Mako 15:37-39
Mako 15:37-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi. Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye aona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo murume uyu anga ari Mwanakomana waMwari!”
Mako 15:37-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Jesu akadana nezwi guru, ndokubva afa. Chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Zvino mukuru wezana akanga amirepo, akatarisana naye, akati achiona mutowo wokufa kwake, akati, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.”
Mako 15:37-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Jesu akadaidzira nezwi guru ndokubva afa. Zvino jira rokudzikatirisa romuTemberi rakabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvikira pasi. Kuzoti mutungamiri wezana akanga amirepo akatarisana naye aona kufa kwaakaita akati, “Zvechokwadi munhu uyu anga ari Mwanakomana waMwari.”
Mako 15:37-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Jesu akaɗana nenzwi guru, akaɓuɗisa mŋeya wake. Cidzitiro cetembere cikabvaruka napakati, kubva kumsoro kuȿikira pasi. Ɀino mukuru wezana wakaŋga amire’po, akatarisana naye, wakati aciʋona mutoʋo wokufa kwake, akati: Ɀirokwaɀo, munhu uyu wakaŋga ari Mŋanakomana waMŋari.
Mako 15:37-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)