Mateo 9:9-13
Mateo 9:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati achipfuurira mberi achibva ikoko, akaona mumwe murume ainzi Mateo agere pahofisi yomuteresi. Akati kwaari, “Nditevere,” uye Mateo akasimuka akamutevera. Jesu akati agere mumba maMateo vachidya kudya kwamanheru, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakadya naye navadzidzi vake. VaFarisi vakati vaona izvi, vakabvunza vadzidzi vake vachiti, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?” Achinzwa izvi, Jesu akati, “Vasingarwari havatsvagi chiremba, asi vanorwara. Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
Mateo 9:9-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati achibvapo, akaona munhu, ainzi Mateu, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere!” Ipapo akasimuka, akamutevera. Zvino akati agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake. Zvino vaFarisi vachizviona, vakati kuvadzidzi vake, “Mudzidzisi wenyu anodyireiko navateresi navatadzi?” Iye, achizvinzwa, akati, “Vasingarwari havatsvaki n'anga, asi vanorwara. Asi endai, mudzidze kuti ndokudiniko kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro;’ nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
Mateo 9:9-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakabva ipapo avakuenda, akaona mumwe murume anonzi Mateu agere pahofisi yomutero. Akati kwaari, “Nditevere.” Iye akabva asimuka omutevera. Paakanga akagara pakudya mumba, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake. VaFarisei pavakazviona vakati kuna vadzidzi vake, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?” Paakazvinzwa akati; “Vakukutu havadi chiremba asi vanorwara. Endai munodzidza izvi kuti zvinorevei zvokuti, ‘Ndinoda tsitsi kwete chibayiro’ nokuti handina kuuya kuzodaidza vakarurama asi vatadzi.”
Mateo 9:9-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu wakati acibva’po, akaʋona munhu, wainzi Mateo, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere! Ipapo akasimuka, akamuteʋera. Ɀino wakati agere pakudya mumba, tarira, ʋateresi ʋazhinji naʋatadzi ʋakaʋuya ʋakagara pakudya naJesu naʋadzidzi ʋake. Ɀino ʋaFarise ʋaciɀiʋona, ʋakati kuʋadzidzi ʋake: Mudzidzisi wenyu unodyireiko naʋateresi naʋatadzi? Iye, aciɀinzwa, akati: Ʋasiŋgarwari haʋatȿaki ŋaŋga, asi ʋanorwara. Asi endai, mudzidze kuti ndokuɗiniko kuti: Ndinoɗa ŋgoni, handiɗi ciɓayiro; nokuti handina‐kuʋuya kuzoɗana ʋakarurama, asi ʋatadzi.
Mateo 9:9-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)