Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 15:1-41 - Compare All Versions

Mako 15:1-41 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakaita sarudzo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato. Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.” Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo. Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.” Asi Jesu haana kupindura, uye Pirato akashamiswa nazvo. Zvino yakanga iri tsika yapaMutambo kuti asunungure musungwa anenge akumbirwa navanhu. Murume ainzi Bharabhasi akanga ari mutorongo pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope vakauraya munhu. Vanhu vazhinji vakauya vakakumbira Pirato kuti avaitire zvaaisiita. Pirato akabvunza akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?” achiziva kuti zvaingova zvegodo ravaprista vakuru kuti vakaisa Jesu mumaoko ake. Asi vaprista vakuru vakamutsa mwoyo yavazhinji kuti vaite kuti Pirato asunungure Bharabhasi pachinzvimbo chaJesu. Pirato akabvunza akati, “Ndichaiteiko, zvino, nouyo wamunoti mambo wavaJudha?” Vakadanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!” Pirato akavabvunza akati, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yeiko?” Asi vakanyanya kudanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!” Achida kufadza vanhu, Pirato akasunungura Bharabhasi. Akaita kuti Jesu arohwe, uye akamuendesa kuti andorovererwa. Varwi vakatora Jesu vakapinda naye mumuzinda, Piritoriamu, uye vakaunganidza pamwe chete boka rose ravarwi. Vakamupfekedza nguo dzepepuru, ipapo vakamurukira korona yeminzwa vakaigadzika pamusoro wake. Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!” Vakaramba vachingomurova mumusoro netsvimbo uye vachimupfira mate. Vachipfugama namabvi avo, vakaita savanomunamata. Uye vakati vamudadira, vakabvisa nguo yepepuru vakamupfekedza dzake. Ipapo vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa. Mumwe murume aibva kuKurini, Simoni baba vaArekizanda naRufasi, akanga achipfuura achibva kumaruwa, vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorogota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa. Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei. Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera. Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: MAMBO WAVAJUDHA. Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe. Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.” Vaya vakanga vachipfuura vaimutuka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Saka! Iwe uri kuzoputsa temberi nokuivaka mumazuva matatu, chiburuka pamuchinjikwa uzviponese!” Nenzira imwe cheteyo vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakamuseka pakati pavo, vakati, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Kristu uyu, Mambo wavaIsraeri uyu, ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa, kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakamutukawo. Nenguva yechitanhatu rima rakauya pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vaya vakanga vamire pedyo vakati vanzwa izvi, vakati, “Inzwai, ari kudana Eria.” Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akachiisa parutanda, akachipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Zvino musiyei akadaro. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuburutsa.” Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi. Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye aona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo murume uyu anga ari Mwanakomana waMwari!” Vamwe vakadzi vakanga vachitarira vari kure. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho, mununʼuna waJosesi, naSarome. Vakadzi ava vomuGarirea ndivo vaimutevera uye vachimushandira. Vakadzi vazhinji vakanga vauya naye kuJerusarema vakanga varipowo.

