Mako 7:20-22
Mako 7:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa. Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi.
Mako 7:20-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinosvibisa munhu. Nokuti mukati, mumwoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, noupombwe, nokuba, nokuuraya, noupfeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, noutere, neziso rine godo, nokutuka, namanyawi, noupenzi
Mako 7:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomun'oresa. Nokuti imomo mumwoyo yavanhu, ndimo munobva pfungwa dzakaipa, nounzenza, nokuba, nokuuraya, noupombwe, noruchiva nomwoyo wakaipa, nounyengedzi nokusazvibata, neshanje, nokushonha Mwari nokuzvikudza noupenzi.
Mako 7:20-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo akati: Ɀinoɓuɗa mumunhu ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Nokuti mukati, mumŋoyo yaʋanhu munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, noʋupombge, nokuɓa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noruciʋa, nokuipa, nokunyeŋgera, noʋutere, neziso rinegoɗo, nokutuka, namanyawi, noʋupenzi
Mako 7:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)