Mako 11:27-33
Mako 11:27-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakasvikazve muJerusarema, uye Jesu paaifamba mutemberi, vaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro navakuru vakauya kwaari. Vakati, “Unoita zvinhu izvi nesimba ripiko? Uye ndiani akakupa simba rokuita izvi?” Jesu akapindura akati, “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Ndipindurei, ndigokuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi. Rubhabhatidzo rwaJohani, rwakabva kudenga kana kuti kuvanhu? Ndiudzei!” Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Zvino makaregereiko kumutenda?’ Asi kana tikati kuvanhu…” (Vakanga vachitya vanhu, nokuti vanhu vose vaitenda kuti Johani akanga ari muprofita zvechokwadi.) Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Jesu akati, “Neniwo handikuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.”
Mako 11:27-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakasvikazve Jerusaremu. Zvino akati achifamba mutemberi, vapristi vakuru navanyori navakuru vakauya kwaari; vakati kwaari, “Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko akakupai simba iri, kuti muite izvi?” Jesu akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko rimwe, mundipindure, neni ndichakuudzaiwo simba randinoita naro zvinhu izvozvi. Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei.” Vakataurirana, vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Makagoregerei kumutenda?’ Asi tingati, ‘Kuvanhu, here?’ ” Vakanga vachitya vanhu vazhinji, nokuti vose vakanga vachiti Johani muporofita zvirokwazvo. Vakapindura vachiti kuna Jesu, “Hatizivi.” Jesu akati kwavari, “Neni handingakuudziyiwo simba randinoita naro zvinhu izvi.”
Mako 11:27-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakasvika zvakare Jerusaremu. Zvaakanga achifamba muTemberi, vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo navakuru vakuru vavaJudha vakauya kwaari vakati kwaari, “Unoita izvi nesimba raani? Ndiani akakupa simba rokuita izvi?” Jesu akati kwavari, “Ndombokubvunzaiwo mubvunzo mumwechete; mundipindure, ndozokuudzaiwo kuti ndinoita izvi nesimba raani. Ruombeko rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei” Ipapo vakataurirana pachavo vachiti, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga;’ achati, ‘Ko makaregerei kutenda kwaari?’ Asi toti here, ‘Rwakabva kuvanhu? Vakanga vachitya vanhu nokuti vose vaiti Johani muporofita chaiye.’ ” Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Jesu ndokuvati, “Kana neniwo handikutaurirei kuti ndinoita izvi nesimba raani.”
Mako 11:27-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaȿika ɀe Jerusarema. Ɀino wakati acifamba mutembere, ʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru ʋakaʋuya kwaari; ʋakati kwaari: Munoita ɀinhu iɀoɀi nesimba ripiko? Ndianiko wakakupai simba iri, kuti muite iɀi? Jesu akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko rimŋe, mundipindure, neni ndicakuʋudzai ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀoɀi. Rubapatidzo rwaJohane rwakabva kuɗeŋga here kana kuʋanhu? Ndipindurei. Ʋakataurirana, ʋaciti: Kana tikati, Kuɗeŋga, ucati: Makagoregerei kumutenda? Asi tiŋgati, Kuʋanhu, here? Ʋakaŋga ʋacitya ʋanhu ʋazhinji, nokuti ʋose ʋakaŋga ʋaciti Johane muprofita ɀirokwaɀo. Ʋakapindura ʋaciti kunaJesu: Hatiziʋi. Jesu akati kwaʋari: Neni handiŋgakuʋudziyi ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi.
Mako 11:27-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)