Mako 15:33-39
Mako 15:33-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nenguva yechitanhatu rima rakauya pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vaya vakanga vamire pedyo vakati vanzwa izvi, vakati, “Inzwai, ari kudana Eria.” Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akachiisa parutanda, akachipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Zvino musiyei akadaro. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuburutsa.” Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi. Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye aona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo murume uyu anga ari Mwanakomana waMwari!”
Mako 15:33-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino yakati yava nguva yechitanhatu, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. Nenguva yepfumbamwe Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eroi, Eroi, rama Sabhakitani!” Ndokuti kana zvichishandurwa, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vamwe vakanga vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati, “Chinzwai, anodana Eria.” Ipapo mumwe akamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, achiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti, “Regai timboona kana Eria achizouya kumuburusa.” Ipapo Jesu akadana nezwi guru, ndokubva afa. Chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Zvino mukuru wezana akanga amirepo, akatarisana naye, akati achiona mutowo wokufa kwake, akati, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.”
Mako 15:33-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino paawa yegumi nechimbiri yamasikati nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu yamasikati. Neawa yechitatu yamasikati Jesu akadaidzira nezwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” Zvinoreva kuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Zvino vamwe vakanga vamirepo vachizvinzwa vakati, “Inzwai, ari kudaidza Eriya.” Ipapo mumwe akamhanya akanyika chifovefove muwaini inovava dzamara chazara ndokuchitungirira parutsanga ndokumupa kuti anwe vachiti, “Mirai tione kana Eriya achiuya kuzomuburutsa.” Ipapo Jesu akadaidzira nezwi guru ndokubva afa. Zvino jira rokudzikatirisa romuTemberi rakabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvikira pasi. Kuzoti mutungamiri wezana akanga amirepo akatarisana naye aona kufa kwaakaita akati, “Zvechokwadi munhu uyu anga ari Mwanakomana waMwari.”
Mako 15:33-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino yakati yaʋa ŋguʋa yecitanhatu, rima rikaʋa’po panyika yose kuȿikira paŋguʋa yepfumbamŋe. Neŋguʋa yepfumbamŋe Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Eroi, Eroi, rama Sabaktani! Ndokuti, kana ɀicishandurwa: Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko? Ʋamŋe ʋakaŋga ʋamire’po ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati: Cinzwai, unoɗana Eria. Ipapo mumŋe wakamhanya, akazadza cipanje nevinega, akaciisa parutsaŋga, ndokumunwisa, aciti: Regai timboʋona kana Eria acizoʋuya kumuɓurusa. Ipapo Jesu akaɗana nenzwi guru, akaɓuɗisa mŋeya wake. Cidzitiro cetembere cikabvaruka napakati, kubva kumsoro kuȿikira pasi. Ɀino mukuru wezana wakaŋga amire’po, akatarisana naye, wakati aciʋona mutoʋo wokufa kwake, akati: Ɀirokwaɀo, munhu uyu wakaŋga ari Mŋanakomana waMŋari.
Mako 15:33-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)