Mako 4:38-41
Mako 4:38-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?” Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru. Akati kuvadzidzi vake, “Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?” Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”

Mako 4:38-41 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi iye akanga ari mushure megwa avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamune hanya kuti tofa here?” Akamuka, akarayira mhepo, akati kugungwa, “Nyarara, ugadzikame!” Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo. Zvino akati kwavari, “Munotyireiko kudaro? Hamuna kutenda here?” Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, “Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyange negungwa zvinomuteerera?”
Mako 4:38-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi iye akanga ari mugwa necheshure akakotsira akatsamira pamutsago. Vadzidzi vake vakumumutsa vachiti kwaari, “Mudzidzisi hamuna hanya here kuti tava kupera?” Jesu akamuka akakarira dutu achiti kugungwa, “Nyarara! Udzikame!” Dutu rakati zi–i kunyarara, kukabva kwanyatsoti dzikadzika. Zvino Jesu akati kwavari, “Sei muchitya kudai? Hamuna chitendero here?” Ivo vakabatwa nokutya kukuru, ndokutaurirana vachiti, “Ko uyu ndianiko uyu anoteererwa kunyange nemhepo negungwa?”
Mako 4:38-41 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi iye wakaŋga ari mushure megwa aʋete pamutsago; ʋakamumutsa, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, hamunehanya kunyaŋge tofa here? Akamuka, akaraira mhepo, akati kuguŋgwa: Nyarara, ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukaʋa’po. Ɀino akati kwaʋari: Munotyireiko kuɗaro? Hamunokutenda here? Ʋakatya nokutya kukuru, ʋakataurirana ʋaciti: Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyaŋge neguŋgwa ɀinomuterera?
Mako 4:38-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)