Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 8:1-2 - Compare All Versions

Mako 8:1-2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaunganazve. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati, “Ndine urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya.

Pakurirana nevamwe
Mako 8 BDSC

Mako 8:1-2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Namazuva iwayozve kwakanga kunavazhinji zhinji, vakanga vasina zvavangadya, akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari, “Ndine tsitsi navanhu vazhinji, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya.

Pakurirana nevamwe
Mako 8 SNA2002

Mako 8:1-2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Namazuva iwayo gungano guru ravanhu parakaungana zvakare, uye vakanga vasisina chokudya akadaidza vadzidzi vake akati kwavari, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya, zvino havachisina chokudya.

Pakurirana nevamwe
Mako 8 SCLBD

Mako 8:1-2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Namazuʋa iwayo ɀe kwakaŋga kunaʋazhinji‐zhinji, ʋakaŋga ʋasinaɀaʋaŋgadya, akaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati kwaʋari: ndinetsitsi naʋanhu ʋazhinji, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya.

Pakurirana nevamwe
Mako 8 SUB1949

Mako 8:1-2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Namazuva iwayo gungano guru ravanhu parakaungana zvakare, uye vakanga vasisina chokudya akadaidza vadzidzi vake akati kwavari, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya, zvino havachisina chokudya.

Pakurirana nevamwe
Mako 8 SCLB