Svetukira kuzviri mukati

Mika 2:2 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mika 2:2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Vanochiva minda vagoipamba, nedzimba, uye vagodzitora. Vanobira munhu imba yake, nomuvakidzani nhaka yake.

Mika 2 BDSC

Mika 2:2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, dzokuzvitorera idzo; vanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake.

Mika 2 SNA2002

Mika 2:2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ʋanociʋa minda, ndokuipamba, nedzimba, ndokuɀitorera idzo; ʋanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake.

Mika 2 SUB1949

Mika 2:2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Vanochiva minda voitora nechisimba, vanochiva dzimba vachidzibvuta. Vanokukucha munhu pamwechete nemhuri yake, munhu nezvinhu zvake zvenhaka.

Mika 2 SCLB

Mika 2:2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Vanochiva minda voitora nechisimba, vanochiva dzimba vachidzibvuta. Vanokukucha munhu pamwechete nemhuri yake, munhu nezvinhu zvake zvenhaka.

Mika 2 SCLBD