Mako 3:31-35
Mako 3:31-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo mai vaJesu navanunʼuna vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze. Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vari kukutsvakai panze.” Iye akati, “Vanamai vangu navanunʼuna vangu ndivanaaniko?” Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu! Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi, uye namai vangu.”
Mako 3:31-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mai vake navanun'una vake vakauya, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari, kumudana. Vazhinji vakanga vagere, vakamukomba, vakati kwaari, “Tarirai, mai venyu navanun'una venyu navakoma nehanzvadzi dzenyu vari kunze vachikutsvakai.” Akavapindura, akati, “Mai vangu, vakoma navanun'una vangu ndivanaaniko?” Zvino akaringa-ringa vanhu vakanga vagere, vakamukomba, akati, “Tarirai mai vanhu navakoma navanun'una vangu! “Nokuti ani naani anoita kuda kwaMwari, ndiye mukoma nomunun'una wangu, nehanzvadzi, naamai.”
Mako 3:31-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino amai vake uye vakoma navanun'una vake vakauya vakamira panze ndokutumira munhu kundomudaidza. Vanhu vazhinji vakanga vagere pasi vakamukomberedza, vakati kwaari, “Amai venyu uye vakoma navanun'una venyu vari panze vari kukudai.” Iye akavapindura achiti, “Ko, amai vangu navakoma navanun'una vangu ndavanaani?” Ndokuringa–ringa vaya vakanga vagere vakamukomberedza, ndokuti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu. Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mukoma nomunun'una neni, ndiye hanzvadzi naamai vangu.”
Mako 3:31-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mai ʋake naʋanuŋuna ʋake ʋakaʋuya, ʋakamira kunze, ʋakatumira nhume kwaari, kumuɗana. Ʋazhinji ʋakaŋga ʋagere, ʋakamukomba, ʋakati kwaari: Tarirai, mai ʋenyu naʋanuŋuna ʋenyu nehanɀadzi dzenyu ʋari kunze ʋacikutȿakai. Akaʋapindura, akati: Mai ʋaŋgu, naʋanuŋuna ʋaŋgu ndiʋananiko? Ɀino akariŋga‐riŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere, ʋakamukomba, akati: Tarirai mai ʋaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu! Nokuti aninani unoita kuɗa kwaMŋari, ndiye munuŋuna waŋgu, nehanɀadzi, namai.
Mako 3:31-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)