Mako 7:31-35
Mako 7:31-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akabva kunzvimbo yeTire akaenda nokuSidhoni, akaburukira kuGungwa reGarirea uye nokudunhu reDhekapori. Ikoko vamwe vanhu vakauya kwaari nomurume akanga ari matsi uye asingagoni kunyatsotaura, uye vakamukumbira kwazvo kuti aise ruoko rwake pamusoro pomurume uyu. Akati aenda naye parutivi, kure noruzhinji, Jesu akaisa minwe yake munzeve dzake. Ipapo akapfira mate akabata rurimi rwomurume uya. Akatarisa kudenga uye nokugomera kukuru akati kwaari, “Efata!” (kureva kuti, “Dziuka!”) Pakarepo, nzeve dzomurume uya dzakadziuka, rurimi rwake rukasunungurwa uye akatanga kutaura zvakanaka.
Mako 7:31-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati achibvazve munyika yeTire, akaenda napakati peSidhoni kugungwa reGariria, napakati penyika yeDhekapori. Vakaisa kwaari munhu wematsi, aiva mbeveve, vakakumbira zvikuru kuti aise ruoko rwake pamusoro pake. Akamubvisa pakati pavanhu vazhinji, ndokuenda naye parutivi, akapinza munwe munzeve dzake, akapfira mate, ndokubata rurimi rwake. Ipapo akatarira kudenga, akagomera, akati kwaari, “Efata,” ndokuti, “Dziuka.” Pakarepo nzeve dzake dzakadziuka, chisungo chorurimi rwake chikasununguka, akataura zvakanaka.
Mako 7:31-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Jesu akabva mudunhu reTire akapfuura nomuSidhoni achinanga kugungwa reGarirea; akaenda napakati penyika yeDhekaporisi. Vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga ari matsi asingagoni kunyatsotaura. Vakamuteterera kuti aise ruoko rwake paari. Iye akamutora parutivi kubva kuruzhinji rwavanhu voenda pavo voga. Akapinza minwe yake munzeve dzake; akapfira mate ndokubata rurimi rwake. Ipapo akatarisa kudenga ndokutura befu oti kwaari, “Efata,” zvichireva kuti, “Dziuka.” Pakarepo nzeve dzake dzakabva dzadziuka, kadzita korurimi rwake rakabva kasununguka, ndokubva ava kugona kutaura zvakanaka.
Mako 7:31-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati acibva ɀe munyika yeTire, akaenda napakati peSidoni kuguŋgwa reGarirea, napakati penyika yeDekapori. Ʋakaisa kwaari munhu wematsi, waikakamira, ʋakakumbira ɀikuru kuti aise ruʋoko rwake pamsoro pake. Akamubvisa pakati paʋanhu ʋazhinji, ndokuenda naye parutiʋi, akapinza munwe munzeʋe dzake, akapfira mate, ndokuɓata rurimi rwake. Ipapo akatarira kuɗeŋga, akagomera, akati kwaari: Efata, ndokuti: Dziʋuka. Pakarepo nzeʋe dzake dzakadziʋuka, cisuŋgo corurimi rwake cikasunuŋguka, akataura ɀakanaka.
Mako 7:31-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)