Mako 12:41-42 - Compare All Versions
Mako 12:41-42 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akagara pasi akatarisana nenzvimbo yaiiswa zvipo uye akatarisisa vanhu vazhinji vachiisa mari yavo muchivigiro chemari mutemberi. Vapfumi vazhinji vaikandamo mari zhinji. Asi chirikadzi yakasvika ikaisamo tumari tuviri tuduku.
Mako 12:41-42 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akanga agere akatarisana neimba yaichengeterwa upfumi hwetemberi akatarira vanhu vazhinji vachikanda mari muzibhokisi, vapfumi vazhinji vakanga vachikanda zvizhinji. Kukasvika chirikadzi, yaiva murombo, ikakanda tumari tuviri tuduku.
Mako 12:41-42 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Kuzoti Jesu agara pasi akatarisana nenzvimbo yaichengeterwa upfumi hweTemberi. Akaongorora uzhinji hwavanhu hwaikanda mari maichengeterwa upfumi hweTemberi. Vapfumi vazhinji vakakanda mari zhinji. Pakazosvikawo imwe chirikadzi, murombo, yakakandawo tumari tuduku tuviri twekopa twaisvitsa sendi.
Mako 12:41-42 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino wakaŋga agere akatarisana neciʋigiro cemari, akatarira ʋanhu ʋazhinji ʋaciisa mari muciʋigiro; ʋafumi ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciisa ɀizhinji. Kukaȿika cirikadzi, waiʋa murombo, akaisa tumari tuʋiri tuɗuku tunoita fadini.
Mako 12:41-42 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)