Mateo 9:9-10
Mateo 9:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati achipfuurira mberi achibva ikoko, akaona mumwe murume ainzi Mateo agere pahofisi yomuteresi. Akati kwaari, “Nditevere,” uye Mateo akasimuka akamutevera. Jesu akati agere mumba maMateo vachidya kudya kwamanheru, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakadya naye navadzidzi vake.
Mateo 9:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati achibvapo, akaona munhu, ainzi Mateu, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere!” Ipapo akasimuka, akamutevera. Zvino akati agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake.
Mateo 9:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakabva ipapo avakuenda, akaona mumwe murume anonzi Mateu agere pahofisi yomutero. Akati kwaari, “Nditevere.” Iye akabva asimuka omutevera. Paakanga akagara pakudya mumba, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake.
Mateo 9:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu wakati acibva’po, akaʋona munhu, wainzi Mateo, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere! Ipapo akasimuka, akamuteʋera. Ɀino wakati agere pakudya mumba, tarira, ʋateresi ʋazhinji naʋatadzi ʋakaʋuya ʋakagara pakudya naJesu naʋadzidzi ʋake.
Mateo 9:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)