Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 5:1-17 - Compare All Versions

Mako 5:1-17 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGerase. Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye. Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani. Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda. Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo. Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira namabvi ake mberi kwake. Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!” Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!” Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.” Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo. Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi. Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.” Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo. Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika. Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya. Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga ambobatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo. Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo.

Pakurirana nevamwe
Mako 5 BDSC

Mako 5:1-17 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Vakasvika mhiri kwegungwa kunyika yavaGerasa. Zvino akati abuda muigwa, pakarepo akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumarinda. Uyo aigara mumarinda; kwakanga kusino munhu akanga achagona kumusunga kunyange nengetani. Nokuti kazhinji aisungwa nezvisungo zvamakumbo nengetani, asi aidambura ngetani, nokudashura zvisungo; kwakanga kusino munhu aigona kumudzikamisa. Nguva dzose, usiku namasikati, aigara mumarinda nomumakomo, achiridza mhere, achizvicheka namabwe. Zvino akati achiona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumupfugamira; akadanidzira nezwi guru, akati, “Ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari kuti murege kunditambudza.” Nokuti akati kwaari, “Buda pamunhu, iwe mweya wakaipa!” Akamubvunza, akati, “Zita rako ndianiko?” Akati kwaari, “Ndinonzi Regioni, nokuti tiri vazhinji.” Akakumbira zvikuru kwaari kuti arege kuidzinga panyika iyo. Zvino kwakanga kuine pagomo boka guru renguruve dzakanga dzichifura. Ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti, “Titumirei kunguruve, kuti tindopinda madziri.” Akaitendera. Mweya yakaipa ikabuda, ikapinda munguruve; boka rikamhanyira kumawere kugungwa, dzinenge dzaiva zviuru zviviri, dzikafira mugungwa. Vaidzifudza vakatiza, vakandoudza izvozvo muguta nomumaruwa. Vanhu kauya kuzoona zvaitwa. Vakauya kuna Jesu, vakaona akanga ane mweya yakaipa agere, apfeka, ari munhu kwaye iye aiva neRegioni; vakatya. Vaya vakanga vazviona, vakarondedzera zvaakaitirwa iye akanga anemweya yakaipa, nenguruvewo. Vakatanga kukumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.

Pakurirana nevamwe
Mako 5 SNA2002

Mako 5:1-17 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ʋakaȿika mhiri kweguŋgwa kunyika yaʋaGerasa. Ɀino wakati aɓuɗa mugwa, pakarepo akasoŋgana nomunhu waiʋa nomŋeya wetȿina, acibva kumarinda. Uyo waigara mumarinda; kwakaŋga kusinomunhu wakaŋga acagona kumusuŋga kunyaŋge neketani. Nokuti kazhinji waisuŋgwa neɀisuŋgo ɀamakumbo namaketani, asi waiɗambura maketani, nokuɗashura ɀisuŋgo; kwakaŋga kusinomunhu waigona kumunyoroʋesa. Ŋguʋa dzose, ʋusiku namasikati, waigara mumarinda nomumakomo, aciɗanidzira, aciɀiceka namabge. Ɀino wakati aciʋona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumunamata; akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mŋanakomana waMŋari Wokumsoro‐soro? Ndinokupikirai naMŋari kuti murege kunditambudza. Nokuti wakati kwaari: Ƃuɗa pamunhu, iwe mŋeya wetȿina! Akamubvunza, akati: Zita rako ndianiko? Akati kwaari: Regioni ndiro zita raŋgu, nokuti tiri ʋazhinji. Akakumbira ɀikuru kwaari kuti arege kuidziŋga panyika iyo. Ɀino kwakaŋga kuri’po pagomo ɓoka guru reŋguruʋe dzakaŋga dzicifura. Ikakumbira ɀikuru kwaari, iciti: Titumirei kuŋguruʋe, kuti tindopinda madziri. Akaitendera. Mŋeya yetȿina ikaɓuɗa, ikapinda muŋguruʋe; ɓoka rikamhanyira kumawere kuguŋgwa, dzineŋge dzaiʋa ɀuru ɀiʋiri, dzikafira muguŋgwa. Ʋaidzifudza ʋakatiza, ʋakandoʋudza iɀoɀo muguta naparuwa. Ʋakaʋuya kuzoʋona ɀaitwa. Ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakaʋona wakaŋga anemŋeya yakaipa agere, apfeka, ari munhu kwaye — iye waiʋa neregioni; ʋakatya. Ʋaya ʋakaŋga ʋaɀiʋona, ʋakarondedzera ɀaakaitirwa, iye wakaŋga anemŋeya yakaipa, neŋguruʋe ʋo. Ʋakataŋga kukumbira ɀikuru kwaari kuti abve munyika yaʋo.

Pakurirana nevamwe
Mako 5 SUB1949

Mako 5:1-17 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Vakazosvika mhiri kwegungwa, kudunhu ravaGerasa. Jesu achingobuda mugwa, akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumakuva. Munhu uyu aigara mumakuva. Pakanga pasisina kana nomunhu zvake aigona kumusunga kunyange nengetani, nokuti aimbosungwa namajoti nengetani kazhinji, asi aidambura ngetani nokuita majoti udimbu–udimbu. Naizvozvo kwakanga kusisina aigona kumudzikamisa. Nguva dzose, siku nesikati, ainge ari ikoko kumakuva nomumakomo achingozhambarara uye achizvicheka–cheka namabwe. Paakaona Jesu achiri chinhambwe, akamhanyira kwaari akamupfugamira, ndokuzhamba nezwi guru achiti, “Unei neni, Jesu Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro. Ndinoti nezita raMwari rega, kunditambudza.” Nokuti Jesu akanga amuti, “Iwe mweya wetsvina, buda mumunhu uyu.” Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akapindura achiti, “Zita rangu ndinonzi Hondo nokuti takawanda.” Akateterera Jesu chaizvo kuti arege kuidzingira kunze kwedunhu iroro. Ipapo paiva nedanga guru renguruve dzakanga dzichifura zvadzo mujinga megomo. Mweya iya yakamuteterera ichiti, “Titumirei zvedu munguruve kuti tipinde madziri.” Akaibvumidza. Mweya yakaipa yakabuda ikandopinda munguruve dziya. Danga rose renguruve dzaikarosvitsa zviuru zviviri dzakati ware dzoteremuka napamawere ndokunoti rove–rove mugungwa kunyuramo. Vafudzi vadzo ndokutiwo ware kutiza vakandotaurira vanhu veguta nevemumaruwa. Vanhu vakauya kuzoona zvakanga zvaitika. Pavakasvika pana Jesu vakaona munhu uya aipoterwa nemweya yakaipa agere zvake, akatosimirawo, pfungwa dzake dzatodzikama, iye uya aiva nehondo yemweya yakaipa, vakabva vatya. Vaya vakanga vazviona vakarondedzera vanhu zvakanga zvaitika kumunhu akanga akapoterwa nemweya yakaipa nezvakaitikawo kunguruve. Ivo vakatanga kukumbira Jesu kuti abve zvake mudunhu ravo.

Pakurirana nevamwe
Mako 5 SCLB

Mako 5:1-17 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mako 5 SCLBD