Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 4:1-20

Mako 4:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akatanga kudzidzisazve ari pagungwa. Vanhu vakanga vakaungana vakamukomberedza vari vazhinji zhinji zvokuti akabva apinda mugwa akagara mariri ari mugungwa, asi vanhu vose vari kumahombekombe. Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, uye mukudzidzisa kwake akati, “Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya. Dzimwe dzakawira murukangarabwe, madzisina kuwana ivhu rakawanda. Dzakakurumidza kumera, nokuti ivhu rakanga riri shoma. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakapiswa nezuva, uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi. Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura ikavhunga mbeu, nokudaro hadzina kubereka zvibereko. Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.” Ipapo Jesu akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Paakanga ava oga, vane gumi navaviri uye navamwe vakanga vakamukomberedza vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu. Akati kwavari, “Chakavanzika choumambo hwaMwari chakapiwa kwamuri. Asi kuna avo vari kunze, zvinhu zvose zvinotaurwa nemifananidzo kuitira kuti, “ ‘zvimwe vangaramba vachiona, asi varege kuonesesa; uye vachinzwa, asi varege kunzwisisa; kana kuti vangatendeuka uye vakaregererwa!’ ” Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo? Murimi anokusha shoko. Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo. Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarahwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro. Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa. Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko; asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuvo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko. Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 4

Mako 4:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino akatangazve kudzidzisa pagungwa; vanhu vazhinji-zhinji vakaunganira kwaari, nokudaro akapinda muigwa, akagaramo; vazhinji vose vakanga vari pedyo negungwa pamhenderekedzo. Akavadzidzisa zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari pakudzidzisa kwake, “Teererai, Mukushi akabuda kundokusha. Akati achikusha, dzimwe mbeu dzakawira panzira; shiri dzikauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisina ivhu zhinji; dzikamera pakarepo, nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika; asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa; dzikaoma, nokuti dzakanga dzisina mudzi. “Dzimwe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivhunga, dzikasaita vana. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikaita vana, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikabereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana.” Akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Akati ari oga, vakanga vanaye vane gumi navaviri vakamubvunza zvemifananidzo. Akati kwavari, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari, asi kuna ava, vari kunze, zvose zvinoitwa nemifananidzo, kuti, kuona vaone, asi varege kuonesesa, nokunzwa vanzwe, asi varege kunzwisisa, kuti zvimwe varege kutendeuka, vakaregererwa zvivi zvavo.” Zvino akati kwavari, “Hamuzivi here mufananidzo uyu? Muchaziva seiko mifananidzo yose? Mukushi ndiye anokusha shoko. Vari munzira panokushwa shoko ndivo vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya, ndokubvisa shoko rakakushwa mavari. Navakakushwa parukangarabwe vakaita saizvozvo, ndivo vanoti kana vanzwa shoko rakakushwa, vanorigamuchira pakarepo nomufaro, asi havana mudzi mavari, asi ndivo vechinguva chiduku; pashure kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa. “Vamwe vanokushwa muminzwa, ndivo vanonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma, nokuchiva zvimwe, kunopinda, kuchivhunga shoko, rikashaiwa zvibereko. “Vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, vakarigamuchira, vakabereka, mumwe makumi matatu, mumwe makumi matanhatu, mumwe zana.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 4

