Mako 4:37-39
Mako 4:37-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura. Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?” Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.
Mako 4:37-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino dutu guru remhepo rakamuka, mafungu emvura akarova achipinda muigwa, rikanga roda kuzara. Asi iye akanga ari mushure megwa avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamune hanya kuti tofa here?” Akamuka, akarayira mhepo, akati kugungwa, “Nyarara, ugadzikame!” Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo.
Mako 4:37-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo dutu guru rakamuka, mafungu akaroverera pagwa achipindamo zvokuti igwa rakanga rotoda kuzara nemvura. Asi iye akanga ari mugwa necheshure akakotsira akatsamira pamutsago. Vadzidzi vake vakumumutsa vachiti kwaari, “Mudzidzisi hamuna hanya here kuti tava kupera?” Jesu akamuka akakarira dutu achiti kugungwa, “Nyarara! Udzikame!” Dutu rakati zi–i kunyarara, kukabva kwanyatsoti dzikadzika.
Mako 4:37-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ɗutu guru remhepo rakamuka, mafuŋgu emvura akaroʋa mugwa, rikaŋga roɗo‐kuzara. Asi iye wakaŋga ari mushure megwa aʋete pamutsago; ʋakamumutsa, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, hamunehanya kunyaŋge tofa here? Akamuka, akaraira mhepo, akati kuguŋgwa: Nyarara, ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukaʋa’po.
Mako 4:37-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)