Mika 7:18
Mika 7:18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndiani Mwari akaita semi, anoregerera chivi uye anokanganwira kudarika kwavakasara venhaka yake? Hamugari makatsamwa nokusingaperi, asi munofarira kunzwira ngoni.
Mika 7:18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndianiko Mŋari wakafanana nemi, unokaŋganwira ɀakaipa, unopfuʋura kuɗarika kwaʋakasara ʋenhaka yake? Haaŋgagari akatsamŋa nokusiŋgaperi, nokuti unofarira kuʋa nenyasha.
Mika 7:18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndiani Mwari akaita semi anoregerera uipi anokanganwira vanhu kukanganisa kuchitsama chavakasara chenhaka yake. Iye haarambi akashatirwa narini narini nokuti chaanofarira kuita mwoyochena.
Mika 7:18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndiani Mwari akaita semi, anoregerera chivi uye anokanganwira kudarika kwavakasara venhaka yake? Hamugari makatsamwa nokusingaperi, asi munofarira kunzwira ngoni.
Mika 7:18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndianiko Mwari akafanana nemi, anokanganwira zvakaipa, anopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nokuti anofarira kuva nenyasha.
Mika 7:18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiani Mwari akaita semi anoregerera uipi anokanganwira vanhu kukanganisa kuchitsama chavakasara chenhaka yake. Iye haarambi akashatirwa narini narini nokuti chaanofarira kuita mwoyochena.