Mako 12:1-27
Mako 12:1-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo achiti, “Mumwe murume akasima munda wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akachera gomba rechisviniro chewaini uye akavaka shongwe yokurinda. Ipapo akauchengetesa kuvarimi akaenda parwendo. Pakukohwa akatuma muranda kumuchengeti womunda kuti andotora kwavari mimwe michero yomunda wemizambiringa. Asi vakamubata, vakamurova vakamudzosa asina chinhu. Ipapo akatuma mumwe muranda; vakarova murume uyu mumusoro vakamunyadzisa zvikuru. Akapamhazve kutuma mumwe, uye uyo vakamuuraya. Akatuma vamwe vazhinji; vamwe vavo vakavarova, vamwe vakavauraya. “Akanga asara nomumwe chete wokutuma, mwanakomana, waaida kwazvo. Akamutuma kwokupedzisira achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ “Asi vachengeti vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai, ngatimuurayei, nhaka igova yedu.’ Saka vakamutora vakamuuraya, vakamurasira kunze kwomunda wemizambiringa. “Zvino muridzi womunda wemizambiringa achaiteiko? Achauya agouraya vachengeti vaya vomunda agopa munda wemizambiringa kuna vamwe. Ko, hamuna kuverenga here rugwaro urwu runoti: “ ‘Dombo rakarambwa navavaki ndiro rava musoro wekona; Ishe akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu’?” Ipapo vakatsvaka nzira yokumusunga nayo nokuti vakaziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu vazhinji; saka vakamusiya vakaenda. Shure kwaizvozvo vakatuma vamwe vavaFarisi navaHerodhi kuna Jesu kuti vandomubata namashoko ake. Vakauya kwaari vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama. Imi hamutsauswi navanhu, nokuti hamuteereri kuti ndivanaani, asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Zvakanaka here kuripa mutero kuna Kesari kana kuti kwete? Tinofanira kuripa here kana kuti tinofanira kuregera?” Asi Jesu achiziva kunyengera kwavo, akati, “Seiko muchiedza kunditeya? Ndipei kuno dhenari ndirione.” Vakauya nemari yacho, iye akavabvunza akati, “Mufananidzo uyu ndowani? Uye runyoro urwu ndorwani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye kuna Mwari zvaMwari.” Uye vakashamiswa naye. Ipapo vaSadhusi, vaya vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womurume akafa uye akasiya mukadzi asina vana, mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi iyi kuti amutsire mukoma wake vana. Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe chete vanomwe. Wokutanga akawana uye akafa akasasiya vana. Wechipiri akatora chirikadzi iya, asi naiyewo akafa, akasasiya vana. Ndizvo zvakaitikawo kuno wechitatu. Zviripo ndezvokuti, hakuna pavanomwe ava akasiya kana mwana. Pakupedzisira mukadzi akazofawo. Pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waani, sezvo akanga akawanikwa navanomwe ava?” Jesu akapindura akati, “Hamuna kurasika here nokuda kwokusaziva Magwaro kana simba raMwari? Vakafa pavanomuka, havazowani uye havazowaniswi; vachaita savatumwa vokudenga. Zvino pamusoro pokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here mubhuku raMozisi, panhoroondo dzegwenzi raipfuta, kuti Mwari akati kwaari, ‘Ndini Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho’? Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu. Makarasika kwazvo!”
