “Gumi namaviri.” “Nomusi wandakamedurira vane zviuru zvina zvingwa zvinomwe, makanonga matengu manganiko akazadzwa nezvimedu?” Vakati, “Manomwe.” Akati kwavari, “Ko hamunzwisisi nazvino here?”
Mako 8:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Namazuva iwayo gungano guru ravanhu parakaungana zvakare, uye vakanga vasisina chokudya akadaidza vadzidzi vake akati kwavari, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya, zvino havachisina chokudya. Kana ndikavaendesa kumisha yavo vaine nzara vachaziya panzira nokuti vamwe vavo vabva kure.” Vadzidzi vake vakamupindura vachiti, “Pane angawane zvingwa mugwenga muno here zvingagutse vanhu ava?” Akavabvunza kuti, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Zvinomwe.” Zvino akati vanhu ngava gare pasi. Akatora zvingwa zvinomwe zviya akatenda, ndokuzvimedura ozvipa vadzidzi vake kuti vape vanhu. Ivo ndokuzvipa kuvanhu. Uye vakanga vane tuhove tushoma. Akatukomborera akati, “Kunyange itwotwu tupihwe vanhu.” Vanhu vakadya vakaguta, vakazonhongerera zvimedu zvakasara zvikazadza nhengwana nomwe. Pakanga paine zviuru zvinenge zvina zvavanhu. Akazoonekana navanhu, pakarepo ndokubva akwira mugwa navadzidzi vake akaenda kudunhu reDharimanuta. Zvino vaFarisei vakauya kwaari, vakatanga kuitirana nharo naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, kuri kumuedza. Akashungurudzika mumwoyo make akati, “Chizvarwa ichi chinotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hakuna chiratidzo chichapiwa kuchizvarwa ichi.’ ” Akabva avasiya, ndokukwirazve mugwa oyambukira mhiri. Zvino vakanga vakanganwa kutakura chingwa, kunze kwechimwechete chavakanga vanacho mugwa. Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisei neyaHerodhi.” Vakakurukurirana pachavo vachiti, “Hatina chingwa.” Jesu akazviziva akavati, “Nemhaka yei muchitaurirana kuti hamuna chingwa? Hamusati maziva kana kunzwisisa here, mwoyo yenyu mikukutu kanhi? Mune meso, asi hamuoni nhai? Mune nzeve asi hamunzwe nhai? Hamuyeuke here zviya zvandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu, zvingwa zvishanu; makaunganidza matengu mangani azere ezvimedu?” Vakati kwaari, “Gumi namaviri.” “Ko paya pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makaunganidza nhengwana dzizere ngani dzezvimedu?” Vakati kwaari, “Nomwe.” Iye ndokuti kwavari, “Hamusati mavakunzwisisa nanhasi here?”
Mako 8:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Namazuʋa iwayo ɀe kwakaŋga kunaʋazhinji‐zhinji, ʋakaŋga ʋasinaɀaʋaŋgadya, akaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati kwaʋari: ndinetsitsi naʋanhu ʋazhinji, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya. Kana ndikaʋaendisa kumusha kwaʋo ʋanenzara, ʋacaziya panzira; ʋamŋe ʋaʋo ʋanobva kure. Ʋadzidzi ʋake ʋakapindura, ʋakati kwaari: Munhu uŋgawanepiko murenje muno, ɀiŋgwa ɀiŋgagutisa ʋanhu aʋa? Akaʋabvunza, akati: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Ʋakati: Ɀinomŋe. Ɀino akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi, akatora ɀiŋgwa ɀinomŋe, akaʋoŋga, akaɀimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, kuti ʋaise pamberi paʋo; ʋakaɀiisa pamberi paʋazhinji. Ʋuye ʋakaŋga ʋanehoʋe ɗuku shomanene; ɀino akadziropafadza, akati ɀiiswe ʋo pamberi paʋo. Ʋakadya, ʋakaguta, ndokuʋuŋganidza ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu manomŋe. Ʋaneŋge ʋaiʋa ɀuru ɀinna; akaʋaendisa. Pakarepo akapinda mugwa naʋadzidzi ʋake, akaȿika kumatiʋi enyika yeDarmanuta. Ɀino ʋaFarise ʋakaɓuɗa, ʋakataŋga kuita nyaya naye, ʋacitȿaka kwaari ciratidzo cinobva kuɗeŋga, ʋacimuidza. Akagomera ɀikuru pamŋeya wake, akati: Rudzi urwu runotȿakireiko ciratidzo? Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgapiwi ciratidzo. Ipapo akaʋasiya, akapinda ɀe mugwa, akayambukira mhiri. Ʋakaŋga ʋakaŋganwa kutora ɀiŋgwa; ʋakaŋga ʋasineɀiŋgwa, asi cimŋe ɓedzi. Ɀino akaʋaraira, akati: Cenjerai, mutye mbiriso yaʋaFarise nembiriso yaHerode. Ʋakaraŋgana ʋakati: Unoɗaro nokuti hatineɀiŋgwa. Ɀino Jesu wakati aciɀiziʋa, akati kwaʋari: Munoraŋgana nemhaka yeiko kuti hamuneɀiŋgwa? Hamuziʋi, nokunzwisisa here? Mŋoyo yenyu iciri mikukutu here? Ɀamunameso, hamuʋoni here? Ɀamunenzeʋe, hamunzwi here? Hamuraŋgariri here? Musi wandakameɗurira ʋaneɀuru ɀishanu ɀiŋgwa ɀishanu, makanoŋga mateŋgu maŋganiko azere neɀimeɗu? Ʋakati kwaari: Gumi namaʋiri. Nomusi wandakameɗurira ʋaneɀuru ɀinna ɀiŋgwa ɀinomŋe, makanoŋga mateŋgu maŋganiko akazadzwa neɀimeɗu? Ʋakati: Manomŋe. Akati kwaʋari: Ko hamunzwisisi naɀino here?
Mako 8:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)