Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 12:38-40 - Compare All Versions

Mako 12:38-40 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Pakudzidzisa kwake, Jesu akati, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu uye vachikwaziswa mumisika, uye kuti vave nezvigaro zvakakwirira kwazvo mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko. Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu kuti vaonekwe navanhu. Vanhu vakadai vacharangwa zvikuru kwazvo.”

Pakurirana nevamwe
Mako 12 BDSC

Mako 12:38-40 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino pakudzidzisa kwake akati, “Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguo refu, nokukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nenzvimbo dzapamberi pamitambo; vachiparadza dzimba dzechirikadzi, vachinyengetera neminyengetero mirefu. Ivava vachatongerwa mhosva huru inodarika yavamwe.”

Pakurirana nevamwe
Mako 12 SNA2002

Mako 12:38-40 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mukudzidzisa kwake Jesu akati, “Ngwarirai nyanzvi dzoMutemo, vanhu vanoda kufamba vakapfeka magemenzi marefu nokukwaziswa navanhu pamisika. Vanodawo zvigaro zvakanaka mumasinagogu nezvigaro zvavakuru–vakuru pamabiko. Vanodya twemba dzechirikadzi, uye vanoita minamato mirefu yokungobata zvavo vanhu kumeso. Vachatemerwa chirango chakaremesesa.”

Pakurirana nevamwe
Mako 12 SCLBD

Mako 12:38-40 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino pakudzidzisa kwake wakati: Cenjerai ʋanyori, ʋanoɗa kufamba neŋguʋo refu, nokukwaziswa paɗare, neɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, nenɀimbo dzapamberi pamitambo; ʋaciparadza dzimba dzecirikadzi, ʋacinyeŋgetera neminyeŋgetero mirefu. Iʋaʋa ʋacatoŋgerwa ɀakaipa nokupfuʋurisa.

Pakurirana nevamwe
Mako 12 SUB1949

Mako 12:38-40 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mako 12 SCLB