Mako 12:1-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo, achiti, “Mumwe munhu akanga asima munda wemidzambiringa, akaukomba norusvingo, akachera guvi rokusvinira, akavaka chirindo, chirefu akaurongera varimi, ndokufamba rwendo. “Nenguva yemichero akatuma muranda kuvarimi, kuti apiwe navarimi michero yomunda wemidzambiringa. “Vakamubata, vakamurova, vakamudzosa asina. Akatumazve mumwe muranda kwavari; vakamutaka namabwe, vakamutema musoro, vakamunyadza. Akatumazve mumwe, vakamuuraya; navamwe vazhinji, vakarova vamwe, nokuuraya vamwe. “Zvino akanga achine mwanakomana mumwe, mudikanwi; akamutuma kwavari pakupedzisira, achiti, ‘Vachakudza mwanakomana wangu.’ Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye, nhaka igova yedu.’ Vakamubata, vakamuuraya, vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa. Zvino muridzi womunda wemidzambiringa achaiteiko? Achauya, akaparadza varimi ivavo, akarongera vamwe varimi munda wemidzambiringa. Ko hamuna kutongorava here rugwaro urwu, runoti, ‘Ibwe rakaraswa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona; Izvozvo zvakaitwa naIshe, Zvinoshamisa pameso edu?’ ” Ipapo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji; nokuti vakanga vachiziva kuti akavareva ivo nomufananidzo iwoyo; vakamusiya, vakabvapo. Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarisi navaHerodhi, kuti vamubate pakutaura kwake. Vakauya, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, munhu anotenderwa kutera mutero waKesari here, kana kwete? “Tichatera here, kana tirege kutera?” Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari, “Munondiedzereiko? Uyai nedhenari kwandiri, ndirione.” Vakauya naro. Ipapo akati kwavari, “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?” Vakati kwaari, “ZvaKesari.” Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Vakashamiswa zvikuru naye. Zvino vaSadhusi vakauya kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asina mwana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.’ Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana. Wechipiri akamutora, akafa asingasiyi vana; nowechitatu akadarowo. “Navanomwe vose havana kuva nomwana; shure kwavose mukadzi akafawo. Zvino pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, achava mukadzi waaniko? Nokuti akanga ari mukadzi wavose vanomwe.” Jesu akati kwavari, “Hamuti makarasika here, nemhaka yokusaziva magwaro nesimba raMwari? “Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwanikwa; asi vakaita savatumwa kudenga. Kana kuri kumutswa kwavakafa, hamuna kurava here mubhuku raMosesi pashoko regwenzi, kuti Mwari akataura naye, akati, ‘Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?’ Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; marasika kwazvo.”
Mako 12:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino akatanga kutaura kwavari nemienzaniso achiti, “Mumwe munhu akasima munda wake wamagirepisi, ndokuukomberedza noruzhowa. Akacherawo gomba rokusvinira waini, nokuvaka nharire ndokuupa kuna vamwe varimi vokuushandisa vachimubhadhara, iye ndokuenda zvake kune imwe nyika. Panguva yomuchero akatuma muranda wake kuvarimi vaya kundopiwa chikamu chomuchero womunda wamagirepisi. Ivo vakamubata ndokumurova vakamudzosa asina chinhu. Akatumazve mumwe muranda kwavari. Iyeyu vakamutema mbonje vakamunyadzisa. Akazotumazve mumwe muranda; uyu vakamuuraya. Akatumazve vamwe vazhinji, vamwe vacho vaivarova, vamwe vachivauraya. Asi akanga achino mumwechete, mwanakomana wake wapamwoyo. Pokupedzisira akamutuma kwavari achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ ” Asi varimi ivavo vakataurirana vachiti, “Uyu ndiyeka mugari wenhaka uyu, uyai timuuraye, nhaka igova yedu.” Vakamubata, vakamuuraya, ndokumukanda kunze kwomunda wamagirepisi. Ko zvino muridzi womunda wamagirepisi achaitei? Achauya agoparadza vokushandisa munda vaya ava nokupa munda uyu wamagirepisi kuna vamwe. Hamuna kumboverenga here Rugwaro Dzvene paya panoti, “Dombo rakarambwa navavaki iroro ndiro rakazova dombo rakakoshesesa rapakona yemba? Izvi zvakaitwa naTenzi, uye zvinotishamisa kwazvo kuzviona?” Vakazviona kuti ataura muenzaniso uyu akananga ivo; nezvo vakaedza kuti vamusunge asi vakatya vanhu. Naizvozvo vakamusiya voenda. Vakazotuma kwaari vamwe vavaFarisei navamwe vebato rokwaHerodhi kuti vamubate mukutaura kwake. Vakasvikoti kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu ari pachokwadi, uye kuti hamunei nezvokuti uyu ndiani zvakare hamunei nezvokuti akamira sei, asi munodzidzisa gwara raMwari zviri pachokwadi. Ko, zviri pamutemo here kutera mutero kuna Siza, kana kuti kwete? Totera here kana kuti torega kutera?” Asi iye akaziva unyengedzi hwavo akati kwavari, “Ko munondiedzereiko? Ndiunzirei dhenari kuti ndirione.” Ivo ndokuriunza. Iye akavabvunza achiti, “Ko mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” Ivo vakati kwaari, “NdezvaSiza.” Jesu akavati, “Ipai zvaSiza kuna Siza, zvaMwari kuna Mwari.” Vakashamiswa naye zvikuru. Kwakazouyawo vaSadhusei kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka muvafi hakuna, vakamubvunza vachiti; “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa achisiya mukadzi asina mwana waasiya, munun'una wake ngaagare nhaka mukadzi wake kuti amutsire mukoma wake vana. Kwaiva navakomana vanomwe, mukomanomunun'una. Dangwe ravo rakaroora mukadzi. Parakafa harina kusiya mwana. Wechipiri akatorana naye ndokufawo asina kusiya mwana kunze. Wechitatu akadarowo. Vari vanomwe kudaro havana kusiya mwana kunze. Pakupedzisira mukadzi uya akafawo. Ko zvino pakumuka kwavakafa (kana vomuka) mudzimai achazova woupi nokuti vose vari vanomwe akambova mukadzi wavo?” Jesu akati kwavari, “Hazvisizvo here zvinoita kuti murasike zvokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari? Nokuti pakumuka kwavanhu kuvafi havacharoori kana kuroorwa asi kuti vachagara savatumwa vari kudenga. Kana zviri zvokumutswa kwavakafa, hamuna kuverenga here muGwaro raMosesi paya pezvegwenzi riya, zvokuti Mwari akamutaurira achiti, ‘Ini ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaki, naMwari waJakobho?’ Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu. Munokanganisa chaizvo.”
