Mako 1:40-45
Mako 1:40-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, “Kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya. Akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari uye akaporeswa. Jesu akamuendesa pakarepo akamuyambira zvikuru achiti, “Chenjera kuti urege kuudza mumwe munhu. Asi enda, undozviratidza kumuprista ugobayira chipiriso chakarayirwa naMozisi chokuporeswa kwako, chive chapupu kwavari.” Asi iye akabuda akatanga kutaura akasununguka, achiparadzira shoko iro. Nokuda kwaizvozvo, Jesu haana kuzogona kupinda muguta zviri pachena asi akagara kunze, kunzvimbo dzakanyarara. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kumativi ose.
Mako 1:40-45 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino munhu aiva namaperembudzi akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari, ndokupfugama pamberi pake, akati kwaari, “Kana muchida henyu, munogona kundinatsa.” Akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari, “Ndinoda, chinatswa.” Pakarepo maperembudzi akabva kwaari, akanatswa. Zvino akamurayira kwazvo, akamuendesa pakarepo. Akati kwaari, “Chenjera kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda uzviratidze kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.” Asi iye akabuda, akatanga kuzviudza vanhu vazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokudaro Jesu akanga asingagoni kupinda muguta pachena, asi akanga ari kunze panzvimbo murenje; vakauya kwaari vachibva kumativi ose.
Mako 1:40-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakazouya kwaari munhu aiva namaperembudzi achimuteterera, akapfugama achiti, “Kana muchida henyu munogona kundiporesa nokundichenura.” Zvino Jesu akamunzwira tsitsi ndokutambanudza ruoko rwake kwaari omubata, ndokuti kwaari, “Ndinoda, chipora uchenurwe.” Pakarepo maperembudzi ake akabva apera, akabva achenurwa. Zvino Jesu akamutsindidza akamuendesa pakarepo achiti kwaari, “Uone kuti usataurire kana ani zvake; asi enda undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako sezvakatemwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.” Asi munhu uya paakangoti budei, akatangisa kuparidzira zvinhu pachena achimwaya kwose kwose nyaya iya zvokuti Jesu haana kuzokwanisa kupinda zviri pachena muguta ripi zvaro. Akatenge ogara kunzvimbo dzisina vanhu, asi vanhu vakauya kwaari vachibva kumativi ose.
Mako 1:40-45 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akakumbira ɀikuru kwaari, ndokufugama pamberi pake, akati kwaari: Kana muciɗa, munogona kundinatsa. Akamunzwira ŋgoni, akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati kwaari: Ndinoɗa, cinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari, akanatswa. Ɀino akamuraira kwaɀo, akamuendisa pakarepo. Akati kwaari: Cenjera kuti urege kuʋudza munhu cinhu; asi enda uɀiratidze kumuprista, uɓayire pamsoro pokunatswa kwako ɀakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari. Asi iye wakaɓuɗa, akataŋga kuɀiʋudza ʋanhu ʋazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokuɗaro Jesu wakaŋga asiŋgagoni kupinda muguta pacena, asi wakaŋga ari kunze panɀimbo murenje; ʋakaʋuya kwaari ʋacibʋa kumatiʋi ose.
Mako 1:40-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)