Mako 10:13-16
Mako 10:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura. Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai. Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.” Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza.

Mako 10:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakavaraira. Zvino Jesu akati achizviona, akatsamwa, akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani usingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mahuri.” Ipapo akavafungatira mumaoko, akavaropafadza, ndokuisa maoko pamusoro pavo.
Mako 10:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakazouya vamwe vanhu navana vaduku kwaari kuti aise maoko pamusoro pavo asi vadzidzi vakavarambidza. Asi Jesu paakazviona akatsamwa ndokuti kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwaMwari ndehwevakaita saivava. Chokwadi chaizvo, ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombohupinda.” Iye ndokuvafungatira mumaoko, achivakomborera, achiisa maoko ake pavari.
Mako 10:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakaʋuya naʋana ʋaɗuku kwaari, kuti aʋanyaŋgate; asi ʋadzidzi ʋakaʋaraira. Ɀino Jesu wakati aciɀiʋona, akatsamŋa, akati kwaʋari: Regai ʋana ʋaɗuku ʋaʋuye kwandiri, musaʋadziʋisa, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgaʋakaɗai. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Aninani usiŋgagamuciri ʋushe bgaMŋari somŋana muɗuku, haaŋgatoŋgopindi mabguri. Ipapo akaʋafuŋgatira mumaʋoko, akaʋaropafadza, ndokuisa maʋoko pamsoro paʋo.
Mako 10:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)