Mako 12:1-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakataŋga kutaura naʋo nemifananidzo, aciti: Mumŋe munhu wakaŋga asima munda wemizambiriŋga, akaukomba noruzhowa, akacera pokuȿinira, akaʋaka cirindo, akaupa ʋarimi, ndokufamba rwendo. Neŋguʋa yeɀiɓereko akatuma muranda kuʋarimi, kuti apiwe naʋarimi ɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga. Ʋakamuɓata, ʋakamuroʋa, ʋakamudzosa asina. Akatuma ɀe mumŋe muranda kwaʋari; ʋakamutaka namabge, ʋakamutema musoro, ʋakamunyadza. Akatuma ɀe mumŋe, ʋakamuʋuraya; naʋamŋe ʋazhinji, ʋakaroʋa ʋamŋe, nokuʋuraya ʋamŋe. Ɀino wakaŋga acinomŋanakomana mumŋe, muɗikanwa; akamutuma kwaʋari pakupedzisira, aciti: Ʋacakudza mŋanakomana waŋgu. Asi ʋarimi iʋaʋo ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu ndiye mugari wenhaka; ʋuyai timuʋuraye, nhaka igoʋa yeɗu. Ʋakamuɓata, ʋakamuʋuraya, ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga. Ɀino mŋene womunda wemizambiriŋga ucaiteiko? Ucaʋuya, akaparadza ʋarimi iʋaʋo, akapa ʋamŋe ʋarimi munda wemizambiriŋga. Ko hamuna‐kutoŋgoraʋa here rugwaro urwu, runoti: Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakazoʋa musoro wekona; Iɀoɀo ɀakaitwa naShe, Ɀinoshamisa pameso eɗu? Ipapo ʋakatȿaka kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti wakaʋareʋa iʋo nomufananidzo iwoyo; ʋakamusiya, ʋakabva’po. Ɀino ʋakatuma kwaari ʋamŋe ʋaʋaFarise naʋaHerode, kuti ʋamuɓate pakutaura kwake. Ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti ndimi waɀokwaɗi, musiŋgaraŋgariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu; hamutariri ɀiri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi: Munhu Unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? Ticaripa here, kana tirege kuripa? Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari: Munondiidzireiko? Ʋuyai nedenari kwandiri, ndiriʋone. Ʋakaʋuya naro. Ipapo akati kwaʋari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndeɀani? Ʋakati kwaari: ⱿaKesari. Jesu akati kwaʋari: Ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari. Ʋakashamiswa ɀikuru naye. Ɀino ʋaSaduse ʋakaʋuya kwaari, iʋo ʋanoti hakuna‐kumuka kwaʋakafa, ʋakamubvunza ʋaciti: Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti, kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asinomŋana, munuŋuna wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake ʋana. Ɀino kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akatora mukadzi, akafa asinaʋana. Wecipiri akamutora, akafa asiŋgasiyi ʋana; nowecitatu akaɗaro ʋo. Naʋanomŋe ʋose haʋana‐kuʋa nomŋana; shure kwaʋose mukadzi akafa ʋo. Ɀino pakumuka kwaʋakafa, kana ʋacimuka, ucaʋa mukadzi waniko kwaʋari? Nokuti wakaŋga ari mukadzi waʋose ʋanomŋe. Jesu akati kwaʋari: Hamuna‐kurashika here, nemhaka yokusaziʋa magwaro nesimba raMŋari? Nokuti kana ʋacimuka kuʋakafa, haʋawani kana kuwaniswa; asi ʋakaita saʋatumŋa kuɗeŋga. Kana kuri kumutswa kwaʋakafa, hamuna‐kuraʋa here pabuku yaMosesi pashoko regwenzi, kuti Mŋari wakataura naye, akati: Ndini Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo? Haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu; marashika kwaɀo.
Mako 12:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)