Mako 15:1-5
Mako 15:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakaita sarudzo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato. Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.” Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo. Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.” Asi Jesu haana kupindura, uye Pirato akashamiswa nazvo.
Mako 15:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakarepo mangwanani vapristi vakuru vakarangana navakuru navanyori namakurukota ose, vakasunga Jesu, vakaenda naye, vakamuisa kuna Pirato. Pirato akamubvunza, akati, “Ndiwe Mambo wavaJudha here?” Akapindura, akati kwaari, “Ndizvo zvamataura.” Vapristi vakuru vakaramba vachimupomera zvizhinji. Pirato akamubvunzazve akati, “Haupinduri chinhu here? Chinzwa, vanokupomera zvizhinji seiko!” Asi Jesu haana kuzopindura chinhu, Pirato akashamiswa nazvo.
Mako 15:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti kwangoedza, vapristi vakuru vakagara dare navakuru vakuru vavaJudha nenyanzvi dzoMutemo neDare guru rose. Vakasunga Jesu, ndokuenda naye kundomuturira kuna Pirato. Pirato akamubvunza achiti, “Ndiwe Mambo wavaJudha here?” Iye akapindura achiti, “Inga matozvireva wani.” Vapristi vakuru vakamupomera mhosva zhinji. Pirato akamubvunzazve achiti, “Ko hauna chaunopindura here? Inzwa kuti vanokupomera mhosva dzakawanda sei?” Asi Jesu haanazve chaakapindura kwete, zvokuti Pirato akashamiswa.
Mako 15:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakarepo maŋgwanani ʋaprista ʋakuru ʋakaraŋgana naʋakuru naʋanyori namakurukota ose, ʋakasuŋga Jesu, ʋakaenda naye, ʋakamuisa kunaPirato. Pirato akamubvunza, akati: Ndiwe Mambo waʋaJuda here? Akapindura, akati kwaari: Ndiɀo ɀamataura. Ʋaprista ʋakuru ʋakaramba ʋacimupomera ɀizhinji. Pirato akamubvunza ɀe akati: Haupinduri cinhu here? Cinzwa, ʋanokupomera ɀizhinji seiko! Asi Jesu haana‐kuzopindura cinhu, Pirato akashamiswa naɀo.
Mako 15:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)