Mako 1:32-37
Mako 1:32-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Manheru acho iwayo zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vairwara navakanga vakabatwa namadhimoni. Guta rose rakaungana pamukova, uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani. Mangwanani-ngwanani, kuchakasviba, Jesu akamuka akabuda mumba akaenda kunzvimbo yaakanga ari oga, ikoko akandonyengetera. Simoni navamwe vake vakaenda kundomutsvaka, uye vakati vamuwana, vakati, “Vanhu vose vanokutsvakai!”
Mako 1:32-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Madekwana, zuva ravira, vakaisa kwaari vose vakanga vachirwadziwa, navakanga vakabatwa nemweya yakaipa. Guta rose rakanga raungana pamusuo. Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi ehosha, akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi akanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva. Mangwanani kuchine rima, akamuka akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akandonyengeterapo. Simoni, navakanga vanaye, vakamutevera. Vakamuwana, vakati kwaari, “Vose vanokutsvakai.”
Mako 1:32-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kuzoti ava manheru, zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vachirwara kana vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. Guta rose rakaungana pamusuo. Jesu akaporesa vazhinji vaiva namatenda akasiyana–siyana, achidzingawo mweya yakaipa mizhinji; akanga asingabvumiri mweya yakaipa iyoyo kuti itaure chinhu nokuti yakanga ichimuziva. Mangwanani–ngwanani, kuchiri kutema, Jesu akamuka akabuda achienda kunzvimbo isina vanhu kwaakandonamata ikoko. Simoni navamwe vaiva naye vakazotevera vachimutsvaka. Kuzoti vamuwana, vakati kwaari, “Vanhu vose vari kukutsvakai.”
Mako 1:32-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Maɗekwana, zuʋa raʋira, ʋakaisa kwaari ʋose ʋakaŋga ʋacirwadziwa, naʋakaŋga ʋakaɓatwa nemŋeya yakaipa. Guta rose rakaŋga raʋuŋgana pamukoʋa. Akaporesa ʋazhinji ʋakaŋga ʋacirwadziwa namarudzi ehosha, akaɓuɗisa mŋeya yakaipa mizhinji; asi wakaŋga asiŋgatenderi mŋeya yakaipa kutaura, nokuti yakaŋga icimuziʋa. Maŋgwanani kucinerima, wakamuka akaɓuɗa, akaenda kunɀimbo murenje, akandonyeŋgetera’po. Simoni, naʋakaŋga ʋanaye, ʋakamuteʋera. Ʋakamuwana, ʋakati kwaari: Ʋose ʋanokutȿakai.
Mako 1:32-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)