Pakurirana nevamwe
Mako 15 BDSC

Mako 15:1-41 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Pakarepo mangwanani vapristi vakuru vakarangana navakuru navanyori namakurukota ose, vakasunga Jesu, vakaenda naye, vakamuisa kuna Pirato. Pirato akamubvunza, akati, “Ndiwe Mambo wavaJudha here?” Akapindura, akati kwaari, “Ndizvo zvamataura.” Vapristi vakuru vakaramba vachimupomera zvizhinji. Pirato akamubvunzazve akati, “Haupinduri chinhu here? Chinzwa, vanokupomera zvizhinji seiko!” Asi Jesu haana kuzopindura chinhu, Pirato akashamiswa nazvo. Zvino pamutambo waisivasunungurira musungwa mumwe, wavanenge vaikumbira. Zvino kwakanga kuno mumwe wainzi Bharabhasi, akanga asungwa pamwechete navamwe vakanga vamutsa bope, vakauraya vanhu pabope iroro. Vanhu vazhinji vakakwira, vakatanga kukumbira kuna Pirato kuti avaitire saizvozvo. Pirato akavapindura, akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha here.” Nokuti akanga achiziva kuti vapristi vakuru vakanga vamuisa kwaari negodo. Zvino vapristi vakuru vakakurudzira vanhu vazhinji, kuti vati zviri nani avasunungurire Bharabhasi. Pirato akapindurazve, akati kwavari, “Ndichagoiteiko naiye, wamunoti ndiye Mambo wavaJudha?” Vakadanidzirazve, vachiti, “Murovere pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Akagotadzeiko?” Vakanyanyisa kudanidzira, vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa!” Zvino Pirato, nokuti akanga achida kufadza vanhu vazhinji, akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu akamurovesa, akamuisa kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, imo muimba yomubati, vakaunganidza hondo yose; vakamupfekedza nguo tsvuku, vakaruka korona yeminzwa, vakamudzika iyo. Vakatanga kumukwazisa, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira mate, vakapfugama namabvi, vakamunamata. Vakati vamuseka, vakamubvisa nguo tsvuku, ndokumupfekedza nguo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. Zvino vakamanikidza mumwe, akanga achipfuura achibva kuruwa, ainzi Simoni weKurini, baba vaArekizanda naRufosi, kuti atakure muchinjikwa wake. Vakamuisa kunzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yeDehenya,” kana zvichishandurwa. Vakamupa waini, yakavhenganiswa nemura, asi iye akazviramba. Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo, kuti mumwe nomumwe apiwe chake. Yakanga iri nguva yechitatu, vakamurovera pamuchinjikwa. Norugwaro rwemhosva yake rwakanga rwakanyorwa pamusoro pake, ruchiti, “MAMBO WAVAJUDHA.” Vakarovera pamuchinjikwa pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe. [ Rugwaro rukaitika, runoti, “Akarovererwa navadariki vomurayiro.”] Navaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti, “Iwe, wokuputsa temberi, nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa iwe, uburuke pamuchinjikwa!” Saizvozvo vapristi vakuru navanyori vakamuseka pakati pavo, vachiti, “Akaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa. Kristu, Mambo wavaIsiraeri, ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, kuti tione titende.” Navakanga varoverwa pamwechete naye vakamuzvidza. Zvino yakati yava nguva yechitanhatu, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. Nenguva yepfumbamwe Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eroi, Eroi, rama Sabhakitani!” Ndokuti kana zvichishandurwa, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vamwe vakanga vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati, “Chinzwai, anodana Eria.” Ipapo mumwe akamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, achiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti, “Regai timboona kana Eria achizouya kumuburusa.” Ipapo Jesu akadana nezwi guru, ndokubva afa. Chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Zvino mukuru wezana akanga amirepo, akatarisana naye, akati achiona mutowo wokufa kwake, akati, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.” Navakadzi vakanga varipo, vakatarira vari kure; pakati pavo kwakanga kuna Maria Magadharina, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome; ndivo vaimutevera achiri muGariria vachimushandira, navamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira Jerusaremu naye.

