Mako 2:23-26 - Compare All Versions
Mako 2:23-26 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achipfuura nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakanga vachifamba naye, vakatanga kutanha hura dzezviyo. VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, seiko vachiita zvisingatenderwi nomusi weSabata.” Akapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vashayiwa zvokudya uye vonzwa nzara? Mumazuva aAbhiatari muprista mukuru, akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakatsaurwa, chinongotenderwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo vamwe vaaiva navo.”
Mako 2:23-26 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kwakati nomusi weSabata, achifamba napakati peminda, vadzidzi vake vakatanga kupurura hura vachifamba. VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, vanoitireiko zvisina kutenderwa nomusi weSabata?” Akati kwavari, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ashaiwa zvokudya, aziya, iye navakanga vanaye? Kuti akapinda mumba maMwari, Abhiatari ari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvokuratidza Mwari zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga, akapawo vaiva naye?”
Mako 2:23-26 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvino Jesu akati achipfuura nomuminda yekoroni uri musi weSabata; vadzidzi vake, vachifamba kudaro, vakatangisa kupurura hura dzekoroni. VaFarisei vakati kwaari, “Tarisai muone! Ko, vanoitireiko zvisingabvumirwi nomusi weSabata?” Akavapindura achiti, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi, zviya zvaakanga asina chokudya, oziya nenzara iye navaiva naye, kupinda kwaakaita mumba yaMwari, apo Abhiyatari akanga ari mupristi mukuru akadya zvingwa zvakasumwa kuna Mwari, zvisingabvumirwi kudyiwa naani zvake kunze kwavapristi voga akapawo vaaiva navo?”
Mako 2:23-26 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Kwakati nomusi wesaɓata, acifamba napakati peminda, ʋadzidzi ʋake ʋakataŋga kutanha hura ʋacifamba. ƲaFarise ʋakati kwaari: Tarirai, ʋanoitireiko ɀisina‐kutenderwa nomusi wesaɓata? Akati kwaʋari: Hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga ashaiwa, aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye? Kuti wakapinda mumba maMŋari, Abiatari ari muprista mukuru, akadya ɀiŋgwa ɀokuratidza ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa, asi naʋaprista ʋoga, akapa ʋo ʋaiʋa naye?
Mako 2:23-26 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)