Mako 7:21-23
Mako 7:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi. Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’ ”
Mako 7:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti mukati, mumwoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, noupombwe, nokuba, nokuuraya, noupfeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, noutere, neziso rine godo, nokutuka, namanyawi, noupenzi; zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu.”
Mako 7:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti imomo mumwoyo yavanhu, ndimo munobva pfungwa dzakaipa, nounzenza, nokuba, nokuuraya, noupombwe, noruchiva nomwoyo wakaipa, nounyengedzi nokusazvibata, neshanje, nokushonha Mwari nokuzvikudza noupenzi. Zvakaipa zvose izvi zvinobva mukati, uye zvinon'oresa munhu.”
Mako 7:21-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti mukati, mumŋoyo yaʋanhu munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, noʋupombge, nokuɓa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noruciʋa, nokuipa, nokunyeŋgera, noʋutere, neziso rinegoɗo, nokutuka, namanyawi, noʋupenzi; ɀakaipa iɀoɀo ɀose ɀinobva mukati, ɀinoȿiɓisa munhu.
Mako 7:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)