Mako 4:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu akatangazve kudzidzisa ari pedyo negungwa. Mhomho huru yavanhu yakamuunganira, zvokuti akatokwira mugwa ogaramo iro riri mugungwa kudaro. Gungano rose ndokuti chechetere pamucheto wegungwa. Akavadzidzisa zvinhu zvakawanda nemienzaniso. Achinokuvadzidzisa kudaro akati kwavari, “Teererai munzwe, Mukushi akaenda kundokusha mbeu. Paakanga achikusha dzimwe mbeu dzakandowira munzira, shiri ndokuuya dzikadzidya. Dzimwe dzakandowira parukangarahwe padzakashaya ivhu rakadzika; dzakabva dzakurumidza kumera nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika. Kuzoti zuva rakwira dzakapiswa nezuva, sezvo dzakanga dzisina midzi, dzakashwauruka. Dzimwe mbeu dzakandowira muminzwa; minzwa yakakura ikadzivhunga dzikasaita vana. Dzimwewo dzakandowira muvhu rakanaka dzikamera dzikakura ndokuberekana, dzimwe ndokuita makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu dzimwewo zana.” Akazoti, “Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Kuzoti ava oga, vakanga vanaye pamwechete navane gumi navaviri vakamubvunza nezvemienzaniso. Iye ndokuti kwavari, “Imi makapiwa zvakavanzika zvoumambo hwaMwari asi kune vokunze zvose zvinopiwa nemienzaniso, kuti, “Kutarisisa vatarisise zvavo asi vasina zvavanoona. Kuteerera vateererese zvavo asi vasinganzwisisi nokuti vangadaro vakapinduka vakazoregererwa.” Ipapo Jesu akati kwavari, “Ko, hamuna kunzwisisa muenzaniso uyu here? Ko zvino muchazonzwisisa sei mienzaniso yose. Mukushi anomwaya izwi. Vari munzira munokushwa izwi, ndivo vaya vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya obvisa izwi rakushwa mavari. Ndizvozvo zvimwechete navakakushwa parukangarahwe, vanoti kana vanzwa izwi vanobva varigamuchira pakarepo norufaro; asi havana midzi mavari, vanongovapo kwechinguvana chete. Zvino kana dambudziko nokushushirwa izwi zvauya vanobva vatsauka pakarepo. Vanokushwa muminzwa ndivo vaya vanonzwa izwi, asi kuzvidya mwoyo nezvapasi pano nokutorwa mwoyo noupfumi, uyezve ruchiva rwezvimwe zvinhu, zvinopinda zvovhunga izwi, rokundikana kubereka michero. Vakakushwa muvhu rakanaka ndivo vaya vanonzwa shoko nokurigamuchira nokubereka michero, dzimwe makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe zana.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 4

Mako 4:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino wakataŋga ɀe kudzidzisa paguŋgwa; ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋganira kwaari, nokuɗaro wakapinda mugwa, akagara’mo muguŋgwa; ʋazhinji ʋose ʋakaŋga ʋari pedyo neguŋgwa pamhenderekedzo. Akaʋadzidzisa ɀizhinji nemifananidzo, akati kwaʋari pakudzidzisa kwake: Tererai: Mukushi wakaɓuɗa kundokusha. Wakati acikusha, dzimŋe mbeu dzakawira panzira; shiri dzikaʋuya dzikadzidya. Dzimŋe dzakawira parukaŋgarabge, padzakaŋga dzisinevu zhinji; dzikamera pakarepo, nokuti dzakaŋga dzisinevu rakadzika; asi zuʋa rakati raɓuɗa, dzikapiswa; dzikawoma, nokuti dzakaŋga dzisinomudzi. Dzimŋe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivuŋga, dzikasaɓereka ɀiɓereko. Dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikaɓereka ɀiɓereko, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikaɓereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana. Akati: Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. Wakati ari oga, ʋakaŋga ʋanaye naʋanegumi naʋaʋiri ʋakamubvunza ɀemifananidzo. Akati kwaʋari: Imi makapiwa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgaMŋari, asi kunaaʋa, ʋari kunze, ɀose ɀinoitwa nemifananidzo. Kuti kuʋona ʋaʋone, asi ʋarege kuʋonesesa, nokunzwa ʋanzwe, asi ʋarege kunzwisisa, kuti ɀimŋe ʋarege kutendeʋuka, ʋakaŋganwirwe. Ɀino akati kwaʋari: Hamuziʋi here mufananidzo uyu? Mucaziʋa seiko mifananidzo yose? Mukushi unokusha shoko. Ʋari munzira panokushwa shoko ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa, pakarepo Satani unoʋuya, ndokubvisa shoko rakakushwa mukati maʋo. Naʋakakushwa parukaŋgarabge ʋakaita saiɀoɀo, ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa shoko rakakushwa, ʋanorigamucira pakarepo nomufaro, asi haʋanomudzi maʋari, asi ndiʋo ʋeciŋguʋa ciɗuku; pashure kana kutambudzika nokuʋeŋgwa ɀiciʋuya nokuɗa kweshoko, pakarepo ʋanogumburwa. Ʋamŋe ʋanokushwa muminzwa, ndiʋo ʋanonzwa shoko, asi kufuŋganya kwenyika, nokunyeŋgera kwefuma, nokuciʋa ɀimŋe, ɀinopinda, ɀicivuŋga shoko, rikashaiwa ɀiɓereko. Ʋakakushwa muvu rakanaka, ndiʋo ʋanonzwa shoko, ʋakarigamucira, ʋakaɓereka, mumŋe makumi matatu, mumŋe makumi matanhatu, mumŋe zana.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 4

Mako 4:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)