Pakurirana nevamwe
Mako 15 SNA2002

Mako 15:1-41 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Pakarepo maŋgwanani ʋaprista ʋakuru ʋakaraŋgana naʋakuru naʋanyori namakurukota ose, ʋakasuŋga Jesu, ʋakaenda naye, ʋakamuisa kunaPirato. Pirato akamubvunza, akati: Ndiwe Mambo waʋaJuda here? Akapindura, akati kwaari: Ndiɀo ɀamataura. Ʋaprista ʋakuru ʋakaramba ʋacimupomera ɀizhinji. Pirato akamubvunza ɀe akati: Haupinduri cinhu here? Cinzwa, ʋanokupomera ɀizhinji seiko! Asi Jesu haana‐kuzopindura cinhu, Pirato akashamiswa naɀo. Ɀino pamutambo waisiʋasunuŋgurira musuŋgwa mumŋe, waʋaneŋge ʋaikumbira. Ɀino kwakaŋga kunomumŋe wainzi Barabasi, wakaŋga asuŋgwa pamŋe cete naʋamŋe ʋakaŋga ʋamutsa ɓope, ʋakaʋuraya ʋanhu paɓope irero. Ʋanhu ʋazhinji ʋakakwira, ʋakataŋga kukumbira kunaPirato kuti aʋaitire saiɀoɀo. Pirato akaʋapindura, akati: Munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei Mambo waʋaJuda here? Nokuti wakaŋga aciziʋa kuti ʋaprista ʋakuru ʋakaŋga ʋamuisa kwaari negoɗo. Ɀino ʋaprista ʋakuru ʋakakurudzira ʋanhu ʋazhinji, kuti ʋakumbire kuti ɀirinani aʋasunuŋgurire Barabasi. Pirato akapindura ɀe, akati kwaʋari: Ndicagoiteiko naiye, wamunoti ndiye Mambo waʋaJuda? Ʋakaɗanidzira ɀe, ʋaciti: Muroʋere pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: wakagotadzeiko? Ʋakanyanyisa kuɗanidzira, ʋaciti: Muroʋere pamucinjikwa! Ɀino Pirato, nokuti wakaŋga aciɗa kufadza ʋanhu ʋazhinji, akaʋasunuŋgurira Barabasi, asi Jesu wakamuroʋesa, akamuisa kwaʋari kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Ɀino ʋarwi ʋakamuisa mukati moruʋazhe, imo muimba yomuɓati, ʋakaʋuŋganidza hondo yose; ʋakamupfekedza ŋguʋo tȿuku, ʋakaruka korona yeminzwa, ʋakamudzika iyo. Ʋakataŋga kumukwazisa, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda! Ʋakamuroʋa musoro norutsaŋga, ʋakamupfira mate, ʋakafugama namabvi, ʋakamunamata. Ʋakati ʋamuseka, ʋakamubvisa ŋguʋo tȿuku, ndokumupfekedza ŋguʋo dzake, ʋakaenda naye kundomuroʋera pamucinjikwa. Ɀino ʋakamanikidza mumŋe, wakaŋga acipfuʋura acibva kuruwa, wainzi Simoni weKurini, ɓaɓa ʋaAreksandro naRufo, kuti atakure mucinjikwa wake. Ʋakamuisa kunɀimbo inonzi Gorgota, ndokuti nɀimbo yeɗehenya, kana ɀicishandurwa. Ʋakamupa waini, yakaveŋganiswa nemura, asi iye wakaɀiramba. Ʋakati ʋamuroʋera pamucinjikwa, ʋakagoʋana ŋguʋo dzake, ʋacikanda mijenya pamsoro padzo, kuti mumŋe nomumŋe apiwe cake. Yakaŋga iri ŋguʋa yecitatu, ʋakamuroʋera pamucinjikwa. Norugwaro rwemhoȿa yake rwakaŋga rwakanyorwa pamsoro pake, ruciti: MAMBO WAƲAJUDA. Ʋakaroʋera pamucinjikwa pamŋe cete naye makororo maʋiri, mumŋe kurudyi rwake, mumŋe kuruɓoshwe. [ Rugwaro rukaitika, runoti: Wakarabga naʋaɗariki ʋomurairo.] Naʋaipfuʋura ʋakamutuka, ʋacidzuŋgudza misoro yaʋo, ʋaciti: Iwe, wokuputsa tembere, nokuiʋaka ɀe namazuʋa matatu, ciɀiponesa iwe, uɓuruke pamucinjikwa! Saiɀoɀo ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakamuseka pakati paʋo, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe, ɀino haagoni kuɀiponesa. Kristu, Mambo waʋaIsraeri, ŋgaaɓuruke ɀino pamucinjikwa, kuti tiʋone titende. Naʋakaŋga ʋaroʋerwa pamŋe cete naye ʋakamuɀidza. Ɀino yakati yaʋa ŋguʋa yecitanhatu, rima rikaʋa’po panyika yose kuȿikira paŋguʋa yepfumbamŋe. Neŋguʋa yepfumbamŋe Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Eroi, Eroi, rama Sabaktani! Ndokuti, kana ɀicishandurwa: Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko? Ʋamŋe ʋakaŋga ʋamire’po ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati: Cinzwai, unoɗana Eria. Ipapo mumŋe wakamhanya, akazadza cipanje nevinega, akaciisa parutsaŋga, ndokumunwisa, aciti: Regai timboʋona kana Eria acizoʋuya kumuɓurusa. Ipapo Jesu akaɗana nenzwi guru, akaɓuɗisa mŋeya wake. Cidzitiro cetembere cikabvaruka napakati, kubva kumsoro kuȿikira pasi. Ɀino mukuru wezana wakaŋga amire’po, akatarisana naye, wakati aciʋona mutoʋo wokufa kwake, akati: Ɀirokwaɀo, munhu uyu wakaŋga ari Mŋanakomana waMŋari. Naʋakadzi ʋakaŋga ʋari’po, ʋakatarira ʋari kure; pakati paʋo kwakaŋga kunaMaria Magdarene, naMaria mai ʋaJakobo muɗuku naJose, naSarome; ndiʋo ʋaimuteʋera aciri muGarirea ʋacimushandira, naʋamŋe ʋakadzi ʋazhinji ʋakaŋga ʋakwira Jerusarema naye.

Pakurirana nevamwe
Mako 15 SUB1949